Bhuku Ringabatsira Kuchengetedza Michato
MUMWE MUKADZI ANONZI LESLIE, muLouisiana, U.S.A., akatambira nhare yaibva kumumiriri weYunivhesiti yeTulane. Akamuridzira nhare wacho akati Tulane, neimwewo yunivhesiti, yakanga iri kuongorora vatsva vachangobva kuchata muLouisiana.
Abvuma kubatanidzwa muongororo yacho, mukadzi wacho akatambira pepa remibvunzo, akarizadza, uye akaritumira pamwe nekopi yebhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Akatsanangura kuti iye nomurume wake vaiva Zvapupu zvaJehovha uye vainge vadzidza bhuku irori pamwe chete pavaigadzirira kuroorana.
Vhiki shomanana gare gare, akatambira tsamba yaibva kumukuru mukuru wechirongwa chacho, uyo akanyora kuti: “Tinonyatsotarisira kuti vakaroorana vakaita sewe nomurume wako mungatidzidzisa chinodiwa kuti michato isimbe uye ive nomufaro. Sezvo muchibva mumamiriro ezvinhu akasiyana izvi zvinokosha nokuti zvinowanzoita kuti muchato uome. Asi kugadzirira kwenyu kuroorana, kunyanya muchishandisa bhuku seramakatumira, kuchaita kuti mugone kubata nemisiyano ipi neipi ingamuka. Uye, zvechokwadi, kuvakira pachitendero ihwaro hunokosha kwazvo nokuda kwomuchato. Mose mune rombo rakanaka pakuti munotenda zvakasimba zvakafanana uye munotsamira pakubatsira kwaMwari.
“Bhuku ramakanditumira ndakariisa padhesiki rangu, uye iye zvino ndinoriratidza vadzidzi vangu pavanondibvunza zano rezvokuroorana. Handina kumbobvira ndaona bhuku rakadai, uye chokwadi rakazonaka.”
Tinodavira kuti iwewo uchawana kuti bhuku iri rinokosha. Kana uchida kopi, tapota zadza kopani riri pano wotumira kukero yaratidzwa pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dzakarongwa papeji 5 yemagazini ino. Uchawana mashoko akakodzera angakubatsira kupedza zvinetso uye kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze sezvinoda Musiki.
□ Nditumirei kopi yebhuku raChakavanzika Chomufarwa Wemhuri.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.