Vana Vanofanira Kurangwa Sei?
“Panova nezvinetso kana vana vakaudzwa kuti unovafarira pasinei nokuti vanoita chii,” rinodaro pepanhau rokuCanada rinonzi National Post. Vamwe vabereki vanofunga kuti kushandisa nzira iyi kunoita kuti vana vazviremekedze. Zvisinei, maererano nachiremba wepfungwa anonzi Roy Baumeister, “kuzviremekedza kwakakura kwakanaka kana kuchibva pane zvinhu chaizvo zvinenge zvagona kuitwa, asi vabereki vanofanira kunyanya kudzidzisa vana kuzvidzora.”
Mubereki anotya kururamisa mwana wake kana achinge atadza anenge achitokuvadza mwana wacho. Inga wani kururamisa inotova nzira yokurayiridza nayo. Zvazvakadaro, kunodzidzisa mwana ari kukanganisa kuti arege kudzokorodza zvikanganiso zvake. Ichokwadi kuti vabereki vanofanira kudzivisa kururamisa munzira yehasha kana kuti yakanyanya kupfuura kukanganisa kunenge kwaitwa. (Jeremia 46:28) Vanofanira kuva nechokwadi chokuti kururamisa hakuna kunyanyisa. Bhaibheri rinoti: “Imi madzibaba, musashusha vana venyu, kuti varege kuora mwoyo.”—VaKorose 3:21.
MuBhaibheri, kururamisa kunonyanya kutaurwa pamwe chete norudo uye unyoro, kwete pamwe chete nehasha kana kuti noutsinye. Murayiridzi ane unyanzvi anofanira kuva “munyoro kune vose, anoramba achizvidzora pakuitirwa zvakaipa, achidzidzisa nounyoro vasingadi.” (2 Timoti 2:24, 25) Naizvozvo, kururamisa kunoitwa nomubereki hakufaniri kuva kwokubudisa hasha dzose dzomubereki. Bhaibheri hapana parinotaura kuti mwana anofanira kurangwa nenzira dzinogona kumukuvadza.
Mamiriyoni evanhu pasi pose akabatsirwa nebhuku rine mapeji 192 rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri. Rine zvimwe zvitsauko zvinodzidzisa zvakadai sezvinoti “Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche” uye “Betserai Wechiduku Wenyu Kubudirira.” Kuti uwane rako, tapota zadzisa kopani riri pasi apa uye tumira kukero yakaratidzwa pakopani kana kuti kukero yakakodzera pane dziri papeji 5 yemagazini ino. Uchawana mazano akananga anogona kukubatsira kugadzirisa zvinetso uye kuita kuti upenyu hwemhuri hufadze sezvaidiwa noMusiki.
□ Nditumirei bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.
□ Ndioneiwo nezvechidzidzo cheBhaibheri chepamusha chepachena.