Kuita Kuti Kubasa Kwako Kusave Nengozi
PASINEI nemitemo ine chokuita noutano hwepamabasa nokusava nengozi, kukuvara nokufa pamabasa zvichiri kungova chinetso chikuru. Saka zviri pachena kuti kusava nengozi kwokumabasa hakugoni kuunzwa nemitemo chete. Vashandirwi nevashandi vanofanira kunzwa vaine mutoro wokuti havasi pangozi ivo pachavo uye vamwewo.
Naizvozvo, vashandi vose vanofanira kunyatsotarira pamabasa avo nemashandiro avo. Somuenzaniso, pabasa pako hapana ngozi chaizvoizvo here? Uri kushanda nomushonga une chepfu here? Kana zvakadaro, wakadzivirirwa zvakakwana here? Uri kugara uchinetseka mupfungwa here? Unobvuma kushanda kwenguva kana kuti maawa anopfuura akatarwa pamutemo here?
Mhinduro dzemibvunzo yakadai seiyi dzinogona kuratidza zvakawanda nezvokuti hausi mungozi zvakadini pabasa pako.
Kuziva Ngozi Dziripo
Kuedza kuramba uchiva nemashandiro asina musoro kunogona kuva nengozi. Apedza kuongorora zvaakawana pakubvunzurudza vashandi mamiriyoni 3,6 mumabasa 37 200, Muzvinadzidzo Lawson Savery weYunivhesiti yeCurtin yokuAustralia, pamwe nomumwe mutsvakurudzi woruzivo, vakabudisa mushumo wokutsvakurudza kwavo unonzi “Kushanda Maawa Akareba: Kune Ngozi Here uye Vanhu Vanoabvuma Here?” Mhinduro yezvikamu zvose zvomubvunzo iwoyo yakanga iri yokuti hungu.
Ichokwadi kuti vashandi vakaneta vanoshanda zvishoma uye vanoita zvikanganiso zvakawanda. Muzvinadzidzo Savery akataura kuti, sezvakashumwa nepepanhau rokuAustralia rinonzi The Sun-Herald: “Makambani akawanda akakurudzira vanhu kushanda zvakadarikidza uye akatsvakisisa uye akabhadhara vanoshanda zvakadarikidza.” Migumisiro yacho inokuvadza. Zvichida hakuna kumwe kunooneka chinetso ichi sezvachinoita muindasitiri yezvokutakura zvinhu, umo vatyairi vanogona kukurudzirwa kana kunyange kumanikidzirwa kutyaira kwemaawa akareba pasina kumira—zviri kunze kwomutemo mune dzimwe nyika.
Mashandiro asina kunaka, anogona kusanganisira uchapa noutsvina, zvinounza imwe ngozi. Kusiya zvishandiso zviri pasi kana waya dzemagetsi dzine moto dzakavhurika kakawanda kunokonzera ngozi, kunyange kuuraya. Izvozvo zvinogona kuitika kana munhu akasateerera mitemo yokushandisa michina yemagetsi. Chimwe chinokonzera kukuvara nokufa kutadza kupukuta mvura dzinenge dzarasika—kunyanya dzine chepfu. Kukuvara kwakawanda kwakaitika apo vashandi vakatsvedza pauriri hune oiri kana kuti hwakatota. Saka zvinogona kutaurwa kuti mutemo wokutanga wokushanda zvakanaka ndeworucheno nokuita zvinhu zvakarongeka.
Asi vakawanda vanowanzorega kuda kuteerera maitirwe ezvinhu asina ngozi. Magazini inonzi Monthly Labor Review yakataura kuti: “Kuwandirwa nebasa kunogona kuita kuti vanhu vafunge kuti kuita zvinhu nokudimbudzira ndiko kunofanira kuitwa kuti zvinoda kuitwa zvipere.” Saka vamwe vangafunga nezvemirayiro yokudzivirira pangozi vachiti, ‘Kubvira pandakatanga kusautevedzera hauna kumbokonzera chinetso.’ Achitaura nezvenyaya iyi, mumwe maneja wefekitari agara pabasa akati: “Chimwe chezvinhu zvakaipa zvikuru pabasa ndechokurega kuteerera mitemo yokudzivirira ngozi pabasa wobva warega kukuvara!’ Nei? Nokuti izvi zvinokuita kuti uzvivimbe uye usangwarira, zvichiita kuti pave netsaona dzakawanda.
Kuputika kwegwenya reChernobyl muUkraine muna 1986 kunowanzotsanangurwa se“tsaona yakaipisisa yepasi pose yenyukireya.” Chii chakakanganisika? Mushumo wetsaona yacho unotaura “nezvokushanda pasina kukendenga” uye “kusateerera mitemo yokudzivirira ngozi.”
Zvose mushandirwi nomushandi vanogona kushandira pamwe pakufanoona ngozi dzinogona kuvapo. Chirevo chokuchenjera chomuBhaibheri chinoti: “Munhu wakangwara unoona zvakaipa, ndokuvanda.” (Zvirevo 22:3) Hungu, akachenjera anocherechedza zvinogona kuzova nengozi uye anotsvaka nzira dzokuzvidzivirira uye vamwe.
