Murangariro weBhaibheri
VaKristu Vechokwadi Vanogona Kukarira Dziviriro yaMwari Here?
KUTI vaendese zvinhu zvokuyamura kuvanamati biyavo, vaKristu, pashure pomunyengetero, vakafamba vari mumudungwe nomunzvimbo yakasakadzwa nehondo umo sezvingabvira vangadai vakaurawa. Vakapfuura zvakakotsekana, zvakashamisa zvikuru mauto airwisana. Ko ngirozi yaMwari yakavadzivirira here?
Vamwe varoorani vechiKristu vaive vabatira sevashumiri kwemakore mazhinji vakaurawa apo imwe ndege yakawira pasi apo vakanga vachiparidza evhangeri paimba neimba. Neiko ngirozi yaMwari isina kuvatungamirira kana kuti ndege yacho kune imwewo nzvimbo panguva iyoyo chaiyo?—Enzanisa naMabasa 8:26.
Tichienzanisa zviitiko izvi, tingabvunza, kuti: Neiko vamwe vaKristu vachifa vachiita kuda kwaMwari, nepo vamwe, kazhinji kazhinji mumamiriro ezvinhu ane ngozi zvikuru, vachipona? VaKristu vanogona kukarira dziviriro yaMwari here, zvikurukuru muano “mazuva okupedzisira” anotambudza?—2 Timotio 3:1.
Chinangwa Chedziviriro yaMwari
Jehovha Mwari akapikira kukomborera ndokudzivirira vanhu vake. (Eksodho 19:3-6; Isaya 54:17) Akaita kudaro nenzira yakatanhamara muzana rokutanga ramakore, apo ungano yechiKristu yakanga ichitanga. Zvishamiso zverudzi rwuri rwose zvakawanda. Jesu akawanziridza zvokudya kuti vadyise zviuru; iye navateveri vake vakarapa hosha dzorudzi rwuri rwose noukosha, vakadzinga midzimu ine simba rinopfuura ravanhu kubva kune vakanga vakabatwa nemadhimoni, uye vakatomutsa vakafa. Munhungamiro yaMwari ungano yakanga ichangobva kutangwa yakakura ndokusimbiswa. Bva, pasinei zvapo netsigiro yaMwari yaioneka, vaKristu vakatendeka vazhinji vakatambura rungagona kunzi rufu runokurumidza kuitika.—Enzanisa nePisarema 90:10.
Rangarira zviitiko zvaJakobho naJohane, vanakomana vaZebhedhi. Vasarudzwa sevaapostora, ivo, pamwe chete naPetro, vaive pakati peshamwari dzapedyosa dzaKristu.a Asi Jakobho akaponderwa kutendeka mugore ra44 C.E., nepo mukoma wake Johane akararama kusvika kumugumo wezana rokutanga ramakore. Vose vari vaviri sezvinooneka vakanga vachiita kuda kwaMwari. Neiko Jakobho akabvumirwa kufa, nepo Johane akararama?
Mwari wamasimba ose zvirokwazvo aikwanisa kuponesa upenyu hwaJakobho. Zvirokwazvo, chinguvana pashure pokuponderwa kutendeka kwaJakobho, Petro wakanunurwa murufu nengirozi yaJehovha. Neiko ngirozi yakanga isina kununura Jakobho?—Mabasa 12:1-11.
Kunoshandiswa Mukuitwa Kwechinangwa chaMwari
Kuti tinzwisise chikonzero nei dziviriro yaMwari ichipiwa, tinofanira kunzwisisa kuti inopiwa kwete kungogonesa vamwe vanhu kurarama nguva refu zvavo asi kudzivirira chimwe chinhu chinokosha zvikuru, kuitwa kwechinangwa chaMwari. Somuenzaniso, kupukunyuka kweungano yechiKristu yose zvayo kunovimbiswa nemhaka yokuti yakabatanidzwa zvikuru nokuzadzikwa kwechinangwa ichocho. Zvisinei, Kristu akaudza vadzidzi vake zvakajeka kuti ivo savanhu vamwe nevamwe vaigona kutarisana norufu nemhaka yokutenda kwavo. Pashure pokutaura izvi, Jesu akasimbisa, kwete kununurwa nenzira inoshamisa, asi ‘kutsungirira kusvikira pakuguma.’ (Mateo 24:9, 13) Idi rokuti vamwe vanhu vakadzivirirwa, nepo vamwe vasina, hariratidziri kuti Mwari anosarura. Mwari akangoshandisa zvake munhu akanga ari munzvimbo yakanakisisa kuti aite chinangwa chake, icho pakupedzisira chichabatsira rudzi rwose rwomunhu.
Sezvo rufu runokurumidza kuitika chiri chinhu chinobvira chaichoicho mubasa raMwari, vaKristu vanofanira kuva nechimiro chendangariro chakadzikama chimwe chetecho sevaHebheru vakatendeka vatatu vakatongerwa rufu nokuda kwokunamata Mwari. Vakaudza mambo weBhabhironi, kuti: “Kana zvikaitika hazvo, Mwari wedu watinoshumira ungagona kutirwira pachoto chomwoto unopfuta kwazvo; iye uchatirwira paruoko rwenyu, imi mambo. Asi kana zvikasaitika, zivai imi mambo, kuti hatingashumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chendarama chamakamisa imi.”—Dhanieri 3:17, 18.
Jehovha akachengeta upenyu hwaPetro naJohane nemhaka yebasa ravo rinokosha mukuitwa kwechinangwa chake. Petro akashandiswa ku“simbis[a]” ungano nokuita basa rokufudza, uko kwaibatanidza kunyorwa kwamabhuku maviri akafuridzirwa eBhaibheri. (Ruka 22:32) Johane akanyora mabhuku mashanu eBhaibheri uye akanga ari ‘mbiru’ muungano yapakuvamba.—VaGaratia 2:9; Johane 21:15-23.
Mazivire anoita Jehovha nguva chaiyoiyo uye kuti achapindira nomutooi muupenyu hwavabatiri vake hakubviri kufanotaura. Zvinogona bedzi kutaurwa nouchokwadi ndezvokuti Kristu akapikira kuva nevateveri vake “mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.” (Mateo 28:20) Zvikurukuru, achava ‘nesu’ kupfurikidza nekutungamirira kwengirozi basa rokuparidza. (Mateo 13:36-43; Zvakazarurwa 14:6) Kunze kweidzi ratidziro huru, hatigoni kukarira chaizvoizvo maratidzirwe achaitwa betsero yaMwari kana kuti ndiani angagamuchira dziviriro yaMwari. Zvakadini kana muKristu achifunga kuti akava nedziviriro yaMwari nenhungamiro? Sezvo ikoku kusingagoni kubvumikiswa kana kuti kusabvumikiswa chose chose, hapana munhu anofanira kutonga kutaura kwemwoyo wose kwowakadaro.
Mwari Ane Utsinye Here?
Ko idi rokuti Mwari anobvumira rufu rwevaKristu rinoratidza here kuti munzira yakati ane utsinye? Nyangwe napaduku pose. (Muparidzi 9:11) Jehovha ari kushanda kuti achengete upenyu hwedu kwete kwamakore mashomanene chete kana kuti kunyange makumi amakore asi nokusingagumi. Ari panzvimbo yake yakakwirira, anoronga zviitiko nokuda kwegarikano isingaperi yomunhu mumwe nomumwe anomuda kana kuti anouya kwaari. (Enzanisa naMateo 18:14.) Kuzadzikwa kwechinangwa chake kuchareva kubviswa kwakakwana kwechinhu chipi nechipi chatakatambura mutsika ino yezvinhu—kunyange rufu. Kubata kwaMwari kwakaoma kwazvo kunzwisisa zvikuru uye kwakakwana zvokuti muapostora Pauro akasundwa kukuwa, kuti: “Haiwa kufuma kwokuchenjera nokuziva kwaMwari kwakadzika sei! Kutonga kwake hakunganzverwi, nenzira dzake hadzingarondwi!”—VaRoma 11:33.
Sezvo pasina chinhu chinogona kutiparadzanisa norudo rwaMwari, mubvunzo uyo muKristu mumwe nomumwe anofanira kubvunza hausiri wokuti ‘ndichava nedziviriro yaMwari here?’ asi ‘Ndine chikomborero chaJehovha here?’ Kana tinacho, achatipa upenyu husingagumi—pasinei zvapo nechinoitika kwatiri mutsika ino yezvinhu. Kuchienzaniswa noupenyu hwakakwana husingagumi, kutambura kupi nokupi—kunyange rufu—mutsika ino kucharatidzika so“kwakareruka, kuripo chinguva chiduku.”—2 VaKorinte 4:17.
[Mashoko Omuzasi]
a Petro, Jakobho, uye Johane vakapupurira kushanduka chitarisiko kwaJesu (Marko 9:2) uye kumutswa kwomwanasikana waJairosi (Marko 5:22-24, 35-42); vakanga vari pedyo muBindu reGetsemani mukati mekuyedzwa kwaJesu kwomunhu oga (Marko 14:32-42); uye ivo, pamwe chete naAndrea, vakabvunza Jesu pamusoro pokuparadzwa kweJerusarema, kuvapo kwake kwomunguva yemberi, uye mugumo wetsika yezvinhu.—Mateo 24:3; Marko 13:13.