RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 8/8 pp. 30-31
  • Kuvenga Mamwe Madzinza Kunopembedzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuvenga Mamwe Madzinza Kunopembedzwa Here?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vanopiwa Mhosva Nezviito Zvavo
  • Jesu Akasimudzira Kugamuchira Madzinza Ose
  • Madzinza Akasiyana Muungano yechiKristu
  • Chii Chichapedza Kusagarisana Kwemarudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Nyika Inogona Kubatanidzwa Here?
    Mukai!—1994
  • Ruvengo Ruchazomboguma Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kuda Muvakidzani Kunobvira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 8/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Kuvenga Mamwe Madzinza Kunopembedzwa Here?

WAIZONZWA sei kudai waifungirwa kuti uri munyengeri, une chisimba, uri benzi, kana kuti unoita unzenza nemhaka bedzi yokuti uri munhu werimwe dzinza?a Chokwadi zvaizokusembura. Zvinosuruvarisa kuti ndozvave zvichiitika kumamiriyoni evanhu. Uyezve, kubvira makarekare vanhu vasingaverengeki vakanga vasina mhosva vakatambudzwa kunyange kupondwa nokungoti bedzi ndevorumwe rudzi kana kuti vanobva kune imwe nyika. Chokwadi, hondo dzinodeura ropa rakawanda dziri kugundika muzuva ranhasi dzinokonzerwa nokuvenga mamwe madzinza kwakadzika midzi. Asi, vakawanda vanotsigira chisimba chakadaro vanozviti vanodavira muna Mwari neBhaibheri. Uye pane vamwe vanoti urudzi hucharamba huripo chete—ndiwo magariro evanhu.

Bhaibheri rinotora kuvenga madzinza kwakadaro sokusina basa here? Pane mamiriro ezvinhu angapembedza kuti uvenge vanhu vane tsika kana rudzi zvakasiyana nezvako here? Pane tariro yenguva yemberi isina kuvengana kwemadzinza here? Bhaibheri rinoti kudii?

Vanopiwa Mhosva Nezviito Zvavo

Kungotarisira padenga zvaiitwa naMwari kune vanhu munguva dzekare kungagona kutungamirira munhu kuva nemhedziso dzisina kururama—kuti Mwari ainyatsotsigira kuvengana kwemadzinza. Ko nhoroondo dzeBhaibheri dzakawanda hadziratidzi Mwari somuurayi wemadzinza ose nemarudzi here? Hungu, asi kunyatsoongorora kunoratidza kuti Mwari akatonga vanhu ava nemhaka younzenza hwavo hwokusateerera mitemo yake kwete nemhaka yorudzi rwavo.

Somuenzaniso, Jehovha Mwari akatonga vaKenani nemhaka yetsika dzavo dzakashata dzounzenza nedzechidhimoni. Vaitopisa vana sezvibayiro kuna vanamwari venhema! (Dheuteronomio 7:5; 18:9-12) Zvisinei, mune zvimwe zviitiko vamwe vaKenani vakaratidza kutenda muna Mwari ndokupfidza. Maererano nezvavakaita, Jehovha haana kuvauraya uye akavakomborera. (Joshua 9:3, 25-27; VaHebheru 11:31) Mumwe mukadzi wechiKenani, Rakabhi, akatova tategurukadzi waMesiya akapikirwa, Jesu Kristu.—Mateu 1:5.

Mutemo wakapiwa kuvaIsraeri naMwari unoratidza kuti haasaruri. Kusiyana neizvozvo, ane hanya zvepachokwadi nevanhu vose. Pana Revhitiko 19:33, 34, tinowana murayiro wetsitsi unotevera waibva kuna Mwari uchienda kuvaIsraeri: “Kana mutorwa agere newe panyika yenyu, usamuitira zvakaipa. Mutorwa ugere nemi ngaave kwamuri somunhu wakaberekerwa pakati penyu, unofanira kumuda sezvaunozvida iwe, nokuti nemiwo makanga muri vatorwa munyika ye[Ijipiti]; ndini Jehovha Mwari wenyu.” Mirayiro yakafanana inowanikwa mumabhuku aEksodho naDheuteronomio. Saka zviri pachena kuti Jehovha haana kumbopembedza kuvengana kwemadzinza. Aiomerera pakubatana kwemadzinza.

Jesu Akasimudzira Kugamuchira Madzinza Ose

Jesu paakanga ari pasi pano, vaJudha nevaSamariya vakanga vasingadyidzani. Pane imwe nguva vanhu vaiva mumusha weSamariya vakadzinga Jesu nemhaka bedzi yokuti akanga ari muJudha aienda kuJerusarema. Waizoita sei kudai uriwe wakarambwa kudaro? Vadzidzi vaJesu vangadaro vakaratidza kusarurana kwaivapo mazuva acho pavakamukumbira kuti: “Ishe, munoda here kuti tiudze moto uburuke kubva kudenga uvaparadze?” (Ruka 9:51-56) Jesu akabvumira vadzidzi vake vakanga vaguta ukasha kuti vachinje kufunga kwake here? Kupesana naizvozvo, akavatsiura uye akatsvaka norugare imwe nzvimbo yokugara mune mumwe musha. Pashure paizvozvo, Jesu akapa mufananidzo womuSamariya ane mutsa. Izvi zvinonyatsoratidza kuti dzinza rinobva munhu pacharo harimuiti kuti ave muvengi. Asi, anotogona kuva muvakidzani akanaka kwazvo!

Madzinza Akasiyana Muungano yechiKristu

Muushumiri hwake hwepasi, Jesu aisimbirira pakuita vadzidzi pavanhu vorudzi rwake. Asi akaratidza kuti vamwe vaizova vateveri vake. (Mateu 28:19) Vanhu vemadzinza ose vaizogamuchirwa here? Hungu! Muapostora Petro akati: “Zvechokwadi ndinoona kuti Mwari haasaruri, asi murudzi rwose munhu anomutya uye anoita zvakarurama anogamuchirwa naye.” (Mabasa 10:34, 35) Pane imwe nguva muapostora Pauro akasimbisira pfungwa iyi nokutaura zvakajeka kuti kunobva munhu hakukoshi muungano yechiKristu.—VaKorose 3:11.

Chimwe chiratidzo chokuti Mwari anogamuchira vanhu vanobva mumadzinza ose chinowanikwa mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Mune zvaakaratidzwa naMwari, muapostora Johani akaona “boka guru . . . [ri]nobva kumarudzi ose nemadzinza nevanhu nendimi,” rakawana ruponeso kubva kuna Mwari. (Zvakazarurwa 7:9, 10) “Boka guru” iri richava hwaro hwenzanga itsva yevanhu umo vanhu vanobva kwose kwose vachagara pamwe murugare, vakabatanidzwa nokuda kwavo Mwari.

Parizvino, vaKristu vanofanira kusatonga vamwe nemhaka yedzinza ravanobva. Kuona vanhu sezvavari, sezvinoitwa naMwari, kwete kuvaona seboka rakati redzinza ndiko kusasarura uye kuratidza rudo. Handiti ndomaonerwe aunoda kuitwa? Jesu anotikurudzira zvakakodzera kuti: “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, munofanira kuvaitirawo saizvozvo.” (Mateu 7:12) Kurarama pasina kuvengana kwemadzinza kwakanaka. Kunoita kuti munhu agadzikane mupfungwa uye ave norugare nevamwe. Zvinotokosha zvikuru, zvinotiita kuti tive vakafanana noMusiki wedu asingasaruri, Jehovha Mwari. Chokwadi, ichi chikonzero chinogutsa chokuramba kuvenga vanhu vemamwe madzinza!

[Mashoko Omuzasi]

a Shoko rokuti “dzinza” riri kushandiswa munyaya ino riri kureva vanhu vorudzi, nyika, uye tsika zvakafanana.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe