Zvinotaura Bhaibheri
Mwari Anofarira Hondo Here?
VATONGI, vakuru vehondo, uye kunyange vafundisi vakawanzorayira kana kuti kutanga hondo muzita raMwari! Muna 1095, nokukomborera kwaPope Urban II, Hondo Tsvene Yokutanga yevaKristu yakaitwa nechinangwa chokutora “Guta Dzvene” Jerusarema kuti rive rechiKristudhomu. Asi risati rasvitsa vavariro yaro, rimwe boka revaKristu vakaita Hondo Tsvene rakaparadzwa nevaTurk, vaishingairira Allah nokutenda kwakasimba kwaiva kwakangofanana nokutenda Utatu kwevaKristu ivava vakaita Hondo Tsvene.
Muna August 1914, wechiduku wokuGermany akanyora ari kudivi rake muHondo Yenyika I kuti: “Kana paine kururamisira nokutungamirira kwaMwari munhau—uye zvandine chokwadi kuti zviripo—ndisu tiri kukunda.” Mumwedzi mumwe chete iwoyo, Czar Nicholas II akaita kuti mauto ake eRussia arwise Germany, achiti: “Ndiri kutumira kwaziso yangu kumauto angu ane simba uye kuvabatsiri vangu vane mukurumbira. Mwari anesu!”
Saka ashingiswa, mamiriyoni evarwi akarwa, achinyatsodavira kuti Mwari ari kudivi rawo. Vanhu vakawanda vanofunga kuti Mwari anobvumira kurwa kwakadaro kuti pave norusununguko, uye vanotaura nezvehondo dziri muMagwaro echiHebheru (anowanzonzi Testamendi Yekare) kuti vazvitsigire. Kududzira kwavo Shoko raMwari kwakarurama here?
Hondo dzevaIsraeri Vekare
Jehovha Mwari akarayira kuti vaIsraeri vaite hondo kuti vabvise vaKanani vakaipa muNyika Yakapikirwa. (Revhitiko 18:1, 24-28; Dheuteronomio 20:16-18) Sokuranga kwakaita Mwari vaiti vezvakaipa achishandisa boporodzi muzuva raNoa uye moto muSodhoma neGomora, nokudaro akashandisa rudzi rwaIsraeri somunondo wake wokuparadza.—Genesi 6:12, 17; 19:13, 24, 25.
Maererano neBhaibheri, vaIsraeri vakarwa dzimwe hondo vachitungamirirwa naMwari, kakawanda kacho kuti vadzivise vavengi vaingouya vasina kudenhwa. Rudzi rwacho parwaiteerera Jehovha, rwairwa hondo dzaizoguma zvakanaka. (Eksodho 34:24; 2 Samueri 5:17-25) Asi paiwanzoitika njodzi kana Israeri aramba kurwa maererano nezano raMwari. Chimbofunga nezvaMambo Jerobhoami. Achifuratira nyevero yakananga youprofita, akaita kuti uto rake guru rirwise Judha muhondo yourudzi. Pakazopera hondo yacho, varwi vaJerobhoami 500 000 vakanga vafa. (2 Makoronike 13:12-18) Kunyange Mambo akatendeka Josiya pane imwe nguva akapindira muhondo yainge isiri yake. Chisarudzo ichocho chechimbi-chimbi chakaita kuti arasikirwe noupenyu hwake.—2 Makoronike 35:20-24.
Zviitiko izvi zvinoratidzei? Kuti kuvaIsraeri vekare, kusarudza kuita hondo kwaiitwa naMwari. (Dheuteronomio 32:35, 43) Aiita kuti vanhu vake varwe nokuda kwezvinangwa chaizvo. Zvisinei, zvinangwa izvi zvakapedzwa kare kare. Uyezve, Jehovha akafanotaura kuti vaya vanomushumira “pamazuva okupedzisira” vaizo“pfura minondo yavo vachiita mapadza” uye “havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:2-4) Zviri pachena kuti hondo dzinotaurwa muBhaibheri dzakasiyana nedzemazuva ano, hapana kana neimwe inoitwa zvichitungamirirwa naMwari kana nokurayira kwake.
Zvinovapo Nokudzidzisa kwaKristu
Paaiva pasi pano, Jesu akaratidzira kutsiviwa kungaitwa ruvengo norudo rusina udyire, nokurayira kuti: “Mudanane sokuda kwandakakuitai.” (Johani 15:12) Akatiwo: “Vanofara vanoita rugare.” (Mateu 5:9) Pano shoko rechiGiriki rokuti “rugare” rinoreva zvinopfuura kuva norunyararo. Chaizvoizvo rinoreva kuita kuti pave norugare, kunyatsoshandira kusimudzira mufaro.
Jesu paakanga osungwa, muapostora Petro akaedza kumudzivirira nechombo chinouraya. Asi Mwanakomana waMwari akamurayira achiti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” (Mateu 26:52) VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakashandisa sei mashoko iwayo? Ona mashoko anotevera.
“Kunyatsodzokorora mashoko ose aripo [kunoratidza] kuti, kutozosvikira munguva yaMarcus Aurelius [121-180 C.E.], hapana muKristu akava murwi; uye hapana murwi aizoramba ari mubasa rechiuto kana ava muKristu.”—The Rise of Christianity.
“Unhu hwevaKristu [vepakutanga] hwaiva hwakanyatsosiyana nehwevaRoma. . . . Sezvo Kristu akanga aparidza rugare, vakaramba kuva varwi.”—Our World Through the Ages.
Nemhaka yokuti vadzidzi vaKristu vakaramba kushanda mumauto amambo, vakawanda vavo vakaurayiwa nevaRoma. Nei vaKristu vakaramba vakaomerera pane izvozvo zvakanga zvisina kujairika? Nokuti Jesu akavadzidzisa kuti vave vaiti vorugare.
Hondo Dzemazuva Ano
Fungidzira kutyisa kwazvaizoita kudai vateveri vaKristu vaifanira kurwisana muzvikwata zvakasiyana, vachiedza kuurayana. Mamiriro ezvinhu akadaro aizopesana nenheyo dzemitemo yechiKristu. Chaizvoizvo, vaya vanoteerera Mwari weBhaibheri havazokuvadzi munhu upi noupi—kunyange vavengi vavo.a—Mateu 5:43-45.
Zviri pachena kuti Mwari haakomboreri hondo dzemazuva ano dzokuurayana kwevanhu. Zvavane rugare, vaKristu vechokwadi vanotsigira rugare ruchava munyika yose pasi poUmambo hwaMwari.
[Mashoko Omuzasi]
a Bhaibheri rinotaura nezve“Ha–Magedhoni,” inonziwo “hondo yezuva guru raMwari Wemasimba Ose.” Iyi haisi hondo yevanhu, asi kuparadza kwaMwari vaiti vezvakaipa kunosarudza. Nokudaro, Ha–Magedhoni haingaiti kuti hondo dzemazuva ano dzevanhu dzinzi dzakarurama kana kuti Mwari ari kudzikomborera.—Zvakazarurwa 16:14, 16; 21:8.
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mukuru mukuru wehondo Francisco Franco wokuSpain, aine vafundisi vanoverengeka veKaturike
[Kwazvakatorwa]
U.S. National Archives photo
[Mufananidzo uri papeji 28]
Varwi vachikomborerwa nevapristi veGreek Orthodox vasati vaenda kuKosovo, musi waJune 11, 1999
[Kwazvakatorwa]
AP Photo/Giorgos Nissiotis