Kuita Kuti Nyika Isina Mvura Iwane Mvura
NOMUNYORI WEMUKAI! MUINDIA
Nharaunda dzenyika isina mvura dzeLadakh, ruwa ruri kuchamhembe kweIndia, dzingaitwa sei kuti dziwane mvura? Ndiwo mubvunzo waiva nomumwe injiniya akarega basa anonzi Tsewang Norphel. Mvura inoyerera kubva pamazitombo echando ari pamusoro peMakomo eHimalaya inotanga mumwedzi waJune, kwete muna April mvura painenge iri shoma zvikuru uye varimi vachida mvura yokudiridza minda yavo. Norphel akafunga mhinduro yakangwara: Kugadzira mazitombo echando panzvimbo dzakadzikira, apo kunyunguduka kwacho kwaizotanga mukuvamba-vamba kwegore.
Maererano nemagazini yokuIndia inonzi The Week, Norphel neboka rake vakatanga kutsaudzira karwizi komugomo kuva mugero wakareba mamita 200 une tumwe tumigero 70 twaibva mauri. Mumigero iyi mvura yacho yaiyerera zvishoma nezvishoma uye zvinogona kudzorwa ichidzika nomumateru egomo uye yaioma kuita chando isati yasvika pamudhuri wakanga wakavakwa kuti isadarika waiva pakadzikira pemateru acho. Chando chacho chaizoumbana, chopedzisira chavhara midhuri yacho. Zvaraiva makadzikira megomo racho, zidombo racho rose raizonyunguduka chete apo tembiricha inokwira muna April, richipa mvura yokudiridzira yaidiwa zvikuru panguva iyoyo.
Pfungwa yokugadzira zidombo rechando yakabudirira here? Kutaura zvazviri, pfungwa yaNorphel yakaratidza kuva inoshanda zvikuru zvokuti mazitombo echando gumi akadaro akatogadzirwa muLadakh, uye gadziriro dzemamwe akawanda dziri kufambira mberi. Rimwe rakadaro, rakavakirwa panzvimbo yakakwirira mamita 1 400, rinobudisa marita mamiriyoni 34 emvura. Uye rinodhura zvakadini? “Kugadzira zidombo rechando kunotora inenge mwedzi miviri uye kunoita Rs80 000 [Z$104 160], yakawanda yacho ndeyokubhadhara vanhu vanoshanda,” inodaro The Week.
Ruzivo rwomunhu, parunoshandiswa zvakakodzera, runogona kubatsira zvechokwadi. Imbofunga zvichagona kuitwa nevanhu pasi poutungamiriri hwoUmambo hwaMwari hwokudenga! Bhaibheri rinopikira kuti: “Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. . . . Nokuti mvura zhinji ichadzutuka murenje, nehova dzemvura musango.” (Isaya 35:1, 6) Uchava mufaro wakadini kubatsirawo mukunakiswa kwepasi redu!
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 31]
Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.
Arvind Jain, The Week Magazine