Kukurudzira Runyararo Kwete Hondo
YAKATAURWA NADOROTHY HORLE
Ndakaberekerwa mumhuri yokuItaly yevaKaturike muWilmington, Delaware, muU.S.A. muna 1919. Vabereki vangu vaisambopinda minamato yechechi, asi vaindiendesa nehanzvadzi dzangu mbiri. Ndaiororwa nechechi hombe nemavakirwo adzo, zvivezwa, uye kushongedzwa kwadzo kwakaisvonaka.
NOKUFAMBA kwemakore, kufarira kwangu dzidziso dzeKaturike kwakapera. Chechi yakanga isinganyanyi kutaura nezveBhaibheri, iro baba vangu vairemekedza uye vaiverenga nguva dzose. Ndainetseka nemishumo yakadhindwa yechechi yaizivisa vaipa zvipo uye zvavainge vapa. Kwaivawo norunyerekupe rwakawanda pamusoro pevapristi vaisatevera mitemo. Ndava nemakore 15, ndakanga ndisisiri muKaturike akasimba. Izvi zvakandipa nguva yakawanda yokudzidzira kudhirowa.
Basa Rokudhirowa
Muna 1940, pandaive nemakore 21, ndakaroorwa naWilliam Horle, murume muduku aifarira kudhirowa chero chinhu chine chokuita nezvechiuto—ndege, masoja, pfuti, ngarava. Bill akafara kuti ndaiva nyanzvi yokudhirowa, uye akanditengera pendi yangu yokutanga. Ndakatanga kudzidza zvaiitwa nenyanzvi dzekare.
Anenge makore maviri taroorana, Bill akatanga kufarira kugadzira tuzvivezwa twomutobvu twemauto. Zvaingovawo zvidhori zvemasoja here? Kana! Aida kugadzira zvinhu chaizvo zvakanaka. Vamwe vavezi vaishandisa purasitiki, mapuranga, kana plaster, asi mutobvu wainyatsoita zvakanaka kuna Bill nokurovedzwa kushandisa michina kwaakanga aita.
Aidhirowa mufananidzo wechimwe chinhu, ogadzira foroma ozodira mutobvu wacho. Nokufamba kwenguva, akava nyanzvi kwazvo mukubatanidza nhengo dzinenge dzapera kuumbwa, odzinamatidza, ozokwesha kuti zvitsvedzerere. Gare gare akarega kushandisa plaster inonzi plaster-of-Paris achitanga kushandisa zvine mishonga yakasanganiswa. Izvozvo zvakamubvumira kunyatsogadzira zvinhu zvakaisvonaka.
Kana chidimbu chesimbi chimwe nechimwe chapera kugadzirwa, raiva basa rangu kuchipedzisa. Nokutsvakurudza kunonetesa, takawana rondedzero dzezvaiva zvakaita yunifomu dzechiuto dzekare—kunyange kusanganisira mabhatani, zvirukwa, mabheji ezvinzvimbo, uye mavara.
Ndichishandisa chimwe chinhu chinoita kuti zvinhu zviratidzike sezvikuru, ndaishandisa mafuta nependi zvakasanganiswa kuti zvibatirire pasimbi. Izvi zvakabatsira kuti zvivezwa zvedu zviite sezvipenyu. Mukamuri redu duku repasi muPhiladelphia, kuPennsylvania, makaumbwa vaIndia vokuAmerica, masoja anorwa muHondo Yezvizvarwa Zvemunyika Imwe Chete, Zvikepe zveUnited States, vatasvi vemabhiza vaNapoleon nemabhiza acho, Madzimambo eIjipiti, Masoja okuAlgeria nevamwewo.
Ipapo Bill akakumbirwa neMauto Omugungwa eUnited States kuti agadzire chivezwa chebhiza rakatanga kukwirwa nemasoja okutanga omugungwa muPeking (zvino yava kunzi Beijing), kuChina, 1939 asati asvika. Takashanda pachiri tisingaregi, uye muna 1954 takachipa kuSmithsonian Institution muWashington, D.C. Makore akati gare gare, Purezidhendi Lyndon Johnson akakumbira kuti chitamisirwe kuWhite House. Chokwadi, takabvuma.
Hatina kumbotengesa zvivezwa zvedu, asi Bill akapa zvakawanda pachena. Zvakanaka nezvedu zvakataurwa mumabhuku akawanda anotaura nezvezvivezwa zvemasoja. Basa redu rakaratidzirwa paMusika Wenyika Yose muna 1965, paFlushing Meadow, muQueens, kuNew York. Mamiziyamu akakumbira zvivezwa zvedu. Bruce Catton, munyori wenhau dzakaitika dzezveHondo Dzezvizvarwa Zvemunyika Imwe Chete weUnited States, akashandisa madiorama nezvivezwa zvedu semifananidzo mumabhuku ake.
Mibvunzo Nezvoupenyu Inotanga Kuvapo
Zvisinei, ndava nemakore anenge 40, zvinhu zvakatanga kundichinjira. Ndakatanga kushamisika nezvaMwari. Parimwe zuva reKrisimasi, vana vashanu vechiKaturike vakatsvira mumba vabereki vavo vari kuchechi. Ndakafungisisa kuti, ‘Mwari aizobvumira sei izvozvo kuitika pazuva rake rokuberekwa?’ Ndakaona bhuku rairondedzera matambudziko Okuparadzwa Kukuru kwevaJudha. Izvi nezvimwe zviitiko zvakaipa zviri munyika zvakaita kuti ndibvunze kuti, ‘Mwari ari kupi? Haasi kuita zvaanofanira kuita!’
Kubva mumuenzaniso wepakuvamba wababa vangu, ndakafunga kuti mhinduro yacho inofanira kuva muBhaibheri. Saka ndakaenda pamusha wevakuru vakuru veKaturike pedyo nomusha wedu muPhiladelphia ndokurangana nomupristi kuzokurukura Bhaibheri. Ndakamirira ndikamirirazve, asi haana kuuya. Vhiki yoga yoga kwevhiki ina, ndaienda kumusha wevakuru vakuru uyu asi handina kumbova nekurukurirano imwe zvayo nomupristi.
Humwe usiku, ndakasurukirwa zvikuru, ndakatarira kumatenga ndokunyengetera kuti: “Handizivi kuti muri ani. Handizivi kuti chitendero chipi chamakabatana nacho, asi ndinoziva kuti muriko. Ndapota itai kuti ndikuzivei!” Gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvakauya pasuo rangu.
Nguva nenguva, ndakanga ndaona Zvapupu zvichimisa motokari dzazvo, zvichiburuka, uye zvichienda pamasuo akasiyana-siyana. Kunyange zvazvo pasina chandaiziva nezvazvo uye kuti nei zvaishanya, ndaida kuziva nezvebasa razvo.
Zuva iroro muna 1961 pakauya Zvapupu, ndakanga ndakaora mwoyo nokuti hapana chandaikwanisa kuita mukutsvaka kwangu Mwari. Sezvandaipukuta dhoo repamberi remba yangu, mukadzi ane makore okuma40 ainzi Marge Brion akakwira pamasitepisi epavharanda ndokundikwazisa. Pakutanga, handina kucheuka kuti ndimudavire. Asi akataura nezvepasi pachishandurwa kuva paradhiso yakaisvonaka, ndikabatisisa shoko rose raakataura. Pakupedzisira akabvunza kuti, “Muri kunditeerera here?”
Ndakadzokorora zvose zvaakanga ataura, kusanganisira ndima yeBhaibheri yaakanga atora mashoko mairi pana Isaya 55:11. Ipapo ndakatendeuka, ndokumubata ruoko, ndokuti, “Pindai!” Akandipa Bhaibheri rangu rokutanga nebhuku rinotsanangura Bhaibheri rinonzi Kubva kuParadhiso Yakarasika kuParadhiso Ichawanikwazve. Akati aizoda kukurukura Bhaibheri neni nguva dzose—rudzi chairwo rwedzidzo yandakanga ndakatarisira kuti Chechi yeKaturike yaizondipa.
Ndichidzidza kaviri pavhiki, ndakafambira mberi nokukurumidza mukudzidza kwangu Bhaibheri. Munguva pfupi, zvaiva pachena kuti ndakanga ndawana chokwadi. Kudzidza zita raMwari, Jehovha, chaiva chiitiko chinobata pfungwa kwandiri. (Pisarema 83:18) Imbofungidzira—uyu ndiye Mwari wandakanga ndichida kuziva kubvira pauduku! Ndakadzidzawo kuti Mwanakomana wake, Jesu Kristu, haasi rutivi rwevanamwari vatatu mune mumwe. (Johani 14:28) Pasina nguva refu, ndakanga ndava kupinda misangano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha uye ndava kufunga kuva muzivisi wenguva yakazara wemashoko eBhaibheri.
Kuita Zvisarudzo Zvinokosha
Muedzo wangu mukuru pane yose waiva pamberi pangu zvino. Ndingarega kuramba ndichishanda naWilliam pakudhirowa here? Ndingashumira sei Mwari worugare noMwanakomana wake, Muchinda Worugare, ndichikurudzira hondo mune zvokudhirowa? (Isaya 9:6) Mwari haana kupikira here kuti acha“gumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika”? (Pisarema 46:9) Saka nei ndichifanira kupfuuridzira chimwe chinhu icho Mwari achagumisa? Uye Isaya haana kuprofita here kuti vanhu vacha“pfura minondo yavo vachiiita mapadza” uye kusazodzidzirazve hondo? (Isaya 2:4) Ndakafunga uye ndakanyengetera kwenguva yakareba uye zvakaomarara. “Handichazozvidhirowizve!” ndicho chaiva chisarudzo changu. Musi waApril 25, 1964, ndakaratidza kuzvitsaurira kwangu kuna Jehovha Mwari nokubhabhatidzwa mumvura.
Bill aiwanzotaura kuti aiva nourombo sei kuti rimwe zuva taizoparadzana murufu. Pandakatanga kudzidza Bhaibheri, ndaitaurira Bill kuti: “Bill, tinogona kurarama nokusingaperi munyika itsva yaMwari!” (Isaya 25:8; Zvakazarurwa 21:4, 5) Akafunga kuti ndakanga ndava kupenga. Pandakatsanangura nehana yakanaka chikonzero nei ndakanga ndisisakwanisi kupenda zvivezwa zvechiuto, akatsamwa uye akatyisidzira kuti aizondisiya. Gare gare akandisiya.
Bill akagadzira zvivezwa zvechiuto ari oga kwemakore akawanda. Asi haana kunogara kure, uye nguva dzose ainditarisira nomwanakomana wedu, Craig, uyo akanga aberekwa muna 1942. Muna 1988, Bill akadzoka, uye takaramba tiri tose kwemakore gumi kusvikira parufu rwake.
Munguva iyoyo, muna 1966, ndakava piyona sezvandaida. Handina kuzombotarirazve shure. Ndakava neropafadzo yokudzidza Bhaibheri nomukoma wangu. Akabvuma zvarinodzidzisa, uye achiri Chapupu chinoshingaira nanhasi. Baba vangu vakateerera mashoko eBhaibheri uye muvhiki mbiri vakatanga kupinda misangano paHoro yoUmambo. Vakabhabhatidzwa vava nemakore 75, uye vakaramba vakatendeka kuna Mwari kusvikira pavakafa vava nemakore 81. Amai vangu vakabvumawo Jehovha saMwari wavo, kunyange zvazvo vakafa vasati vazvitsaurira. Vakanga vava kuda kusvitsa makore 94.
Kwemakore ose aya, ndave ndichikomborerwa zvikuru naJehovha, Mwari worugare. Zvino ndava nemakore 81, ndichiri piyona, kunyange zvazvo ndiine chinetso chokufamba. Ndinonzwa sezvakaita muapostora Pauro, akanyora kuti: “Ndinoonga Kristu Jesu Ishe wedu, akandipa simba, nokuti akati ndakatendeka nokundigovera ushumiri.” (1 Timoti 1:12) Hwave huri ushumiri hune mbiri zvikuru! Vakawanda vandakadzidza Bhaibheri navo vakaregawo zvimwe zvinhu zvavo kuti vashumire Mwari wedu ane ngoni.
Zvechokwadi zvinosuruvarisa kuti mhuri yangu yose haina kuita chimwe chinhu pachokwadi cheBhaibheri. Zvimwe nokufamba kwenguva vakawanda vachadaro. Asi muchiitiko changu mashoko aJesu aratidza kuva echokwadi okuti vadzidzi vake vaizowana “zvine zana zvino munguva ino, dzimba nevanun’una nehanzvadzi navanaamai nevana.” (Mako 10:30) Zvechokwadi, Jehovha andipfumisa. Iropafadzo huru zvikuru uye zvinofadza zvikuru kuchinjanisa mukurumbira nehondo nokuda kwaMwari norugare!
[Mufananidzo uri papeji 22]
NaGeneral L. C. Shepherd, Muduku, muna 1954
[Kwazvakatorwa]
Defense Dept. photo (Marine Corps)
[Mufananidzo uri papeji 23]
(Ukuru hwacho chaihwo)
[Mufananidzo uri papeji 24]
Ndava nemakore 81, ndave ndiri piyona kwemakore anopfuura 30