Vashandirwi pavanoita izvi, vanobatsirikana, uye ndozvinoitawo vashandi vavo. Somuenzaniso, kambani yakagadziridza zvekare mahofisi ayo kuti asaite kahwema kanoramba karipo yakawana kuti pasina nguva refu, zvinhu zvaigadzirwa zvakanga zvawanda uye kugutsikana kwevashandi kwakanga kwawedzera kwazvo. Zvakaonekwawo kuti vanhu vashoma chete ndovakanga vava kusauya kubasa nokurwara. Kuva nehanya nevamwe kwakadaro hakungoiti kuti pave nemamiriro ezvinhu akanaka kuvashandirwi nevashandi bedzi, sezvinoonekwa apa, asiwo kunobatsira kuchengetedza mari.
Sezvataurwa munyaya yatangira ino, chisimba chazara mumabasa. Ungaitei kuti uzvichengetedze?
Matanho Angatorwa
Kunyange zviitiko zviduku zvehasha pamabasa zvakaonekwa kuti zvinokura kuva nhau hombe dzokushusha. Harvard Business Review inopa zano rokufunga nezvaro iri: “Kuti upedze chisimba chinoitwa mumabasa, ziva kuti vanhu vanoita zvehasha pamwero muduku kakawanda vachapfuurira kuita zvakakura.”
Mukadzi angasava achida kuti vaanoshanda navo vamunetse, asi kana mapfekero, matauriro, nomufambiro wake zvisina kudzikama, vamwe vangaona sokuti haana tsika. Munguva dzichangopfuura, mufambiro wakanga usiri wokuti vamwe vave nepfungwa dzisina kunaka dzimwe nguva wakaguma nezvinetso zvikuru, zvinosanganisira kunyangira, kubata chibharo kunyange kuuraya. Nokudaro ziva kuti mapfekero ako nomufambiro wako zvinonzwisiswa sei nevanhu. Teerera nyevero yeBhaibheri yokuti: ‘Shongai nguo dzakagadzirwa zvakanaka, muve nomwero nokunaka kwepfungwa.’—1 Timoti 2:9.
Monthly Labor Review yakataura nezvemamwe mamiriro ezvinhu anogona kuva nengozi, ichiti: “Zvimwe zvinonetsa ndezvevashandi vanoshanda vari voga usiku munzvimbo dziri dzoga.” Saka funga nezvokuti: Kuchenjera here kubvuma kushanda uri woga kunyanya pakati pousiku uchiziva kuti pane ngozi dzakawanda dzinogona kuvapo? Kubhadharwa mari kunokosha chaizvo zvokupfuura ngozi iyoyo here?
Zvinokoshawo kufunga nezvokuti tinoita sei pazviito zvinosembura, zvoutsinye zvinoitwa nevatinoshanda navo vanenge vaneta. Chii chingaitwa kuderedza mamiriro ezvinhu anogona kuva nengozi? Chirevo cheBhaibheri chinopa zano rokuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza mwoyo rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Hungu, nokuva ane mutsa neanoremekedza pakutaura kwako nevanhu, unogona kubatsira kuti vamwe vanzwe vakasununguka uye pasave negakava.
Mumamiriro ezvinhu anhasi akazara zvinonetsa, maitiro anosembura neoutsinye akapararira. Nepo zvingaita sokuti ari kuitira isu, anogona kunge ari kungoburitsa kuneta kwake nokuora mwoyo kwake kwanga kwanyanya maari. Tinenge tiri panzvimbo isiri iyo panguva isiri iyo. Saka zvatichaita ndizvo zvinokosha. Zvinogona kuderedza kana kuwedzera kuipa kwemamiriro acho ezvinhu.
Kunyange zvakadaro, zvichida pane maonero chaiwo akasiyana. Bhuku rinonzi Resolving Conflicts at Work rinotaura izvi zvinobatsira: “Kana tiri mugakava, . . . kashoma kukurukurirana zvakadzama zvatinonzwa chaizvo.” Chii chingava chikonzero? Bhuku racho rakaenderera richiti: “Kusawirirana kwedu kunogona kutidzungaidza kana kutikurira, uye tofunga kuti hapana imwe nzira yokukupedza kunze kwokurwa.”
Mhinduro ndeipi? TEERERA! Bhuku rataurwa pamusoro apa rinoti: “Nokuteerera zvechokwadi kune vanhu vatisingabvumirani navo . . . , tinogona kurega kuda kunzwa kurwisana totsvaka zvigadzikiso zvacho.” Iri izano rakanaka rokuita kuti kusabvumirana kana kusanzwisisana kusava zvinetso zvikuru.
Naizvozvo, shandisa pfungwa nokuchenjera kuti pasave nengozi. Izvi zvinosanganisira kushingairira kutevera mitemo yokudzivirira ngozi yomunyika menyu. Kuita izvi kunogona kubatsira kuti kumabasa kusave nengozi.
Zvinogonawo kutaurwa kuti maonero atinoita upenyu, basa, uye nguva yokutandara zvinogona kuva nezvazvinoita parudzi rwebasa ratichasarudza kuita uye maonero atinoita kudzivirira ngozi. Nyaya inotevera inogona kutibatsira kuita zvisarudzo zvakanaka panyaya iyoyi.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Nyatsochenesa oiri inenge yarasika
[Mufananidzo uri papeji 26]
Mhinduro nyoro inogona kupodza mamiriro ezvinhu akaoma