Chii Chichaitika Kumaguta Munguva Yemberi?
“KUTARIRA maguta edu kwakafanana nokutarira munguva yedu yemberi.” Ndizvo zvakataurwa naIsmail Serageldin weWorld Bank. Asi kubva mune zvataona kusvikira zvino, nguva yemberi iyoyo hairatidziki kuva yakajeka.
Zvinorumbidzwa kuti pari kuedzwa zvakaoma kuvandudza upenyu hwomumaguta akawanda. New York City ichangopedza kugadzira mhararano inonzi Times Square muManhattan. Paimbozivikanwa zvakashata nokuda kwokuratidza zvinonyadzisira, kutengesa zvinodhaka, nokuparwa kwemhosva. Zvitoro nehoro dzemitambo zvitsva zvachiti ndandanda zvichitevedza migwagwa yacho zvichikwezva zviuru zvevashanyi. Naples, muItaly “guta raiyevedza, rakanaka raienzaniswa neLondon neParis,” maererano nemagazini yeNational Geograghic, rakaparadzwa muHondo Yenyika II. Naples rakava muzinda wokuparwa kwemhosva nemvonga-mvonga. Zvisinei, pakasarudzwa guta racho kuti riitirwe mumwe musangano wezvematongerwe enyika muna 1994, rakatanga kuvandudzwa mune zvakawanda richigadziridzwa zvivako zviri pakati peguta.
Zvechokwadi, kuti pave nemaguta asina ngozi uye akachena pane basa. Kuti musave nengozi dzakawanda zvinoreva kuva nemapurisa akawanda. Chimwe chichashayikwa kuva nezvakavanzika. Dzimwe nzvimbo dzevoruzhinji dzinongogara dzichitorwa mifananidzo neveTV uye dzichiongororwa nemapurisa asina yunifomu. Paunenge uchifamba mupaki nokupfuura nepazvitubu, matombo akavezwa, kana mumihomba yemaruva, ungave uri kutopfuura nepanzvimbo dzakachengetedzwa usingazivi.
Dzimwe nguva kuvandudza kunototorera varombo zvakawanda. Chimbofunga nezvokuchinjwa kwemisha yevarombo kuti ikodzere kugarwa nevanotambira mari yakawanda. Kuchinjwa uku kunokonzerwa nokuchinja kwoupfumi—“kuchinja kubva mukugadzira kuenda mukushandisa, kubva muunyanzvi huri pakati nepakati kuenda kuzvigadzirwa zvinoshanda zvoga.” (Gentrification of the City, rakapepetwa naNeil Smith naPeter Williams) Sezvo mabasa anoshandwa wakapfeka hovhorosi ari kupera uye kudikanwa kwevashandi vane unyanzvi kuri kuwedzera, kudikanwa kwedzimba dziri nani kunowedzerawo. Panzvimbo pokukwira zvifambiso dzichienda kunogara vanhu, nyanzvi zhinji dzinotambira mari yakawanda dzinosarudza zvadzo dzimba dziya dzaive dzevarombo dziri pedyo dzodzigadziridza.
Sezvingatarisirwa, izvi zvinoguma nokuvandudzwa kwemisha yakapoteredza. Asi sezvo misha yakavakidzana inovandudzika, mitengo inokwirawo. Varombo vanowanzozviwana vasisakwanisi kurarama mumisha yakapoteredza mavanga vachishanda nokugara kwemakore.
Kufa Kweguta Here?
Maguta angave achangotanga kuchinja nokuda kwounyanzvi hutsva hwokugadzira zvinhu. Sezvo Internet inowedzera kukurumbira senzira yokutenga nokuita bhizimisi, izvi zvingagona kuva nemigumisiro inoshamisa. Unyanzvi hutsva hwokugadzira zvinhu hwatoita kuti zvive nyore kuti mamwe mabhizimisi atamire kunze kwemaguta—achienda nevashandi vakawanda.
Sezvo kutenga nokushanda nemakombiyuta zviri kukurumbira, vanhu vanganzwa vasingadi kuenda kunharaunda dzebhizimisi dzakawandisa vanhu. Bhuku rinonzi Cities in Civilization rinopa zano rokuti: “Motokari dzinogona kudzikiswa uwandu hwadzo mumigwagwa, . . . kana vashandi, zvikurukuru vasingashandi nguva yakazara, vachiita zvokushanda vachibva pamba kana kuti munzvimbo dzakavakidzana vachingopinda mumafekitari.” Nyanzvi yezvokuvaka Moshe Safdie anofungidzirawo kuti: “Mumamiriro ezvinhu matsva aya, tingazova nemamiriyoni emisha yakapararira, ichipa vanhu upenyu hwomutambarakede hwomumaguta uye vachingoshandisawo makombiyuta sezvinoita vomumaguta akagara ariko.”
Chii Chichaitika Kumaguta Munguva Yemberi?
