RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 4/8 pp. 12-13
  • VaKristu Vanofanira Kutarisira Kudzivirirwa naMwari Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Vanofanira Kutarisira Kudzivirirwa naMwari Here?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudzivirirwa Kunoshamisa Kunotaurwa Munyaya dzomuBhaibheri
  • Chinoita Kuti Zvinhu Zvakaipa Zviitike Kuvashumiri Vakatendeka vaMwari
  • Kudzivirira Kunoita Jehovha Vanhu Vake Mazuva Ano
  • Mwari Anoita Maererano Nechinangwa Chake
  • Simba Rekudzivirira​—“Mwari Ndiye Nzvimbo Yedu Yekupotera”
    Swedera Pedyo naJehovha
  • “Jehovha Haangarashi Vanhu Vake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Kupindira kwaMwari—Chii Chatingatarisira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • VaKristu Vechokwadi Vanogona Kukarira Dziviriro yaMwari Here?
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 4/8 pp. 12-13

Zvinotaura Bhaibheri

VaKristu Vanofanira Kutarisira Kudzivirirwa naMwari Here?

Bhaibheri rinowanzotaura kuti Mwari anokwanisa kudzivirira vanamati vake kuti vasakuvadzwe. Mambo Dhavhidhi akati: “Ndirwirei Jehovha, pamunhu wakaipa; ndichengetei pamunhu une hasha.” (Pisarema 140:1) Nhasi, vakawanda vevanamati vaMwari vakakwanisa kupukunyuka rufu kana kukuvadzwa pavakarwiswa, pavakabirwa kana kuwirwa nenjodzi dzinoitika dzoga. Vamwe vakashamisika kana Mwari ari iye akavadzivirira nenzira inoshamisa panguva yakadaro, kunyanya nemhaka yokuti pane vamwe vanamati vaMwari vasina kukwanisa kupona panguva dzakadaro asi vakafa zvinorwadza.

JEHOVHA MWARI anodzivirira vamwe vanhu kuti vasakuvadzwe nepo asingadziviriri vamwe here? Tinofanira kutarisira kununurwa nenzira inoshamisa kubva kunjodzi dzinouraya dzinoitika mazuva ano here?

Kudzivirirwa Kunoshamisa Kunotaurwa Munyaya dzomuBhaibheri

Bhaibheri rine nyaya dzakawanda dzinoratidza apo Mwari akapindira nenzira inoshamisa kuti abatsire vashumiri vake. (Isaya 38:1-8; Mabasa 12:1-11; 16:25, 26) Magwaro anotaurawo nezvokuti pane dzimwe nguva vashumiri vaJehovha havana kununurwa kubva panjodzi. (1 Madzimambo 21:1-16; Mabasa 12:1, 2; VaHebheru 11:35-38) Saka zviri pachena kuti Jehovha anokwanisa kusarudza kudzivirira munhu nokuda kwechimwe chikonzero kana chinangwa chero paanoda kudaro. Naizvozvo, kana vaKristu vasina kununurwa kubva mumiedzo, havafaniri kubva vafunga kuti Mwari avasiya. Tinofanira kuziva kuti zvinhu zvakaipa zvinogona kuitika, kunyange kuvashumiri vakatendeka vaJehovha. Nei izvi zvichiitika?

Chinoita Kuti Zvinhu Zvakaipa Zviitike Kuvashumiri Vakatendeka vaMwari

Chimwe chikonzero ndechokuti tose takaberekwa naAdhamu naEvha tiine chivi uye tisina kukwana. Naizvozvo, tinotarisira kurwadziwa, kutambura, uye kufa. (VaRoma 5:12; 6:23) Chimwe chikonzero ndechokuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Bhaibheri rinotsanangura vanhu vari kurarama panguva ino kuti ‘havana rudo chairwo rwokuzvarwa narwo, havadi kubvumirana, vanochera, havazvidzori, vanotyisa, havadi zvakanaka.’ (2 Timoti 3:1-5) Uchapupu hweizvi hunooneka mukubata chibharo, kuba vanhu, kuponda, uye dzimwe mhaka dzakakomba dzinoitika kakawanda.

