Mutsa Unodzora Hasha
MUMWE mukadzi wechikuru akanga akafundumwara paakashanyirwa naGeorge naManon, Zvapupu zvokuNetherlands, zvichimuparidzira mashoko akanaka oUmambo. Vakaudzwa kuti akanga afirwa nemurume kaviri uye nemwanakomana, uku achirwara nechirwere chearthritis. Kunyange zvazvo akamboti nyevenukei pavaitaura naye, haana kumbonyatsosununguka.
Zvisinei, George akaudza Manon kuti vanomupa maruva nokuti airatidza kuti akasurukirwa uye akatsamwa. Pavakaenda, saimba wacho, uyo anonzi Rie, akazofara uye akashamiswa. Zvisinei, nguva yavakamushanyira yakanga isinganyatsoiti saka vakarangana kuzodzoka rimwe zuva. Pavakazodzoka panguva yavakanga varangana, havana kumuwana. Kunyange zvazvo vakadzoka nguva dzakasiyana-siyana, vakamushaya. Vakatopedzisira vava kufunga kuti akanga achivavanda.
Mumwe musi George akazowana Rie aripo. Rie akakumbira ruregerero kuti akanga atadza kuwanikwa musi wavakanga varangana achiti akanga ari muchipatara. “Asi ndikakuudzai kuti ndakasara ndichiitei pamakaenda hamungazvibvumi,” akadaro. “Ndakatanga kuverenga Bhaibheri!” Vakabva vatanga kukurukura zvinofadza uye chidzidzo cheBhaibheri chakatanga.
Rie paaidzidza Bhaibheri akashandurwa kubva pakuva munhu akasuruvara ndokuva mukadzi anofara ane mutsa. Kunyange zvazvo akanga asingakwanisi kubva pamba, akatanga kuudza vose vaiuya kuzomuona nezvezvaakanga ava kutenda. Utano hwake hwakanga husingamubvumiri kupinda misangano kakawanda, asi aifara paaishanyirwa nehama nehanzvadzi. Musi waakasvitsa makore 82, akapinda gungano redunhu uye akaratidza kuzvitsaurira kwake kuna Mwari nokubhabhatidzwa.
Papera mwedzi inoverengeka akazofa, uye pakawanikwa nhetembo yaakanga anyora. Munhetembo iyi akatsanangura kutambudza kunoita kusurukirwa kana munhu akwegura uye akatsanangura kuti mutsa unokosha zvakadii. “Pandakaverenga nhetembo iyoyo ndakada kuchema uye ndinofara zvikuru kuti Jehovha akatibatsira kuti tiratidze mukadzi uyu mutsa,” anodaro Manon.
Chokwadi, muenzaniso waJehovha unofanira kuita kuti isu tiratidze vamwe rudo nomutsa. (VaEf. 5:1, 2) Ushumiri hwedu huchava nezvibereko sezvatinoratidza “kuti tiri vashumiri vaMwari . . . nomutsa.”—2 VaK. 6:4, 6.