Vazhinji vanoongorora vanoti kunyange zvazvo pava noruzivo rwokugadzira zvinhu, maguta ane basa uye anobatsira zvichaita kuti arambe achikwezva vanhu. Chipi zvacho chingazoitika munguva yemberi, maguta anhasi ari mudambudziko izvozvi! Uye haparatidziki kuti pachava nenzira yokupedza nayo matambudziko makuru omudzimba noutsanana evarombo vari kungowedzera mumaguta. Hapanawo munhu upi noupi ati ava pedyo nokuwana nzira yokubvisa kuparwa kwemhosva, kuparadzwa kwezvakatipoteredza, uye kusvibiswa kwezvinhu mumaguta.
Vamwe vangati hurumende dzinofanira kungowedzera mari inoshandiswa mumaguta. Asi tikacherechedza zvakaitwa nehurumende dzakawanda mukutarisira zvinhu zvadzo, kungava kuona zvinhu sezvazviri here tikafunga kuti matambudziko emaguta angagadziriswa nemari chete? Makumi emakore apfuura bhuku rinonzi The Death and Life of Great American Cities rakati: “Pane kufungidzira kwokukanganisa kwokuti dai taive nemari yokushandisa yakakwana . . . , taizobvisa nzvimbo dzose dzakashata mumaguta . . . Asi onai zvatakavaka nemabhiriyoni anoverengeka ataive nawo pakutanga: Zvirongwa zvinounza mari shomanana zvinozova mizinda yemisikanzwa, unhubu uye isingatombopi tariro kupfuura nzvimbo dzakashata dzinofanira kutsiviwa dzacho.” Mashoko aya achiri echokwadi.
Asi kana mari isiri iyo inopedza dambudziko racho, chii chinoripedza? Tinofanira kuyeuka kuti maguta vanhu, hazvisiri zvivako nemigwagwa chete. Saka pakupedzisira, vanhu ndivo vanofanira kuchinja kuti upenyu hwomumaguta huchinje. “Upfumi hukuru hweguta itarisiro uye tsika zvevanhu,” anodaro Lewis Mumford mubhuku rinonzi The City in History. Uye dai kushandiswa kwezvinodhaka, chipfambi, kusvibiswa kwezvinhu, kuparadzwa kwezvakatipoteredza, kusaenzana pamagariro, unhubu, kunyora-nyora madziro uye zvimwewo zvaizobviswa, zvakawanda zvinodiwa kupfuura kuwedzera mapurisa kana kuti kupenda patsva. Vanhu vanofanira kubatsirwa kunyatsochinja mafungiro avo nokuzvibata kwavo.
Kuchinja Vakuru Vebasa
Zviri pachena kuti kuchinja kwakakwana kwakadaro hakukwaniswi nevanhu. Saka kuedza kugadzirisa matambudziko emaguta anhasi—kunyange kuchiitwa nechinangwa chakanaka—kunopedzisira kwakundikana. Zvisinei vadzidzi veBhaibheri havaori mwoyo, nokuti vanoona matambudziko omumaguta anhasi somumwe muenzaniso wokuti vanhu hatigoni kutarisira pasi redu zvakanaka. Maguta anhasi ari mumatambudziko, azere nemvonga-mvonga anosimbisa mashoko eBhaibheri ari pana Jeremia 10:23 anoti: “Nzira yomunhu haizi yake amene; munhu, unofamba haagoni kururamisa nhanho dzake.” Kuedza kwomunhu kuzvitonga kwakaguma nokusuwa kukuru—matambudziko akawedzera kukura mumaguta edu.
Saka vagari vomumaguta vanowana nyaradzo muchipikirwa cheBhaibheri chakanyorwa pana Zvakazarurwa 11:18, chokuti Mwari ‘achaparadza vanoparadza pasi.’ Izvi hazvirevi kuona zvinhu nenzira yakashata asi kutotaura nezvenguva yemberi yevanhu yakanaka. Zvinovimbisa kuti Mwari achatora basa rokutarisira pasi redu achishandisa imwe hurumende, kana kuti Umambo. (Dhanieri 2:44) Mamiriyoni evanhu anenge asisagari muurombo, achishayiswa dzimba dzakanaka noutsanana hunokosha, achishayiswa kodzero, kana kuti tariro. Mukutonga kwehurumende yaMwari, vanhu vachabudirira mukuwana zvinhu, vachava noutano hwakanaka, uye vachava nedzimba dzakanaka zvikuru.—Isaya 33:24; 65:21-23.
Nyika itsva iyi ndiyo inonyatsopedza matambudziko emaguta anhasi.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Pari kuedzwa zvechokwadi kuvandudza upenyu hwomumaguta
Naples, Italy
New York City, U.S.A.
Sydney, Australia
[Kwazvakatorwa]
SuperStock
[Mufananidzo uri papeji 10]
Nyika itsva yaMwari inopa chinopedza matambudziko evagari vomumaguta anhasi