Vashumiri vaMwari vakawanda vakatendeka vanoshanda nevanhu vanoda zvechisimba uye pane dzimwe nguva vanodenhwa. Tinogona kuzviona tava mumamiriro ezvinhu ane ngozi nemhaka yokuti tinenge tiri pane imwe nzvimbo panguva inoitika tsaona tiri ipapo. Uyezve, zvakataurwa naSoromoni zvinogona kuitika kwatiri paakati “vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.”—Muparidzi 9:11.

Kuwedzera pane izvi, muapostora Pauro akati vaKristu vaizotambudzwa nemhaka yokuti vanonamata Mwari. Akati: “Chaizvoizvo, vose vanoda kurarama nokuzvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.” (2 Timoti 3:12) Mumakore achangobva kupfuura, izvi zvave zvichiitika munyika dzinoverengeka.

Naizvozvo, vanhu vanotya Mwari vanoitirwawo chisimba, vanobirwa, vanowirwa netsaona dzinoitika dzoga kana kuerekana vafa. Satani akaedza kutaura kuti Jehovha anodzivirira vanhu Vake zvokuti vanorarama upenyu pasina chinovawira. (Jobho 1:9, 10) Handizvo. Kunyange zvakadaro, tinogona kuva nechokwadi chokuti kunyange zvazvo Jehovha asinganunuri nenzira inoshamisa kubva pane mamwe mamiriro ezvinhu, anodzivirira vanhu vake zvechokwadi.

Kudzivirira Kunoita Jehovha Vanhu Vake Mazuva Ano

Kuburikidza neShoko rake, Jehovha anopa nhungamiro inodzivirira vanhu vake. Kunamata uye zivo yeBhaibheri zvinogona kuita kuti tichenjere, zvoita kuti tisaita zvikanganiso zvisina basa kwava kuita zvisarudzo zvakanaka. (Pisarema 38:4; Zvirevo 3:21; 22:3) Somuenzaniso, kuteerera mazano eBhaibheri pamusoro penyaya dzokurara kwevanhu pamwe chete, kukara, hasha, uye chisimba kwakaita kuti vaKristu vasawirwa nezvinhu zvakawanda zvinokuvadza. Uyewo, nokusashamwaridzana nevanhu vasina kunaka, kashoma kuti tinge tiri panzvimbo inoitikira njodzi—panguva ingangoitika njodzi yacho. (Pisarema 26:4, 5; Zvirevo 4:14) Vaya vanoteerera zvinodzidziswa neBhaibheri vane upenyu hwakanaka hunofadza, kazhinji kacho zvichiita kuti vave noutano hwepfungwa uye hwomuviri hwakanaka.

Chinonyanya kunyaradza kuziva kuti kunyange kana Mwari akabvumira zvinhu zvakaipa kuitika, achapa vanamati vake simba ravanoda kuti vakwanise kutsungirira. Muapostora Pauro anotivimbisa kuti: “Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaKorinde 10:13) Bhaibheri rinopikirawo “simba rinopfuura romuzvarirwo” kutibatsira kutsungirira nguva dzakaoma.—2 VaKorinde 4:7.

Mwari Anoita Maererano Nechinangwa Chake

VaKristu vanofanira kutarisira kuti Mwari avanunure nenzira inoshamisa nguva dzose dzenjodzi here? Zviri muBhaibheri hazvitsigiri tarisiro yokuti zvidaro.

Chokwadi, Jehovha Mwari anogona kusarudza kupindira zvakananga kuti abatsire upi noupi wevashumiri vake. Uye kana mumwe munhu achifunga kuti apukunyuka nemhaka yokubatsirwa naMwari, haafaniri kutsoropodzwa. Asi kana Jehovha akasarudza kusapindira, hazvifaniri kuonekwa sechiratidzo chokuti haasi kutifarira.

Ngativei nechivimbo chokuti pasinei nomuedzo kana mamiriro ezvinhu atinosangana nawo, Jehovha achadzivirira vashumiri vake vakatendeka, zvichida nokubvisa chinhu chacho, kutipa simba rokutsungirira, uye kana tikafa, kutimutsa kuti tiwane upenyu husingaperi munyika yake itsva.—Pisarema 37:10, 11, 29; Johani 5:28, 29.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe