RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g04 5/8 p. 10
  • Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!
  • Mukai!—2004
  • Mashoko Akafanana
  • “Handina Kufa”
    Mukai!—2011
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 25—Mariro
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Mutsa Unodzora Hasha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2004
g04 5/8 p. 10

Chikonzero Nei Ndisingadi Kuputa!

MUSORO wenyaya uyu wakapiwa kumazana evadzidzi vakapinda mumakwikwi omunyika yose okunyora aitsigirwa neMissouri State Medical Association (MSMA) muUnited States. Vadzidzi vanenge 675 vakabva kuzvikoro 42 vakanyoresa. Breanna ane makore 12 ndiye akapiwa mubayiro, uye nhetembo yake yakahwina yakadhindwa mumagazini yeMSMA inonzi Missouri Medicine. Breanna akavawo nomukana wokuverengera nhume dzakapinda musangano wegore negore weMSMA nhetembo yake. Asati adaro, Breanna akataurira vateereri vake kuti:

“Ndiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, uye pfungwa dzose dziri munhetembo ino dzakabva mumagazini yeMukai! Chokwadi ndechokuti mumwe wemitsara yandinofarira zvikuru munhetembo yacho wakabva pabutiro remagazini ino. Pamusoro pacho pane dehenya rine mudzanga wakarembera pamuromo waro uye pakanyorwa kuti: ‘Rufu Runotengeswa.’ Kwemakore akawanda magazini yeMukai! yakabudisa nyaya dzakawanda pamusoro pengozi dzokuputa.”

Zvapupu zvaJehovha hazvishandisi fodya. Zvinodavira kuti kushandisa nemaune chinhu chipi nechipi chinosvibisa muviri kunoratidza kusaremekedza chipo choupenyu pamwe chete noMusiki. (Mabasa 17:24, 25) Saka, vanoteerera zano romuMagwaro rinoti: “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose.”—2 VaKorinde 7:1.

Kufanana nedzimwe pwere Zvapupu, Breanna anoedza kurarama maererano nezvinotaura Bhaibheri. Zvechokwadi vechiduku vakadaro vose vanoita kuti mwoyo woMusiki wavo ufare.—Zvirevo 27:11.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Breanna (iye zvino ava nemakore 14) akabata nhetembo yake

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe