AIDS Ichamiswa Here? Kana Zvakadaro, Sei?
KWENGUVA yakati munyika dzakawanda dzeAfrica vanhu vave vachiramba kuti kune denda reAIDS. Inhau iyo vamwe vanhu vanosarudza kusakurukura nezvayo. Zvisinei, mumakore achangopfuura, pakaitwa matanho okudzidzisa zvikurukuru vechiduku uye kukurudzira kukurukura pachena. Kuedza uku kwakabudirira zvishomanana. Mararamiro uye tsika dzevanhu dzakadzika midzi, uye zvakaoma kuti vachinje.
Kufambira Mberi Mune Zvokurapa
Munyaya dzokurapa, masayendisiti akadzidza zvakawanda nezveHIV uye akagadzira mishonga yakarebesa upenyu hwevakawanda. Kusanganiswa kwemishonga mitatu inodzivisa kuberekana kwoutachiona, kunonzi kurapa kunoshanda zvikuru kunodzivisa kuberekana kwoutachiona, kwakashandiswa zvinobudirira.
Nepo isingarapi, mishonga iyi yakabudirira mukuderedza kufa kwevanhu vanorwara neHIV, kunyanya munyika dzakabudirira. Vanhu vakawanda vanosimbisira kukosha kwokuwanisa mishonga yakadaro kunyika dzichiri kusimukira. Zvisinei, mishonga yacho inodhura, uye vanhu vakawanda vari munyika idzi havagoni kuitenga.
Izvi zvakamutsa nyaya inotevera: Kuwana purofiti kunokosha kupfuura kuponesa upenyu hwevanhu here? Mamiriro acho ezvinhu akabvumwa nomukuru wepurogiramu yeBrazil yeHIV/AIDS, Dr Paulo Teixeira kuti: “Hatingaregi zviuru zvevanhu vachizvionera nokushayikwa kwemishonga yokuti vararame, nokungoti chete vamwe vanoda kuwana purofiti yakawandisa kupfuura iya inowanzowanikwa.” Akawedzera kuti: “Ndinonetseka zvikuru nokuti kuda kuwana mari hakufaniri kuiswa pamberi kupfuura zvinhu zvine chokuita noupenyu hwevanhu.”
Dzimwe nyika shoma dzakasarudza kutyora kodzero dzamakambani anogadzira mishonga ndokugadzira kana kutenga rudzi rwakafanana rwemishonga pamutengo uri pasi zvikuru.a Maererano nokumwe kudzidza, “mitengo yakadzikira [yemishongawo zvayo] yakawanikwa kuti yakanga yakaderera ne82 kubva muzana pane mari yainoita muUnited States,” inodaro South African Medical Journal.
Zvipingamupinyi Zvokurapa
Nokufamba kwenguva, makambani emishonga mahombe akatanga kupa mishonga yeAIDS nemitengo iri pasi zvikuru kunyika dzichiri kubudirira dzinoshaya. Zvaivimbwa kuti nokudaro vanhu vakawanda vaizogona kushandisa mishonga yacho. Zvisinei, pane zvipingamupinyi zvikuru zvokukurira kuitira kuti mishonga yakadaro iwanikwe zviri nyore munyika dzichiri kusimukira. Chimwe chacho kudhura kwayo. Kunyange pamitengo yakaderedzwa zvikuru, mishonga yacho inenge ichiri kudhura chaizvo kune vanhu vakawanda vanoida.
Chimwe chinetso ndechokuti mishonga yacho haisi nyore kuishandisa. Mapiritsi akawanda anofanira kunwiwa zuva nezuva panguva dzakatarwa. Kana asinganwiwi nemazvo kana kuti kurapwa kwacho kukavhiringidzwa, izvi zvinogona kutungamirira kurudzi rweHIV rusinganzwi mushonga. Zvakaoma kuva nechokwadi chokuti munhu achaomerera pakunwa mishonga yacho zvakarurama mumamiriro ezvinhu omuAfrica, umo zvokudya zvinenge zviri zvishoma, mvura yokunwa inenge iri shoma, uye zvipatara zvinenge zviri zvishoma.
Uyezve, vanenge vachinwa mishonga yacho vanofanira kuongororwa. Kana ikaramba kushanda, mishonga yavanonwa yakasangana inofanira kusiyaniswa. Vanachiremba vari nyanzvi vanodiwa kuti vaite izvi, uye kuongorora kwacho kunodhura. Uyewo, mishonga yacho ine zvayakashatira, uye nhinhi dzoutachiona dziri kutanga kuvapo.
Muna June 2001 pamusangano chaiwo wezveAIDS weUN General Assembly, pakafungwa kuti paumbwe Global Health Fund kuti ibatsire nyika dzichiri kusimukira. Zvaifungidzirwa kuti mari iri pakati pemabhiriyoni 7 [Z$385] ne10 [Z$550] yaidiwa. Mari yakavimbiswa kubviswa pamari iyi yose kusvika pari zvino ichiri kure neiri kudiwa.
Masayendisiti ane tarisiro yakasimba yokuwana mushonga, uye yakasiyana-siyana iri kuedzwa munyika dzakasiyana-siyana. Kunyange kuedza uku kukabudirira, makore akawanda anopera mushonga wacho usati wagadzirwa, waedzwa, uye wanzi hauna ngozi kuushandisa.
Dzimwe nyika, dzakadai seBrazil, Thailand, neUganda, dzave dzine zvirongwa zvokurapa zvinoonekwa kuti zviri kubudirira. Nokushandisa mishonga inogadzirwa imomo, Brazil yakaderedza nehafu nhamba yevanhu vanofa neAIDS. Nyika duku yeBotswana, ine mari yokuita kudaro, iri kuedza kupa mishonga inodzivisa kuberekana kwoutachiona kune vose vanoida munyika yacho uye iri kuedza kuwanisa nzvimbo dzokurapa dzinodiwa.
Kukurirwa kweAIDS
AIDS yakasiyana nemamwe matenda muchinhu chimwe: Inodzivisika. Kana vanhu vakagadzirira kuomerera pazvinokosha zvinotaurwa neBhaibheri, kazhinji kacho, kana kutoti nguva dzose, vanogona kusabatwa nayo.
Zvinotaurwa neBhaibheri kuti ndidzo tsika zvakajeka. Vasina kuroora kana kuroorwa havafaniri kuita zvepabonde. (1 VaKorinde 6:18) Vanhu vakaroorana vanofanira kuva vakavimbika kumumwe wavo uye havafaniri kuita upombwe. (VaHebheru 13:4) Kuteerera zano reBhaibheri rokurega ropa kunoshandawo kudzivirira munhu.—Mabasa 15:28, 29.
Vaya vakatapukirwa nechekare vanogona kuwana mufaro mukuru uye nyaradzo nokudzidza nezvenyika isina zvirwere yakapikirwa naMwari munguva iri pedyo iri kuuya uye kuchinja kuti vaite maererano nezvinodiwa naMwari.
Bhaibheri rinotivimbisa kuti nokufamba kwenguva nhamo dzose dzevanhu, kusanganisira zvirwere, dzichapera. Chipikirwa ichi chinoziviswa mubhuku raZvakazarurwa: “Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tende raMwari rine vanhu, uye iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Uye Mwari pachake achava navo. Uye achapukuta misodzi yose pamaziso avo, uye rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipo. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.’”—Zvakazarurwa 21:3, 4.
Vimbiso iyoyo haina kungoitirwa vaya vanogona kurapwa nemishonga inodhura. Chipikirwa chechiprofita chaZvakazarurwa chitsauko 21 chinosimbiswa pana Isaya 33:24 kuti: “Hakuna ugeremo uchati: Ndinorwara.” Ipapo vanhu vose vari panyika vachararama maererano nemitemo yaMwari uye vachava noutano hwakakwana. Saka, kupararira kukuru kweAIDS kunouraya—nezvimwe zvirwere zvose—kuchamiswa zvachose.
[Mashoko Omuzasi]
a Mishongawo zvayo iyi yakafanana neiya inenge ine kodzero dzokugadzirwa nemakambani emishonga bedzi. Nyika dziri nhengo dzeWorld Trade Organisation dzinogona kusatevedzera kodzero dzemakambani aya dzokugadzira mishonga yacho kana zvinhu zvashata.
[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 9, 10]
UKU NDIKO KURAPWA CHAIKO KWANDAITSVAGA
Ndinogara kumaodzanyemba kweAfrica, uye ndine makore 23. Ndinoyeuka zuva randakaziva kuti ndine HIV.
Ndakanga ndiina amai vangu mukamuri rokuona chiremba apo chiremba akandiudza nyaya yacho. Akanga ari mashoko anosuruvarisa zvikuru kupfuura ose andakanga ndanzwa muupenyu hwangu. Ndakavhiringidzika. Ndakatadza kuzvibvuma. Ndakafunga kuti zvichida vanoongorora ropa vakanga vakanganisa. Ndakatadza kuziva zvokutaura kana zvokuita. Ndakada kuchema, asi misodzi yakaramba kubuda. Chiremba akatanga kukurukura naamai vangu nezvemishonga inoderedza simba routachiona nezvimwewo zvinhu, asi ndakanga ndavhunduka zvokutadza kana kunzwa chimwe chazvo.
Ndakaziva kuti ndinogona kunge ndakatapurirwa nomumwe murume payunivhesiti pandakanga ndichidzidza. Ndaida zvikuru kutaura nechero munhu aizonzwisisa mamiriro angu ezvinhu, asi ndakashaya kuti angava ani. Ndakanzwa ndisina maturo uye ndakafunga kuti ndakundikana. Kunyange zvazvo vomumhuri mangu vainditsigira, ndaishaya tariro uye ndaitya. Kungofanana nowechiduku wose, ndaiva nezvakawanda zvandaida kuita muupenyu. Ndakanga ndangosarirwa nemakore maviri kuti ndipedzise dhigirii rangu resayenzi, asi tariro iyoyo yakavhiringwa.
Ndakatanga kushandisa mishonga inoderedza simba routachiona uyewo ndakaenda kuna vanachipangamazano veAIDS, asi ndaingonzwa kuora mwoyo. Ndakanyengetera kuna Mwari kuti andiratidze chiKristu chechokwadi ndisati ndafa. Ndaipinda imwe chechi yePentecostal, asi hapana kana ani zvake wokuchechi ikoko akandishanyira. Ndaida kuziva chokwadi chokuti ndaizoenda kupi kana ndafa.
Mamwe mangwanani mukutanga kwaAugust 1999, vamwe veZvapupu zvaJehovha vaviri vakagogodza pasuo rangu. Ndairwara zvikuru zuva iroro, asi ndakagona kugara muimba yokutandarira. Vakadzi vaviri vacho vakazvisuma vakataura kuti vakanga vari kubatsira vanhu kudzidza Bhaibheri. Zvaizorodza kwazvo kuti minyengetero yangu yakanga yapindurwa. Asi ipapo ndakanga ndakaneta zvikuru zvokuti ndakanga ndisingagoni kuverenga kana kuteerera kwenguva refu.
Kunyange zvakadaro, ndakavaudza kuti ndaida kudzidza Bhaibheri, uye vakaronga kuzondiona. Zvakazofambawo nepamwe kuti pavakasvika, ndakanga ndaendeswa kuchipatara chevanhu vakavhiringika pfungwa nokuda kwokuora mwoyo kwandakanga ndaita. Ndakabudiswa kwapera vhiki nhatu uye ndakanyevenutswa nokunzwa kuti Zvapupu zvacho zvakanga zvisina kundikanganwa. Ndichiri kuyeuka kuti mumwe wavo airamba achindifonera kuti anzwe kuti ndava sei. Ndakabva ndati porei, uye ndakatanga kudzidza Bhaibheri pakunopera kwegore. Zvisinei, zvakanga zvakati omei nokuti utano hwangu hwakanga husina kutsarukana. Asi munhu aidzidza neni ainzwisisa uye akanga ane mwoyo murefu.
Ndakafara zvikuru pandakadzidza nezvaJehovha nounhu hwake muBhaibheri uyewo kunyatsoziva zvazvinoreva kana zvichinzi kumuziva uye kutarisira kuzowana upenyu husingaperi. Kokutanga, ndakazivawo kuti nei vanhu vachitambura. Zvakandifadza kwazvo kudzidza nezvoUmambo hwaMwari, huchabvisa hurumende dzevanhu dzose. Zvakandikurudzira kuchinja mararamiro angu zvachose.
Uyu ndiwo mushonga chaiwo wandakanga ndiri kutsvaga. Zvainyaradza kwazvo kuziva kuti Jehovha achiri kundida uye kuti ane hanya neni! Pakutanga, ndaifunga kuti Mwari aindivenga uye kuti ndosaka ndakanga ndatapukirwa nechirwere ichi. Asi ndakadzidza kuti Mwari akaita urongwa hworudo hwokukanganwirwa kwezvivi pahwaro hwechibayiro chaJesu Kristu. Ndakabva ndaziva kuti Mwari ane hanya, sezvinotaurwa pana1 Petro 5:7 kuti: ‘Kandirai kufunganya kwenyu kwose paari, nokuti ane hanya nemi.’
Nokudzidza Bhaibheri zuva nezuva uye kupinda misangano paImba yoUmambo, ndiri kushanda nesimba kwazvo kuti ndive pedyo naJehovha sezvandingagona. Nepo zvisiri nyore nguva dzose, ndinokandira kufunganya kwangu kuna Jehovha mumunyengetero uye ndinokumbira kuti andipe simba nokundinyaradza. Vomuungano vanonditsigirawo, saka ndiri kufara.
Ndinogara ndichibuda mubasa rokuparidza pamwe neveungano yandinopinda nayo. Ndinoda kubatsira vamwe mune zvokunamata, kunyanya vaya vari mumamiriro ezvinhu akafanana neangu. Ndakabhabhatidzwa muna December 2001.
[Mufananidzo]
Ndakawana mufaro mukuru nokudzidza nezvoUmambo hwaMwari
[Mufananidzo uri papeji 8]
Boka ravanachipangamazano vezveAIDS muBotswana
[Mufananidzo uri papeji 10]
Muparadhiso yepasi, vose vachava noutano hwakakwana