Tsamba Yakabva Kumudiwa
Mumwe muverengi wokuNew York akafananidza bhuku raSwedera Pedyo naJehovha netsamba inobva kumudiwa, achitsanangura kuti: “Chitsauko chimwe nechimwe chinonyandura mwoyo uye chinokuzadza nokuda Jehovha.” Akawedzera kuti: “Iye zvino zvandapedza kuverenga bhuku racho, ndava kuda kutoriverengazve, sezvaunoita tsamba yabva kumudiwa wako wepamwoyo.” Chimboverenga zvakataurwa nevamwe.
Mumwe muverengi wokuKansas akati: “Ndinonyatsonzwa ndichiswedera pedyo kuna Baba vangu vokudenga. Mwoyo wangu wakazara norudo. . . Ndinotarira kuzoverenga zvakawanda mangwanani oga oga, uye ndicharamba ndichiriverenga kakawanda.”
Mumwe mukadzi wokuMaine akanyora kuti: “Rakaita zvakawanda pakuwedzera kunzwisisa kwandinoita Jehovha! Chokwadi mashoko ari papeji 74 anonyaradza anoti: ‘Kune avo vanofa, hapana nzvimbo yakachengeteka zviri nani yokuva kupfuura mundangariro yaMwari.’” Mumwe munyori wokuAlaska anonzwa zvakafanana anoti: “Rakandiorora zvikuru zvokuti misodzi yakaerera.” Akawedzera kuti: “Ndicharamba ndichiriverenga ndariverengazve.”
Tinofunga kuti uchanzwa zvakafanana neizvi kana ukaverenga bhuku iri. Zvichitevera zvitsauko zvaro zvokutanga zvitatu, bhuku racho rakakamurwa kuva zvikamu zvina zvine misoro inoti “Mukuru Pakusimba Kwake,” “Anoda Zvakarurama,” “Une Mwoyo Wakangwara” uye “Mwari Rudo.” Rinopera nechitsauko chinoti “Swedera Pedyo naMwari, Iye Achaswedera Pedyo Newe.”
Unogona kukumbira bhuku iri rine mapeji 320 rine butiro rakapfava nokuzadza kopani riri papeji ino ndokutumira kukero yakapiwa kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino.
□ Ndinoda kugamuchira bhuku raSwedera Pedyo naJehovha.
□ Ndapota ndionei nokuda kwechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.