RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 1/8 pp. 10-12
  • Tsigiro uye Kunzwira Tsitsi Zvakabva Kwakawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsigiro uye Kunzwira Tsitsi Zvakabva Kwakawanda
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvapupu Zvinobatsira
  • “Nguva Nezvinoitika”
  • Ushumiri Hwokunyaradza
  • Zvinofanira Kutiita Kuti Tifungisise
  • Zuva Rakadhirika Zvivako Zviviri Zvenhurikidzwa
    Mukai!—2002
  • Nyaradza Vanochema
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nyaradzo Inobva Kuna “Mwari Wokunyaradza Kwose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Kukura Pamwe Chete Murudo
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 1/8 pp. 10-12

Tsigiro uye Kunzwira Tsitsi Zvakabva Kwakawanda

VAZVIPIRI vakabva kune dzimwe nzvimbo dzeUnited States nokune dzimwe nyikawo. Mumwe waivavo aiva Tom (ari kuratidzwa pamusoro apa), ane makore 29, mudzimi womoto anobva kuOttawa, Canada. Akaudza munyori weMukai! kuti: “Ndakaona zviitiko zvacho paTV uye ndakada kunotsigira vamwe vangu vanodzima moto muNew York. Ndakatyaira kuenda kuNew York musi weChishanu ndikaenda Pakaitikira Njodzi musi woMugovera kuti ndinobatsira. Ndakaiswa muchikwata chevainzi ndevokutakura migomo, tichituta mavhu nemarara, tichishandisa mugomo.

“Taibvisa marara nefoshoro zvisvoma nezvishoma, tichitsvaka zvinhu zvaigona kutibatsira kuziva mazita evadzimi vomoto vakanga vafa. Ndakawana chinhu chokupazisa magonhi akakiyiwa chinonzi Halligan nechisimbi chinobatanidza hosipaipi. Raiva basa rinorwadza. Zvaitora maawa maviri kuti vazvipiri 50 vazadze rori inorasa marara.

“Musi woMuvhuro, September 17, takabudisa zvitunha zvevamwe vadzimi vomoto vakanga vamhanyira muchivako musi weChipiri chakanga chapfuura. Handifi ndakakanganwa zvandakaona ipapo—vashandi vose vokununura vakamira kushanda, vakabvisa heremeti dzavo, vakamira—vachiremekedza vamwe vedu vakanga vafa.

“Sezvandakamira ndichitarira zvakaitika ndiri Pakaitikira Njodzi iyi, zvakandifungisa kuti upenyu huri nyore zvikuru kupera nhasi uno. Zvakaita kuti ndifungisise nezvoupenyu hwangu, basa rangu, uye mhuri yangu. Pasinei nengozi dziri mariri, basa rangu rine mubayiro zvikuru—kukwanisa kubatsira vanhu uye kunyange kuponesa upenyu.”

Zvapupu Zvinobatsira

Mazuva maviri okutanga etsaona yacho, vanhu vanenge 70 vakatizira padzimbahwe renyika yose reZvapupu zvaJehovha. Vamwe vakanga vachigara muhotera vakanga vasisina pokugara nezvinhu zvavo vakapiwa pokugara nembatya dzokuchinja. Vakapiwa zvokudya. Zvichida zvinotokosha zvikuru, vakatsigirwa mupfungwa nevakuru vechiKristu vane ruzivo.

Zvapupu zvaJehovha zvakatumirawo midziyo yokununura yaidiwa nezvinhu zvokushandisa zvevaitsvaka nokununura vaishanda pane yakazenge yava kunzi Ground Zero. Chokufambisa chakapiwawo kudhipatimendi rokudzima moto chokutakurisa vadzimi vomoto kusvika kunzvimbo yainunurwa vanhu. Ricardo (pamusoro, kurudyi), mumwe weZvapupu ane makore 39 uye anoshanda basa rokuchenesa, akabatanidzwa pamwe nemamwe mazana, pakubvisa matani nematani ezvinhu zvakapwanyika zuva nezuva. Akaudza Mukai! kuti: “Zvaikangaidza pfungwa zvikuru ukazvitarisa, zvikurukuru kuvadzimi vomoto, avo vaitsvaka shamwari dzavo dzakanga dzashayika. Ndakavaona vachibudisa mumwe mudzimi womoto ari mupenyu. Mumwe mudzimi womoto akanga urayiwa adonherwa nechitunha. Vadzimi vomoto vakawanda vaisvimha misodzi. Ndakawira pasi ndikachema. Pazuva iroro hapana aiva noushingi kupfuura hwavaiva nahwo.”

“Nguva Nezvinoitika”

Zviuru zvevanhu zvakafa munjodzi yacho. Pakati paivava pane Zvapupu 14 kana kupfuura, vaingovawo panzvimbo yacho yakaitikira tsaona kana kuti pedyo nepo. Joyce Cummings, ane makore 65 asi kumusha kwake kuri kuTrinidad, akanga auya kuzoonekwa nachiremba wemazino pedyo neWorld Trade Center. Zvinosuwisa kuti panguva iyoyo ndipo pakaitika njodzi yacho. Zvinoratidza kuti akakurirwa noutsi uye vakamuendesa kuchipatara chaiva pedyo. Vakakundikana kumuponesa. Zvakaitika kwaari ndizvo zvakaitika kuvakawanda vakatambudzika somugumisiro we“nguva nezvinoitika.” (Muparidzi 9:11) Aizivikanwa somuevhangeri anoshingaira zvikuru.

Calvin Dawson (ona bhokisi) aishanda paimwe kambani yokushambadza yaiva pauriri hwechi84 hwenhurikidzwa yokumaodzanyemba. Aiva muhofisi yake uye ainyatsoona nhurikidzwa yokuchamhembe payakanga ichangorohwa nendege. Waanoshandira, akanga asiri muhofisi, akamuridzira runhare kuti anzwe kuti chii chakanga chaitika. Akati: “Calvin aiedza kundiudza zvaakaona. Akati, ‘Vanhu vari kusvetuka!’ Ndakamuudza kuti abude imomo abudise vamwe muhofisi.” Calvin haana kubudirira kubudamo. Mushandirwi wacho akapfuurira kuti: “Calvin aiva murume akanaka uye aidiwa nesu tose, kunyange nesu vamwe tisinganamati. Taiyemura kunamata kwake nounhu hwake.”

Chimwe Chapupu chakafa ndiJames Amato (ari nechepasi papeji 10), aiva nevana vana, uye kaputeni wedhipatimendi rokudzima moto muNew York. Avo vaimuziva vakati aiva noushingi zvokuti “aigona kupinda muchivako chiri kutsva kunyange vamwe vanhu vachitiza.” James akakwidziridzwa pabasa asipo kuva mukuru weboka revadzimi vomoto.

Chimwe Chapupu chaiva chagara nebasa rokudzima moto kwemakore manomwe, aiva George DiPasquale. Akanga akaroora Melissa aine mwanasikana ane makore maviri, Georgia Rose. Aiva mukuru muimwe ungano yeZvapupu zvaJehovha yomuStaten Island uye akanga ari pauriri hwechigumi hwenhurikidzwa yokumaodzanyemba payakadhirika. Naiyewo akarasikirwa noupenyu hwake sezvaaiedza kubatsira vamwe.

Ava vanongova vaviri vemazana evadzimi vomoto, mapurisa, nevashandi vokununura vakarasikirwa noupenyu hwavo sezvavaiedza noushingi kununura vanhu. Ushingi hwevanunuri ava hunoshayisa romuromo. Meya weGuta reNew York, Rudolph Giuliani, akazotaura neboka revadzimi vomoto vakanga vakwidziridzwa pamabasa achiti: “Kuva kwenyu vakagadzirira kupinda musingatyi mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru kunotikurudzira tose. . . . Uye hapana . . . muenzaniso uri nani woushingi unopfuura Dhipatimendi Rokudzima Moto reGuta reNew York.”

Ushumiri Hwokunyaradza

Mumazuva epashure penjodzi yacho, vanenge 900 000 veZvapupu zvaJehovha muUnited States vakaedza nepavaigona napo munyika yacho yose kunyaradza vaya vaichema. Kuda muvakidzani kwakavaita kuti vanyaradze vaichema. (Mateu 22:39) Muushumiri hwavo vave vachiedzawo kuratidza vanhu tariro yechokwadi chete yevanhu vari kutambura.—2 Petro 3:13.

Zvapupu zvairatidza kunzwira tsitsi pazvaitaura nevoruzhinji. Chinangwa chavo chaiva chokunyaradza neMagwaro nokutevedzera muenzaniso unozorodza waKristu, uyo akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye anozvininipisa mumwoyo, uye muchawana zororo remweya yenyu. Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”—Mateu 11:28-30.

Mapoka evakuru vaibva muungano dzeZvapupu zvaJehovha dzomuManhattan vakabvumirwa kusvika Pakaitikira Njodzi kuti vataure nokunyaradza vashandi vokununura. Vanhu vakabvuma zvakazonaka. Vashumiri ava vakati: “Varume vacho vaiva nemisodzi mumaziso sezvataikurukura navo zviri mumagwaro.” Vashandi vokununura vaizorora vari mune chimwe chikepe. “Varume vacho vakanga vapererwa zvechokwadi, misoro yakakotamiswa, vachitadza kunyatsonzwisisa zvavakanga vaona. Takagara navo pasi tikatanga kukurukura ndima dzomuBhaibheri navo. Varume vacho vakatitenda zvikuru nokuuya, vakati vaida nyaradzo iyi zvechokwadi.”

Vanhu vakataurwa navo njodzi yaitika vaiwanzoda chimwe chinhu chokuverenga, uye vakapiwa zviuru zvemabhurocha pachena. Mamwe awo aiva Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa; Will There Ever Be a World Without War?, uye Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Uyewo, magazini eMukai! yechiRungu akanyanya kushandiswa ane misoro inoti: “Ugandanga Hwachinja” (May 22, 2001) (Mukai! yechiShona yaJune 8, 2001, mapeji 11-20) uye “Kunetseka Kunokonzerwa Nokufunga Zvakaitika” (August 22, 2001) (Mukai! yechiShona yaSeptember 8, 2001, mapeji 20-26) Muzviitiko zvakawanda Zvapupu zvakatsanangura tariro yeBhaibheri yorumuko. (Johani 5:28, 29; Mabasa 24:15) Zvichida mamiriyoni evanhu akawana mashoko aya anonyaradza.

Zvinofanira Kutiita Kuti Tifungisise

Nhamo dzakaita seiyi yomuGuta reNew York dzinofanira kuita kuti tose tifungisise nezvezvatiri kuita noupenyu hwedu. Tiri kungoraramira kutsvaka zvatinoda pachedu here, kana kuti tinoedza kuita kuti vamwe vanhu vafare? Muprofita Mika akabvunza kuti: “Chinotsvakwa naJehovha kwauri chinyiko, asi kuti uite zvakarurama, ude unyoro, uye ufambe uchizvininipisa pamberi paMwari wako?” (Mika 6:8) Kuzvininipisa kunofanira kutiita kuti titsvake muShoko raMwari tariro yechokwadi yevakafa uye toziva zvichaitwa naMwari munguva pfupi iri kutevera kuti adzorere Paradhiso pasi pano. Kana uchida kuziva zvakawanda nezvezvipikirwa zveBhaibheri, tinokukurudzira kuonana neZvapupu zvaJehovha kwaunogara.—Isaya 65:17, 21-25; Zvakazarurwa 21:1-4.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 11]

MUNYENGETERO WATATIANA

Mudzimai womushakabvu Calvin Dawson, Lena, akaudza munyori weMukai! nezvomunyengetero womwanasikana wake ane makore manomwe waakaita mazuva mashomanana aziva kuti baba vavo vakanga vasingazodzoki kumba. Lena akanga anyengetera, uye Tatiana akabvunza kuti, “Ndinganyengeterawo here Amai?” Amai vacho vakabvuma. Tatiana akanyengetera achiti: “Jehovha, Baba vedu vokudenga, tinoda kukutendai nokudya uku uye nokurarama zuva ranhasi. Uye tinoda kukukumbirai kuti mudzimu wenyu uve neni naAmai kuti tive vakasimba. Uye tinoda kukukumbirai kuti mudzimu wenyu uve naBaba, kuitira kuti vave vakasimba pavachadzoka. Uye pavachadzoka, vachange vakanaka, vakasimba, vachifara uye vakagwinya, uye tichavaona zvakare. Muzita raJesu . . . aa, musakanganwe kuita kuti Amai vave vakasimba. Ameni.”

Lena, asina chokwadi kuti Tatiana akanga anzwisisa here, akati: “Tiana, waita zvakanaka. Asi, mwanangu, wanga uchiziva here kuti Baba havasi kudzoka?” Chiso chaTatiana chakabva chasuruvara. “Havasi kudzoka?” akadaro. “Ehe havasi kudzoka,” vakadaro amai vake. “Ndakafunga kuti ndakakuudza. Ndakafunga kuti unonzwisisa kuti Baba havasi kudzoka.” Tatiana akati: “Asi maigara muchindiudza kuti vachadzoka munyika itsva!” Paakazoziva zvaitaurwa nomwanasikana wake, Lena akati: “Ndine urombo, Tatiana. Ndanga ndatadza kukunzwisisa. Ndafunga kuti uri kureva kuti Baba vari kudzoka mangwana.” Lena akati: “Ndakafara kuziva kuti nyika itsva ndeyechokwadi zvakadaro kwaari.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe