RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 5/8 pp. 16-18
  • Nei Wandinogara Naye Achinetsa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nei Wandinogara Naye Achinetsa?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kugara Nomunhu Wausingazivi
  • Kurerwa Zvakasiyana, Kuita Zvinhu Nenzira Yakasiyana
  • Foni—Chinetso
  • Kushaya Nguva Yokuva Woga
  • Ndingawirirana Sei Newandinogara Naye?
    Mukai!—2002
  • Ndingawana Sei Wokugara Naye Akanaka?
    Mukai!—2002
  • Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Basa Rokuita Kuti Vanhu Vave Vadzidzi Rakaita Kuti Upenyu Hwangu Huve Zvahuri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 5/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Nei Wandinogara Naye Achinetsa?

“Ini ndiri munhu akashambidzika zvokushambidzika zviya. Asi pandinodzoka kumba, wandinogara naye anenge akazvambarara pasi achiona TV—mapepa nemaputi zvakati mwarara nemba yose. Pose pandinodzoka kumba, ndinenge ndichiziva zvandichasangana nazvo, uye ndinoti nechomumwoyo, ‘Handidi hangu kupinda mumba macho.’”—David.

“Wandaigara naye akanga akajaidzwa chaizvo. Kuda aifunga kuti pane vashandi vaiita zvose vaigara nesu. Uye aingoda kuti zvinhu zviitwe sezvaaida iye.”—Renee.a

“KUDZIDZA kushivirira mitemo yomumwe munhu wausingazivi kunogona kukudzidzisa . . . kugarisana nevamwe vanhu,” yakadaro imwe nyaya yakanga iri mumagazini inonzi U.S.News & World Report. “Asi kudzidza kwacho kunowanzorwadza.” Vaya vakambogara nomumwe munhu vangabvumirana nemashoko aya.

Vadzidzi vakawanda vepayunivhesiti vanogara nomumwe kuti vabatsirane kuderedza mari yavanoshandisa pakudzidza. Vamwe vaduku vanogara nomumwe nokuti vanenge vachida kuzvimiririra pasina vabereki vavo. Kana vari vaKrsitu vaduku, vamwe vakatanga kugara nomumwe munhu kuti vakwanise kuenderera mberi vachinamata. (Mateu 6:33) Vanoona kuti kuva nomumwe wokubatsirana naye kunoderedza mari yokurarama nayo uye zvinovabatsira kuti vashumire mubasa rokuparidza renguva yakazara. Kuva nomumwe wokugara naye pane dzimwe nguva kunoitika muupenyu hwemamishinari uye pamahofisi ebazi akasiyana-siyana eZvapupu zvaJehovha.b

Mukai! yakataura nevarume nevakadzi vaduku vanoverengeka vakambogara nomumwe munhu. Vose vakabvuma kuti munhu wokugara naye anokwanisa kuita zvinodarika kubhadhara rendi—anogona kuva shamwari, mumwe munhu wokutaura naye uye wokuita zvinhu naye. “Taikwanisa kugara pasi totaura nyaya dzinofarirwa nevasikana kana kuona terevhizheni,” anoyeuka kudaro Lynn. “Waunogara naye anokwanisawo kukukurudzira,” anodaro Renee. “Dzimwe nguva kana uchienda kubasa, uchiedza kubhadhara zvikwereti, kuedza kuparidza, zvakanaka kuva nomumwe waunogara naye anokukurudzira.”

Kunyange zvakadaro, kugara nomumwe munhu—kunyanya uya waunenge usingambozivi pakutanga—kunogona kuva kwakaoma chaizvo. Maererano nezvinoitika pakoreji, U.S.News & World Report yakati: “Pasinei nokuedza kwakakura kunoitwa nemakoreji kuita kuti vana vanowirirana vagare pamwe chete, zvisingafadzi ndizvo zvinowanzoguma zvaitika.” Chokwadi, makakatanwa pakati pevadzidzi vepakoreji vanogara vose akasvika pakurwisana kwavo! Saka Makombiyuta akasvika pakushandiswa nevana kuti vataure zvose zvavasingafariri pavanhu vavanogara navo. Nei kugara nomumwe munhu kuchiva kwakaoma zvikuru?

Kugara Nomunhu Wausingazivi

“Kutanga kugara nomunhu wausingazivi kunoti nakidzei,” anodaro Mark. “Unenge usingazivi kuti achange ari munhu akaita sei chaizvo.” Chokwadi, kufunga nezvokugara nomumwe munhu waunowirirana naye zvishoma kana wausingawirirani naye kunokwanisa kuvhiringidza chaizvo. Hungu, vaKristu vanofanira kuva nezvinhu zvakawanda zvavanofarira vose uye zvinhu zvakawanda zvokutaura nezvazvo. Kunyange zvakadaro, David anobvuma kuti: “Ndaitya chaizvo kugara nomumwe munhu.”

Zvisinei, zvakazoitika kuti munhu akanzi agare naDavid akanga akakurirawo kwakafanana naye. Asi havasi vose vanokwanisa kufanana kwavanobva zvakadaro. Mark anoti: “Wandakatanga kugara naye akanga asinganyanyi kutaura. Kana uchigara nomumwe munhu muimba imwe chete, unenge uchida kutaura. Asi aisataura. Zvakandinetsa chose.”

Kusiyana kwenzvimbo dzamunobva kunokwanisa kuita kuti zvinhu zvinetse zvekare. Lynn anoti: “Paunotanga kugara woga, unenge uchida kuita zvinhu sezvaunoda. Asi nokukurumidza unozoona kuti pane vamwe vanhu vanenge vachidawo kuita zvavanoda.” Paya paunenge uchibva kumba kwakanga kwakachengeteka zvakanaka, zvinogona kuvhiringidza kuziva kuti vamwe vanhu vanoona zvinhu nenzira yakasiyana zvachose newe.

Kurerwa Zvakasiyana, Kuita Zvinhu Nenzira Yakasiyana

Zvakawanda zvinoenderana nokudzidziswa—kana kuti kusadzidziswa—kwakaitwa munhu nevabereki vake. (Zvirevo 22:6) Fernando muduku anoti: “Ndiri munhu akashambidzika, asi wandaigara naye aiva fende. Somuenzaniso muwadhirobhu: Aifarira kukanda zvinhu pose pose. Ndaifarira kuturika zvinhu panzvimbo yazvo.” Dzimwe nguva kusiyana kwemaonero kunogona kunge kwakanyanya.

Renee anoyeuka kuti: “Ndakanga ndichigara nomumwe aiva nemba yake yokurara yaiita kunge nzvimbo inorasirwa marara! Ndakambogarawo nevamwe vakanga vasingachenesi tafura kana vapedza kudya kana kuti vaisiya ndiro dzisina kusukwa kwemazuva maviri kana matatu.” Hungu, kana yava nyaya yokuita basa mumba, vamwe vanoita sokuti ndivo vakanyorerwa mashoko ari pana Zvirevo 26:14 anoti: “Gonhi rinotendereka pamahinji aro; ndizvo zvinoita simbe panhovo dzayo.”

Kune rimwe divi, kugara nomunhu asingatombodi tsvina zvachose hakunakidzi. Nezvomunhu waaigara naye, mumwe mudzimai muduku anonzi Lee anoti: “Zvaaida ndezvokuti tichenese mumba awa yoga yoga. Handisi fende, asi pane dzimwe nguva ndaisiya zvinhu zvakadai semabhuku zviri pamubhedha pangu. Aifunga kuti ndiye aifanira kutaura zvinofanira kuitwa.”

Vanhu vanogara vose vanogona kunge vaine pfungwa dzakasiyana maererano nokuzvishambidza. Mark anotsanangura kuti: “Wandinogara naye anononoka kumuka chaizvo. Anomhanyira kusingi, anodira mvura mumusoro wake, obuda oenda.”

Kurerwa kwakasiyana uye unhu hwakasiyana hunogona kuita kuti zvinofarirwa pakutandara uye kuzvivaraidza zvisiyane. “Hatifariri mimhanzi yakafanana,” Mark anodaro achireva nezveuyo waanogara naye. Zvisinei, kana paine kuremekedzana, kusiyana kwepfungwa kwakadaro kunogona kuva kunobatsira, zvichida zvichiita kuti vose vari vaviri vafarire zvimwe zvinhu zvavanga vasingafariri kare. Asi kakawanda kacho, kusiyana uku kunogumira mukunetsana. “Ini ndinofarira mimhanzi yevaimbi vokuSpain,” anodaro Fernando, “asi wandinogara naye anenge achingoishora nguva dzose.”

Foni—Chinetso

Kushandisa foni kunogona kuita kuti pave nemakakatanwa akakura chaizvo. Mark anoti: “Ndinofarira kurara. Asi wandinogara naye anononoka kurara achitaura pafoni. Izvozvo zvinogona kushatirisa pashure pechinguva.” Lynn anoyeukawo kuti: “Dzimwe nguva shamwari dzewandaigara naye dzairidza foni na3 kana na4 mambakwedza. Paainge asipo, ndaitofanira kumuka kunodavira foni yacho.” Vakagadzirisa sei zvinhu? Takaita kuti mumwe nomumwe ave nefoni yake.”

Zvisinei, havasi vechiduku vose vanokwanisa kuva nefoni yake yake, uye vakawanda vanotofanira kushandisa imwe chete. Izvi zvinogona kuita kuti pave nemakakatanwa chaiwo. Renee anoyeuka kuti: “Mumwe wandaigara naye akanga ane mukomana waaidanana naye, uye kazhinji aigara pafoni kwemaawa akawanda. Mumwe mwedzi akaita bhiri refoni raipfuura US$90 (Z$4 950.) Akati taifanira kubatsirana kubhadhara mari yacho nokuti takanga tabvumirana kuti mumwe nomumwe aizobhadhara hafu.”

Kukwanisa kushandisa foni chinogona kuva chimwe chinetso. “Ndakanga ndichigara nomumwe akanga ari mukuru kwandiri,” anoyeuka kudaro Lee. “Uye takanga tiine foni imwe chete. Ndaigara pafoni nguva dzose nokuti ndakanga ndiine shamwari dzakawanda. Hapana zvaakambotaura. Ndakafunga kuti kana achida kushandisa foni achandiudza. Iye zvino ndava kuona kuti ndakanga ndisingafungiwo nezvake.”

Kushaya Nguva Yokuva Woga

“Mumwe nomumwe anoda nguva yokumbova oga,” anodaro David. “Dzimwe nguva, ndinoda kungogara pasina zvandiri kuita.” Zvisinei, kuwana nguva yokuva woga kunogona kuva kwakaoma kana uchigara nomumwe munhu mumba mako. “Ndinoda chaizvo kuva neimwe nguva pandinenge ndiri ndoga,” anodaro Mark. “Saka kushaya nguva yokuva ndoga kwave kwakandiomera zvikuru. Ini newandinogara naye tinenge tiri pamba panguva imwe chete. Saka zvakaoma kuwana nguva yokuva ndoga.”

Kunyange naJesu Kristu pane dzimwe nguva aida kuva oga. (Mateu 14:13) Saka zvinogona kushatirisa kana waunogara naye achiita kuti zviome kuverenga, kudzidza kana kufungisisa. Mark anoti: “Zvakaoma kudzidza nokuti pane chimwe chinhu chinenge chichiitika chete. Anodaidza shamwari dzake, anenge ari pafoni, kana kuti anenge ari kuona terevhizheni kana kuti kuteerera redhiyo.”

Zvisinei, kunyange zvazvo kurarama nomumwe munhu muimba imwe chete kwakaoma, zviuru zvevechiduku zvakakwanisa kubudirira. Dzimwe nyaya dzichatevera dzichataura mazano anoshanda okuita kuti ukwanise kubudirira kugara nomumwe munhu.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Kunyange zvazvo mazano aya ari kunyanya kutaurirwa vechiduku, anokwanisa kubatsirawo vakuru vakasarudza kutsvaka mumwe munhu wokugara naye pakachinja zvinhu, zvakadai sokufirwa.

[Mufananidzo uri papeji 16, 17]

Kusiyana kwemimhanzi yamunofarira kunogona kuparira zvinetso

[Mufananidzo uri papeji 18]

Kusafungawo vamwe kunogona kuita kuti zvinhu zviome

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe