RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 11/8 p. 31
  • Kuverengera Vana Zvakunobatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuverengera Vana Zvakunobatsira
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Zvichikosha Kuti Vana Vagare Vachiverenga?—Chikamu 1: Chii Chiri Nani: Kuverenga Kana Kuona Mavhidhiyo?
    Mazano Ekubatsira Mhuri
  • Nei Uchifanira Kuverengera Vana Vako Zvinonzwika?
    Mukai!—2001
  • Itai Kuti Vana Venyu Vafarire Kuverenga Nokudzidza
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Shingairira Kuverenga
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 11/8 p. 31

Kuverengera Vana Zvakunobatsira

NOMUNYORI WEMUKAI! MUPOLAND

Vanoronga chiitiko chegore negore chinonzi “Nyika Yose yePoland Inoverengera Vana” vanoti: “Kuverenga kunokosha kuti munhu ave nezivo uye kuti pfungwa dzishande zvakanaka. . . . Kunovhura musuo wepfuma yepfungwa dzomunhu nezivo yake.” Kana izvi zviri zvechokwadi, nei vanhu vakuru vakawanda nevana vachiona kuverenga sebasa rakakodzera asi risinganakidzi?

Vanoronga chiitiko ichi vanoti: “Tsika yokuverenga nokuda mabhuku inofanira kutangira pauduku.” Vanoudza vabereki kuti: “Kana muchida kuti vana venyu vave vanhu vakachenjera uye vabudirire kuchikoro nomuupenyu, vaverengerei zvinonzwika zuva roga roga kwemaminitsi 20.”

Vabereki vanokurudzirwawo kuti vasanonoka kuverengera vana vavo asi kuti “vatange nokukurumidza sezvinobvira.” Rini? “Ngativerengerei mucheche nenzwi redu, takamubata mumaoko, takamutarisa tichiratidza kuti tinomuda, uye tichiita kuti mwana wacho afarire,” vanokurudzira vabereki kudaro. “Izvi zvichaita kuti agare achifarira kuverenga, achinzwa akachengeteka, achinakidzwa, uye achava pedyo nemi. Uyezve, zvinoita kuti pfungwa dzake dziwedzere kukura.”

Vanoronga chiitiko ichi vanosimbisa kuti “kuverengera vana iye zvino kwava kukosha zvikuru kudarika kare,” uye vanotaura zvimwewo zvakunobatsira. Kuverenga zvinonzwika kunodzidzisa vana kufunga, “kunovabatsira kunzwisisa vamwe vanhu, nyika, uye kuti vazvizivewo, . . . kunoita kuti vafarire zvinhu, kunoumbiridza pfungwa, kunoita kuti pfungwa dziwedzere kukura, kunoita kuti vanzwire vamwe tsitsi, kunovadzidzisa tsika, . . . kunoita kuti vazviremekedze.” Hapana mubvunzo kuti, “ndiko mushonga wezvinhu zvakawanda zvisina kunaka . . . zvingakuvadza pfungwa nomwoyo zvevana,” vanogumisa vachidaro vatungamiriri vechiitiko ichi.

Kuti kuverenga kunyatsobatsira, mabhuku anokurudzira vechiduku kuti vaswedere pedyo noMusiki wavo wokudenga anofanira kushandiswa. Bhaibheri ndiro bhuku rakanaka zvikuru riripo rinotibatsira kuswedera pedyo naMwari. “Kubvira paucheche,” rinodaro Bhaibheri, Timoti wechiduku akanga adzidziswa “zvinyorwa zvitsvene.” (2 Timoti 3:15) Mupurogiramu yavo yokuverengera vana zvinonzwika, vabereki vanogona kushandisa mabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri akadai serinonzi Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, akanyorerwa zvikurukuru vechiduku uye akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe