Chinwiwa Chinozorodza Chinogadzirwa Nechirimwa Chinoshamisa
NOMUNYORI WEMUKAI! MUNIGER
UNODA chinwiwa chinotonhorera musi unenge uchipisa zuva here? Mhuri dzakawanda dzoKumadokero eAfrica dzinonwa chinwiwa chinozorodza chine ruvara runoyevedza, chinonaka, chinovaka muviri, uye chisingadhuri—chinogadzirwa nechimwe chirimwa. Chinwiwa chacho chinonzi bissap, uye chirimwa chacho chinoita maruva, ndechorudzi rwemarose omunzvimbo dzinopisa zvikuru. Chirimwa ichi chingareba mamita maviri kana kupfuura. Chinorimwa mumatunhu akasiyana-siyana enyika asi kunyanya dziya dzisinganayi mvura yakawanda dzakadai seNiger, Mali, uye Senegal.
Kugadzirwa kweBissap
Chipunu chimwe chete chemashizha eruva racho chinoiswa muinenge rita imwe yemvura. Musanganiswa wacho unofashaidzwa uye wosiyiwa wakadaro kwemaminitsi 15 kusvika ku20. Mashizha acho anobviswa, uye tii yacho inganwiwa ichipisa kana kuti yatonhora, iine shuga kana kuti isina. Nhasi tinoda kugadzira chinwiwa chinotonhora chichanwiwa nevana, saka tichawedzera shuga. Dzimwe mhuri dzinobikawo chinwiwa ichi nemint kana kuti nefurawa yevanilla. Bissap inotonhorera, ine utsvuku hunoyevedza, inodirwa mutubhegi tudiki twepurasitiki, tunozosungwa pamusoro. Yakodzera zvino kuipa vana vanoida kwazvo! Vanobvarura nomufaro kona yebhegi racho uye vanonakirwa nechinwiwa chavo chavanodisisa. Chokwadi, vamwe vanoda kuinwira mugirazi.
Pane kungozipa chete, zvinonzi bissap yakakunakira. Ine calcium, phosphorus, iron, mavhitaminzi A neC, uye mamwewo! Vamwe vanoti bissap inozorodza, inobatsira kuti weti ifambe zvakanaka, uye inoita kuti chitaka chishande zvakanaka. Zvisinei nezvachinoita, tinofara kuti pane kungotaridzika zvinoyevedza, chirimwa ichi chinobudisa chinwiwa chinovaka muviri, chinozorodza!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Mufananidzo naKazuo Yamasaki