RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 12/8 pp. 25-26
  • Kuponeswa Kuchaitwa Pasi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuponeswa Kuchaitwa Pasi
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinogadzirisa Kudarika Zvose Chava Pedyo
  • Nei Tichifanira Kuchengetedza Zvakatipoteredza?
    Mukai!—2008
  • Upenyu Hune Donzo Rakaisvonaka
    Chii Chiri Donzo Roupenyu? Unogona Sei Kuriwana?
  • Ndiani Achachengetedza Nyika Kuti Isaparadzwa?
    Dzimwe Nyaya
  • Nyika Ichaparadzwa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 12/8 pp. 25-26

Kuponeswa Kuchaitwa Pasi

PASINEI nokusava netariro nezvakatipoteredza zvepasi pano, tinotarisira kuti richapona. Tinodaro nokuti ndiwo musha wedu—uye tinotarisira kuti rivewo musha wevana vedu nevana vavo. Pane chatinogona kuita here kusimbisa tariro iyoyo?

Chokwadi ndechokuti nepo vanhu vakawanda vachityira zvakatipoteredza, vakawanda havaregi kurasira marara pasi, kurasira tsvina murwizi, kana kusiya magetsi akabaka asiri kushandiswa. Zviito zvakadaro zvingaoneka sezvinhu zviduku, asi dai munhu mumwe nomumwe pamabhiriyoni evanhu vari pasi aingwarira zvaanoitira pasi, zvaizobatsira zvikuru. Zvinhu zvakadai sokuchengetedza simba remagetsi ratinoshandisa, kushandira pamwe nezvirongwa zvokugadzirazve zvitsva kubva kuzvakamboshandiswa, uye kuraswa kwemarara zvakakodzera zvinobatsira kwazvo kuchengetedza zvakatipoteredza. Nemiitiro yedu tinogona kuratidza kuti tine hanya nepasi redu iko zvino.

Zvisinei, hatigoni kudzora zviito zvevanhu vakawanda vakatipota. Izvi zvinoreva here kuti mamiriro acho ezvinhu haana tariro zvachose?

Chinogadzirisa Kudarika Zvose Chava Pedyo

Mashoko akataurwa naThilo Bode wesangano reGreenpeace, sokunyorwa kwaakaitwa mumagazini yeTime, anotaura nezvomudzi wechinetso chezvakatipoteredza: “Vavariro yedu huru yave iri yokuti masangano afunge nezvenzira dzokurasa zvigadzirwa zvawo. Anofanira kufunga zvinhu zvitatu: magadzirirwe azvo, kushandiswa uye kuraswa kwazvo.” Zvinosuwisa kuti tinokwanisa kugadzira zvinhu, tinoziva mashandisirwe azvo, asi hatizvirasi zvakakodzera. Dzimwe nguva vanenge vasingangozivi nzira yokurasa nayo zvakachengeteka.

Vanhu vane pavanoperera, asi Musiki wepasi haana. Akatoratidza uchenjeri hwake husingaenzaniswi muzvinhu zvaakasika zvatinoona pasi pano. Anoziva nzira yokugadzira nayo zvinhu, kuzvishandisa, uye kuzvirasa zvakakodzera. Zvakawanda zvaakaronga zvinongoitika zvoga. Mbeu inomera, chamera chacho chinokura chobereka muchero. Chinobva chafa—chose zvacho chichiparara nenzira isingasvibisi pasi, chatogadzirira kushandiswazve. Iyi inzira yakanaka yokuti zvinenge zvashandiswa zvishandiswezve! Hapana chepfu inosvibisa!

Musiki haasi kuzorega pasi richiparara kuva durunhuru remarara risingagariki. MuBhaibheri, pana Isaya 45:18, tinoverenga kuti: “Zvanzi naJehovha, . . . Mwari wakaumba nyika nokuiita, wakaisimbisa akasaisika kuti rive dongo, asi wakaiumba kuti igarwe.”

Kana Mwari akaumba pasi kuti rigarwe, nei arirega richisvika pamamiriro aya ezvinhu anosuwisa? Bhaibheri rinotsanangura kuti pakutanga vanhu vakaiswa muparadhiso. Kutaura zvazviri, Mwari aiva nechinangwa chokuti Paradhiso iyi isvike pasi rose uye izadzwe nevanhu. (Genesi 1:28) Zvisinei, pakava nokupandukira. Murume nomukadzi vokutanga havana kuda kuramba vachitongwa naMwari.

Mwari akabvumira vanhu kuti vaedze kuzvitonga. Migumisiro yacho ndiyo yatiri kuona nhasi, kukundikana kwakaipisisa. Vanhu vanyatsoratidza kuti havagoni kugadzirisa zvinetso zvavo. Zviripo izvi hazvigoni kunzi imhosva yaMwari. Zvinotaura Bhaibheri nezvenzanga yose yevanhu ndezvechokwadi zvokuti: “Vakamuitira zvakashata, havazi vana vake, ndiko kuremara kwavo; ivo rudzi rwakatsauka, rwakakombama!”—Dheuteronomio 32:5.

Kunyange zvakadaro, Mwari haasi kuzongorega pasi richiparadzwa. Achaita chiito nokukurumidza pasi risati rava nzvimbo yemarara isingagariki. Tinozviziva sei izvozvo? Zvakazarurwa 11:18 inotsanangura kuti: “Marudzi akava nehasha, uye hasha dzenyu dzakauya, nenguva yakatemwa yokuti . . . muparadze vanoparadza pasi.” Kuparadzwa kwepasi kuchamiswa.

Chinangwa chaMwari chokutanga nokuda kwepasi, chokuti rive paradhiso, chichangozadzika. Mwari akataura mashoko anoratidza izvi. Somuenzaniso, akati: “Shoko rangu rinobuda mumuromo mangu; haringadzokeri kwandiri risina, asi richaita zvandinoda.” (Isaya 55:11) Pamwe uchanakidzwa nokuverenga Isaya chitsauko 35, umo Mwari anorondedzera kuchinja kuchaita nzvimbo dzakaparadzwa, kuva mapaki akafanana nebindu uye minda inobereka zvibereko.

Kunyange iye zvino, munzvimbo dzakamiswa kusvibisa, pasi rakaratidza kukwanisa kwaro kuzvivandudza kunoshamisa. Mwari akarisika kuti ridaro. Kana kuremedza pasi nezvinozvibisa kukaregwa, tupukanana twakawanda twakasiyana-siyana turi mumvura nomuvhu tunogona kugadzirisa zvizhinji zvakaparadzwa. Uyezve, pane chimwe chikonzero chokudavira kuti Mwari paanopindira nokutungamirira zvinhu, muitiro uyu wokuzvivandudza kwaro uchanyatsoshanda chaizvo. Anogona kudzidzisa uye kupa kutungamirira zvakakwana izvo vanhu vari kushayiwa iye zvino.

Saka, remangwana repasi rine tariro. Miti nemhuka zvichaponeswa. Hapana mhuka dzichatsakatika. Mhepo yedu nemvura zvichange zvachena zvekare. Vanhu vanoteerera vachange varimo kuti vafadzwe nazvo. Unoda kuzviona here? Unogona. Sei? Bhaibheri rinopa mashoko ane udzame ezvaungaita. Wadii kutanga chidzidzo cheBhaibheri chakarongwa kuti uzvionere woga? Kumbira vabudisi vemagazini ino kuti vaite kuti uonane nomumwe munhu anogona kukubatsira kudaro. Kusiyirei mukana uyu uchienda zvawo wokudzidza nzira yaunogona kurarama nayo mupasi rakachena nokusingaperi iwe nemhuri yako?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe