RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 11/8 pp. 30-31
  • Mashandisiro Anoita Mwari Simba—Akarurama Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mashandisiro Anoita Mwari Simba—Akarurama Here?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kushandisa Simba Zvisiri Izvo
  • “Nzira Dzake Dzose Dzakarurama”
  • Mwari Ane Chiremera
  • Kuranga kwaMwari Kwairatidza Utsinye Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Mwari Ariko Here Zvechokwadi?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Nei Mwari Akarwisa VaKenani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mudzimu Mutsvene waMwari Chii?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 11/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Mashandisiro Anoita Mwari Simba—Akarurama Here?

KUSHANDISA simba zvakashata chinhu chaingoramba chichiitika munhoroondo yevanhu. Maererano nokumwe kufungidzira, vanhu vanenge 170 000 000 vakaurayiwa muzana remakore rechi20 nehurumende dzavo. Sezvinotaura Bhaibheri chaizvo, vanhu vakaramba vachiva nesimba pamusoro pevamwe vanhu vachivakuvadza.—Muparidzi 8:9.

Nokushandisa simba nenzira isiri iyo kunoitwa nevanhu, vamwe vangasava nechokwadi nokushandisa kunoita Mwari simba kuparadza vavengi vake. Ko VaJudha, havana kurwisa uye kuuraya vagari vomuKenani vomuNyika Yakapikirwa varayirwa zvakananga naMwari here? (Dheuteronomio 20:16, 17) Uye Mwari pachake haatauri here kuti achapwanya uye achagumisa utongi hwose hunomupikisa? (Dhanieri 2:44) Vamwe vanhu vepachokwadi vave vachishamisika kana kushandisa kunoita Mwari simba kwakarurama nguva dzose.

Kushandisa Simba Zvisiri Izvo

Zvakakosha kunzwisisa kuti kukwanisa kushandisa simba chinhu chinokosha chehurumende. Hurumende isingagoni kushandisa simba pavanhu vayo, chaizvoizvo haina kusimba. Somuenzaniso, pasinei nemashoko okuti mapurisa ari kubata vanhu noutsinye vanhu vangani vangada zvavo kurega kudzivirirwa nemapurisa? Uye ndiani anganyatsoramba kudiwa kwourongwa hweruramisiro pachishandiswa simba?

Mohandas Gandhi, ainyanya kuzivikanwa nokuvenga kwaaiita mhirizhonga, akamboti: “Tomboti munhu afufutirwa nehasha ndokufamba-famba akatsamwa kwazvo, akabata bakatwa, uye achiuraya munhu upi noupi waanosangana naye, pobva pashayikwa anoda kumubata ari mupenyu. Munhu upi noupi anobata mupengo iyeye anoongwa nenzanga uye anoonekwa somunhu akanaka.” Hungu, kunyange Gandhi akaona kudiwa kwesimba mune mamwe mamiriro ezvinhu.

Zviri pachena kuti kukwanisa kushandisa simba chinhu chinodiwa munzanga ipi neipi yakagadzikana. Chaizvoizvo, vanhu pavanotsoropodza kushandiswa kwesimba, chokwadi ndechokuti vanenge vachitsoropodza kushandiswa kwesimba zvisiri izvo.—Muparidzi 4:1-3.

“Nzira Dzake Dzose Dzakarurama”

Zvakaitika kare hazvipi uchapupu hwokuti Mwari akamboshandisa simba rake zvisiri izvo. Haatongi achiita zvokudzvinyirira. Anoda kuti timunamate nokuti tinomuda. (1 Johani 4:18, 19) Kutaura zvazviri, Mwari haaiti zvokumanikidza kana paine imwe nzira yakarurama yokuita kudaro. (Jeremia 18:7, 8; 26:3, 13; Ezekieri 18:32; 33:11) Uye paanosarudza kushandisa simba, anowanzopa nyevero dzakawanda kuitira kuti chero anoda anogona kutora matanho okugadzirisa zvinhu. (Amosi 3:7; Mateu 24:14) Izvi ndizvo zvinoitwa naMwari ane udzvinyiriri, ane utsinye here?

Kushandisa kunoita Mwari simba hakuna pakwakafanana nokushandisa simba zvisina kururama kunoitwa nevanhu. “Nzira dzake dzose dzakarurama,” anodaro Mosesi nezvaJehovha, “Mwari wakatendeka, usinganyengeri.” (Dheuteronomio 32:4) Kusiyana nehurumende dzevanhu dzinodzvinyirira, hurumende yaMwari haina kuvakirwa pakuti ndiani ane simba rokudzora rakawanda. Muzviitiko zvose, akashandisa simba rake maererano norudo rwake rwakakwana, uchenjeri, uye ruramisiro.—Pisarema 111:2, 3, 7; Mateu 23:37.

Somuenzaniso, Mwari paakaparadza vakaipa neMafashamo, kwakanga kwapera makore akawanda achinyevera vanhu. Chero munhu upi aikwanisa kudai akatsvaka kudzivirirwa muareka uye kupona. Vanhu vasere chete ndivo vakadaro. (1 Petro 3:19, 20; 2 Petro 2:5) Muzuva raJoshua, vaIsraeri vakapa mutongo waMwari pavaKenani vaiva nouori, kutonga kwacho kwakanga kwaziviswa makore 400 kusati kwaitika! (Genesi 15:13-21) Munguva yose iyoyo, vaKenani vangadaro vakaona uchapupu hwakasimba hwokuti vaIsraeri vaiva vanhu vaMwari vakasarudzwa. (Joshua 2:9-21; 9:24-27) Asi, hapana vaKenani vakatsvaka kuitirwa ngoni kana kuti kutsvaka kuita rugare kusiya kwevaGibhiyoni. Pane kudaro, vaKenani vakasarudza kuomesa mwoyo yavo vachirwisana naMwari.—Joshua 11:19, 20.

Mwari Ane Chiremera

Patinoedza kunzwisisa mashandisiro anoita Mwari simba, tinofanira kutanga nechokwadi chehwaro chinotaura nezvenzvimbo yedu pamberi paMwari. “Isu tiri ivhu, imi muri muumbi wedu,” akabvuma kudaro muprofita Isaya achizvininipisa. (Isaya 64:8) Zviri pachena kuti soMusiki wezvinhu zvose, Mwari anogona kushandisa simba munzira chero ipi yaanoda. Tichifunga nezvesimba raMwari, saSoromoni tinogona kuti: “Shoko ramambo rine simba; ndiani ungati kwaari: Munoiteiko?”—Muparidzi 8:4; VaRoma 9:20, 21.

Nemhaka yenzvimbo yaMwari soMusiki ane simba kwazvo, ane kodzero yokupa kana kutora upenyu hwepasi pano. Zvechokwadi, vanhu havana kodzero uye ruzivo zvokusvika pakusava nechokwadi nokushandisa simba kunoita Mwari. Vanhu vanofanira kudzidza kuita kuti kufunga kwavo kuenderane nekwaMwari. “Hadzizi nzira dzenyu dzisakarurama here?” Jehovha akabvunza kudaro.—Ezekieri 18:29; Isaya 45:9.

Ruramisiro yaJehovha uye kuda kwaanoita vanhu kuchamukurudzira kubvisa pasi pano vaya vanoshandisa simba zvisiri izvo vanokanganisa kodzero dzevamwe nechisimba. Kushandiswa kwesimba uku kuchaita kuti pave nemamiriro ezvinhu akanaka pasi pano nokuda kwevanhu vose vanoda rugare. (Pisarema 37:10, 11; Nahumi 1:9) Saka hurumende yaMwari ichaonekwa kuti yakarurama uye icharevererwa nokusingaperi.—Zvakazarurwa 22:12-15.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe