RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 6/8 pp. 19-20
  • Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Vachishandisa Ugandanga?
  • Chinohupedza
  • Ugandanga Huchazombopera Here?
    Dzimwe Nyaya
  • Ugandanga Hwachinja
    Mukai!—2001
  • Mharidzo Dzokuenzanisira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Kutarisana Nokutyisa Kwougandanga
    Mukai!—2001
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 6/8 pp. 19-20

Ugandanga—Huchapera Munguva Pfupi iri Kutevera!

BHAZI muJerusalem, chivako chehurumende muOklahoma City, kana kuti furati muMoscow zvose zvinogona kunangwa nougandanga. Kunyange zvazvo zviri pachena kuti magandanga anoda kuendesa shoko rakasimba kune vezvematongerwe enyika, vakuru vakuru vemauto, uye vakuru vezvoupfumi, kakawanda kacho zvavanonanga hazvina chokuita nezvavanorwira. Muzviitiko zvakawanda vanhuwo zvavo ndivo chaivo vanonangwa—vanhu vasina chokuita nezvinenge zvichirwirwa nemagandanga acho. Zvino, nei vanopfurikidza mwero vachishandisa zviito zvougandanga?

Nei Vachishandisa Ugandanga?

Ugandanga hune nzira yahunoitwa nayo uye hunofanofungwa nokurongwa. Kuuraya nokukuvadza vanhu vakawanda zvikuru hachisiricho chinangwa chikuru. Kuuraya vanhu vakawanda kwakadaro inzira yokuwana nayo zvavanoda, uye magandanga anoda kuti pave nokukatyamadzwa uye kutya kuitira kuti chiremera chisagadzikana uye voteererwa kuti chii chaizvoizvo chavari kurwira. Funga zvimwe zvinhu zvinokonzera zviito zvechisimba zvemagandanga.

Ruvengo. “Ugandanga . . . hunowedzerwa noruvengo,” akadaro Louis J. Freech, mutungamiriri weFederal Bureau of Investigation yomuUnited States. “Avo vanochengeta ruvengo rwakadaro vanopesvedzerwa noumbimbindoga, vakazara nokufungira, uye kusaziva.”

Udzvinyiriri. “Ichokwadi kuti kune vatungamiriri vemapoka nevenyika vanongova nechinangwa chokuparadza dzimwe tsika,” anonyora kudaro Stephen Bowman mubhuku rake rinonzi When the Eagle Screams. “Asi zvakajekawo kuti ugandanga hwakawanda hunokonzerwa nokuora mwoyo.”

Kushatiriswa. “Muzviitiko zvakawanda . . . chinonyanya kukurudzira gandanga, kushatiriswa kwepachokwadi nezvematongerwe enyika, magariro uye zvoupfumi zvinoita sezvisingagadzirisiki,” anodaro mupepeti webhuku rinonzi Urban Terrorism.

Kusaruramisira. “Ugandanga chiratidzo chechinetso, kwete kuti ndihwo chaihwo hunokonzera,” anodaro Michael Shimoff muchinyorwa chake chinonzi “The Policy of Terrorism.” Anopfuurira kuti: “Chinangwa chedu chikuru chinofanira kuva chokubvisa zvinokonzera ugandanga zvinobva mumagariro uye mumatongerwe enyika. . . . Nepo tichirwisa ugandanga, tinofanira kushandawo zvakasimba kukurudzira rusununguko, chiremerera, ruramisiro, uye unhu hwakanaka. Kana kuedza kwedu kuita izvozvo kukabudirira, ndipo chete patinozokwanisa kubvisa mabasa edu okutsividza ougandanga nohumwe ugandanga uye kurwisa magandanga.”

Zvinokonzera ugandanga nenhoroondo yahwo yekare zvaratidza kuti mashoko eBhaibheri ndeechokwadi anoti: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Bhaibheri rakatofanotaura zvinhu zviri kukurudzira ugandanga. Rinoti: “Pamazuva okupedzisira nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, . . . vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo, vasingambodi kubvumirana, vanochera, vasingazvidzori, vanotyisa, vasingadi zvakanaka, vatengesi, vakaoma musoro, vanozvitutumadza nemhaka yokudada.”—2 Timoti 3:1-4.

Chokwadi ndechokuti pasinei nokuti vanhu vanoedza zvepachokwadi sei kurwisa ugandanga, havangabudiriri kupedza zvinohukonzera. Bhaibheri rinotaura zvazviri chaizvo kuti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba, haagoni kururamisa nhano dzake.” (Jeremia 10:23) Zvisinei, kunyange zvazvo vanhu vasina simba rokupedza chinetso chougandanga, zvechokwadi Mwari haangatadzi kuchipedza.

Chinohupedza

Vaya vakakanganisirwa kana kudzvinyirirwa uye vanonzwa kushatiriswa vanogona kuwana nyaradzo muchipikirwa chechokwadi cheBhaibheri chinoti: “Vakarurama vachagara panyika, vakakwana vacharambirapo. Asi vakaipa vachaparadzwa panyika; vanoita nokunyengedzera vachadzurwapo.”—Zvirevo 2:21, 22.

Chipikirwa chaMwari ichi chichazadzika munguva pfupi iri kutevera. Mutongi Wake, Mambo ari kutonga Jesu Kristu, achaona kuti izvozvo zvaitika. NezvaKristu humwe uprofita hweBhaibheri hunoti: “Haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; asi uchatongera varombo nokururama, uchatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama.”—Isaya 11:3, 4.

Hungu, Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, achabvisa kusaruramisira kwose munguva pfupi iri kutevera pamwe nevanokukonzera. Munyika itsva yakarurama yaMwari, ugandanga nemhirizhonga zvose zvichange zvava zvinhu zvomunguva yakapfuura. Ipapo munhu wose ari pasi achararama akachengeteka, asingatyi kukuvadzwa kupi nokupi.—Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Mufananidzo uri papeji 20]

Bhaibheri rinopikira kuti Mwari achabvisa udzvinyiriri hwose nokusaruramisira munguva pfupi iri kutevera

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe