Sipo—“Mushonga Wokuzvirapa Nawo”
“CHINOURAYA vana zvikuru kwazvo chechipiri munyika yose haisi marariya, kana tibhii, kana AIDS. . . . Manyoka,” inodaro magazini inonzi The Economist. Asi, vaduku ava vakawanda vaizodai vari vapenyu nhasi kudai ivo nemhuri dzavo vaigeza maoko avo nguva dzose nesipo.
Vatsvakurudzi vepaLondon School of Hygiene and Tropical Medicine vakawana kuti “kunyatsogeza maoko kunogona kuderedza zvirwere zvemanyoka ne43 muzana,” inodaro The Economist. “Kungaderedzawo zvakaenzana zvirwere zvokufema, izvo zvinouraya zvikuru kwazvo vana kudarika zvirwere zvose. Kuongorora kukuru kwakaitwa pauto reAmerica kwakaratidza kuti kurwara nezvirwere zvokufema uye kukosora kwakaderera ne45 muzana paigeza mauto acho maoko kashanu pazuva.” Munyika dzichiri kusimukira mhuri dzakawanda dzinokwanisa kutenga sipo. Ndosaka ichirondedzerwa zvakakodzera kuti “mushonga wokuzvirapa nawo.” Mushonga wokuzvirapa nawo usingarwadzi!
Bhaibheriwo rinokurudzira kushambidzika. “Ngatizvichenesei pazvinosvibisa nyama nomudzimu zvose,” inodaro 2 VaKorinde 7:1. Kunyange zvazvo Mwari aine hanya kwazvo nokuchena kwedu kwokunamata, anoonawo kuchena mumuviri kuchikosha. (Revhitiko, zvitsauko 12-15) Zvechokwadi, haatitarisiri kunyanyisa. Asi, inofanira kuva tsika yedu kugeza maoko edu tapedza kushandisa chimbudzi, tapedza kugezesa kana kuchinja mwana manapukeni, tisati tabika kana kuti tagara pasi kuti tidye, uye panguva ipi neipi patinoona kuti tingapfuudza utachiona hunokuvadza kana mavhairasi kuvamwe. Nokugeza maoko edu nguva dzose, tinoratidza rudo rwechiKristu kumhuri yedu uye kuvose vatinosonganira navo.—Mako 12:31.