RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 4/8 pp. 25-27
  • Kunyatsoongorora Bvudzi Rako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunyatsoongorora Bvudzi Rako
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kukura Kwebvudzi Nokupera Kwebvudzi
  • Kuchengeta Ganda Romusoro Wako Nebvudzi Zvakasimba
  • Kugadzira Bvudzi Rako
  • Zvinoratidzwa Nebvudzi Rako
  • Jesu Aitaridzika Sei?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Mukai!—2001
g01 4/8 pp. 25-27

Kunyatsoongorora Bvudzi Rako

RIMWE bhuku rinoti, “mumazera ose evanhu netsika dzavo, bvudzi rinoratidza chimwe chinhu nezvomunhu anaro.” Nokudaro, hazvishamisi kuti vanhu vakawanda zvikuru vanofarira kwazvo kuchengeta bvudzi ravo rakanaka uye richikwezva.

Mukai! yakabvunza vagadziri vebvudzi vana vane unyanzvi mibvunzo yakapfava nezvemagadzirirwo ebvudzi uye kutarisirwa kwaro. Sezvazvinoratidza, kune zvakawanda pamusoro pebvudzi rako pane zvinoonekwa neziso.

Kukura Kwebvudzi Nokupera Kwebvudzi

MUBVUNZO: Bvudzi rakagadzirwa nei?

MHINDURO: Bvudzi rine puroteni rakaita shinda riri mariri rinonzi keratin. Kabvudzi kamwe nekamwe kanobuda mukaburi kanonzi follicle. Pasi pekaburi ikako pane nzvimbo ine ropa rakawanda inonzi papilla. Nzvimbo iyoyo ndiyo inogadzira masero ebvudzi anokura achibuda nomukaburi kaya ozosimba kuva bvudzi.

MUBVUNZO: Vanhu vakawanda vanofunga kuti bvudzi rinokura nokukurumidza kana rikagerwa. Ndezvechokwadi here?

MHINDURO: Aiwa. Vamwe vanhu vanofunga kuti bvudzi rinopiwa chikafu nomuviri, sezvinoita mapazi omuti anopiwa chikafu nehunde. Asi kana bvudzi rangobuda muganda romusoro, rinenge risisina upenyu. Naizvozvo, kugera bvudzi hakuna zvakunoita pakukura kwaro.

MUBVUNZO: Nei bvudzi richichena?

MHINDURO: Nechomukati mekabvudzi mune zvimvura zvinoita kuti bvudzi rive noruvara rwaro. Apo masero ezvimvura izvozvo anofa, bvudzi rinochena; zvinoitika mukukwegura. Kukurumidza kuchena bvudzi kungakonzerwa nezvaunoberekwa uinazvo (genetics) kana kurwara. Zvisinei, manyepo kuti bvudzi rinochena muusiku humwe chete. Zvimvura zvacho zviri pasi peganda romusoro. Saka nguva yakawanda inodiwa kuti bvudzi jena rikure (anenge masendimita 1,25 pamwedzi) uye kuti rionekwe mumusoro.

MUBVUNZO: Zvii zvinokonzera kupera kwebvudzi?

MHINDURO: Kupera kwebvudzi kunongova musikirwo waro. Paavhareji, bvudzi romunhu wose rinopera notubvudzi 50 kusvikira ku80 pazuva. Asi mhanza inoita muvarume ine chokuita nezvatinoberekwa takaita uye zvinoratidzika sokuti inokonzerwa nokusagadzikana kwemvura dzomumuviri (hormonal imbalance), zvichiguma nokupera kwebvudzi zvachose. Kupera kwebvudzi kwakanyanyisa kunonzi alopecia.a

MUBVUNZO: Vamwe vanoti bvudzi rinoratidza zvakaita utano hwomunhu. Makacherechedza izvozvo here?

MHINDURO: Hungu. Pasi peganda romusoro, ropa rinopa bvudzi chikafu. Saka bvudzi rakasimba ringaratidza ropa rakawanda rine utano. Zvisinei, munhu anodya zvisina kutsarukana kana kuti anonwa zvinodhaka zvakanyanyisa angaona kuti bvudzi rake rinoomarara uye rinodimbuka nyore nyore, sezvo ropa rake risingagoni kupa bvudzi rake chikafu zvakanaka. Kurasikirwa nebvudzi kana bvudzi rinodimbuka nyore zvinogona kuva zviratidzo zvokuvamba kwourwere kana zvepamuviri.

Kuchengeta Ganda Romusoro Wako Nebvudzi Zvakasimba

MUBVUNZO: Tsanangurai magezerwo ebvudzi neganda romusoro.

MHINDURO: Zvakaitika zvinoratidza kuti vanhu vakawanda vane zvinetso zveganda romusoro rakaomarara vanorigeza kakawanda zvikuru nesipo yebvudzi. Chokwadi, mafuta ari mubvudzi rako anobata tsvina nezvinhu zvinobva paganda uye zvinogona kuvhara munofamba nemafuta achienda mumafollicle. Saka kugara uchirigeza nesipo yebvudzi kunokosha. Asi mafuta aya ari mubvudzi anodzivirirawo ganda rako pautachiona hune ngozi uye anochengetedza unyoro hunodiwa. Nokugara uchirigeza kakawanda nesipo yebvudzi, uri kuita kuti ganda romusoro wako risava norukoko urwu runodzivirira uye kutanga zvinetso zvakadai seganda romusoro rakaomarara. Vanamazvikokota vakawanda vanokurudzira kugeza bvudzi nesipo yebvudzi chero papi parinenge rasviba. Vanhu vane bvudzi rine mafuta vanofanira kurigeza kakawanda pane vaya vane bvudzi rakaomarara.

Pakurigeza, kwiza ganda romusoro wako. Izvi zvinoita kuti ubvise masero asina upenyu uye zvinoita kuti pave nokufamba kwakakodzera kweropa rinopa bvudzi rako chikafu. Yeuka kurigeza zvakasimba! Kana ukarega kugeza maoko ako pashure pokuazora sipo, ganda rako rinoomarara uye rinotsemuka. Saizvozvowo, kana sipo yebvudzi ikarega kugezwa zvakanaka, ganda romusoro rinogona kuomarara uye kuita makwene.

MUBVUNZO: Chinetso cheganda romusoro rakaomarara chingapedzwa sei?

MHINDURO: Inwa mvura yakawanda kwazvo, uye idya zvokudya zvinovaka muviri. Izvi zvinowedzera mvura muganda rako uye zvinoita kuti ropa rive noutano. Shandisa sipo yebvudzi isina simba rakanyanya, uye kwiza musoro wako nguva dzose. Vamwe vanhu vanoshandisa mishonga isingabviswi nokugeza kuti ganda romusoro wavo ripfave.

Kugadzira Bvudzi Rako

MUBVUNZO: Chii chinofanira kuyeukwa nomunhu paanenge achishanyira mugadziri webvudzi?

MHINDURO: Kana uchida kuchinja magadzirirwo ebvudzi rako, enda nomufananidzo wokugadzira kwaunoda uye zvichida wokugadzira kwausingadi. Taura zvakajeka zvaunoda uye nguva yaunoda kupedza uchitarisira bvudzi rako zuva rimwe nerimwe, sezvo mamwe magadzirirwo ebvudzi achida nguva yakawanda pane mamwe. Ramba uchiyeuka kuti zvinowanzoda kushanya kaviri kana katatu kuti mugadziri webvudzi anyatsoziva bvudzi rako uye kuti atange kukurukurirana kwakanaka newe. Saka usakurumidza kusiya mugadziri webvudzi rako!

Zvinoratidzwa Nebvudzi Rako

Kutarisira uye kugadzira bvudzi zvinhu zvinoratidza zvauri. Bvudzi rave richigerwa, kuwedzerwa, kutwasudzwa, kugonyaniswa, kuiswa ruvara, uye kugadzirwa zvakasiyana-siyana kuti zvienderane nefashoni, zvitendero, uye kunyange pfungwa dzemagariro evanhu nedzematongerwe enyika. Nyatsoongorora bvudzi rako. Rinoratidzei nezvako? Bvudzi rakanaka rakanyatsogadzirwa rinoshongedza anaro uye rinoyemurwa nevamwe.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuti uwane mashoko akawanda, ona nyaya inoti “Alopecia—Living in Silence With Hair Loss,” muMukai! yechiRungu yaApril 22, 1991.

[Mifananidzo iri papeji 26]

Kudya zvinovaka muviri uye kunwa mvura yakawanda kunobatsira kupedza chinetso cheganda romusoro rakaomarara

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kugara uchirigeza kakawanda nesipo yebvudzi kunogona kuita kuti ganda romusoro wako risava nemafuta anodzivirira

[Mufananidzo uri papeji 26]

Kuchena bvudzi kunoitika nguva dzose mukukwegura

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe