Chii Chichaitika Kumitemo Yokuti Zvombo Zvive Zvishoma?
MUMAKORE achangopfuura hurumende dzepasi pose dzakakurukura nzira dzokurwisa kutengeswa zvisiri pamutemo kwepfuti. Nhau yacho yave ichiongororwa neUnited Nations General Assembly. Mishumo yave ichigadzirwa, zvinokurudzirwa zvichipiwa, uye zvisarudzo zvichigamuchirwa. Zvisinei, vatsoropodzi vanotaura kuti kungofunga nezvokutengeswa zvisiri pamutemo chete kunoreva kuti vanonyanya kutengesa zvombo—hurumende pachadzo—havatomboongororwi.
Kutaura zvazviri, musiyano wokutengesa zvombo zviri pamutemo nezvisiri pamutemo hautomboonekwi. Zvombo zvakawanda zvinotengeswa zvisiri pamutemo zvakambotengeswa zviri pamutemo. Zvombo zvinotengeserwa mauto kana madhipatimendi emapurisa zvinowanzobiwa zvichizotengeswa zvisiri pamutemo. Uyezve, hazvishamisi kuti zvombo zvitengeswe kumunhu wechipiri munhu wokutanga kuzvitengesa asingambozivi uye asina kupa mvumo. Imwe nyaya mumagazini inonzi Arms Control Today inoti hurumende dzenyika hadzifaniri kukurumidza kupa chirango pakutengeswa zvisiri pamutemo kwezvombo uye hurumende dzacho dzinofanira kuongorora basa radzo pachadzo mukutengeswa zviri pamutemo kwezvombo. Kunyange zvazvo vakawanda vachitarisira kuti nyika dzichaita chimwe chinhu pamusoro pokutengeswa kwepfuti, mumwe mutori wenhau akati: “Sezvo nhengo shanu dzechigarire dzedare rinoona nezvokuchengeteka reSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose dziridzo dzinotengesa 80 muzana yezvombo munyika yose hatifaniri kutarisira kuti chimwe chinhu chichaitwa.”
Kuwedzera pachinetso chokudzora kufambiswa kwepfuti nezvigwagwagwa zvombo zvakadaro zviri nyore kugadzira. Nepo kugadzirwa kwezvombo zvikuru zvakadai sendege, nengarava dzehondo kuchingoitwa nenyika dzinenge gumi nembiri, vagadziri vanopfuura 300 munyika 50 vava kugadzira zvigwagwagwa. Nhamba yakakura uye iri kuwedzera yevagadziri vepfuti haiwedzeri matura ezvombo enyika chete asi inowedzerawo mikana yokuwanisa zvombo kumauto, mapoka evapanduki, uye masangano ematsotsi.
Nhau Dzinonyanya Kuitiranwa Nharo
Kusvikira panguva ino, tanyanya kutaura nezvokushandiswa kwepfuti munyika dzasakadzwa nehondo. Zvisinei, nhau dzokuti zvombo zvive zvishoma dzinoitiranwa nharo zvikuru munyika dzakati gadzikanei dzisina hondo. Vaya vanotsigira mitemo yakasimba yokuti zvombo zvive zvishoma vanotaura kuti pfuti dzakawanda dzinoita kuti pave nokupondwa kwevanhu kwakawanda. Vanoti muUnited States, umo mitemo yacho isina kuoma uye pfuti dzakawanda kwazvo, mune mwero wakakura wokupondwa kwevanhu, asi muEngland, mune mitemo yakaoma, mune mwero wakadzikira wokupondwa kwevanhu. Vanoshora mutemo wokuti zvombo zvive zvishoma vanokurumidza kutaura kuti muSwitzerland vanhu vakawanda vanowana zvombo nyore nyore, asi mwero wokuurayana wakadzikira.
Uye zvakatoipisisa, tsvakurudzo dzinoratidza kuti United States ine mwero wokuponda pasina pfuti wakakwirira zvikuru pane nhamba yose yomwero wokuponda munyika dzakawanda dzomuEurope. Asi, pane dzimwewo nyika dzine mwero wokuponda pasina pfuti wakakwirira pane nhamba yose yomwero wokuponda muUnited States.
Zvakajairika kushandisa—uye kushandisa zvisina kufanira—nhamba kutsigira imwe pfungwa. Uye panhau yokuti zvombo zvive zvishoma, zvinoratidzika sokuti papfungwa yose inotaurwa, pane inoratidzika sepfungwa inopikisa ine musoro. Nhau dzacho hadzinzwisisiki. Zvisinei, nyanzvi dzinobvumawo kuti kunze kwokuva nepfuti, pane zvinhu zvakawanda zvine chokuita nomwero yokuurayana uye kuparwa kwemhosva.
Sangano rine simba romuUnited States rinonzi National Rifle Association rinowanzotaura kuti: “Pfuti hadziurayi vanhu; vanhu ndivo vanouraya.” Maererano nepfungwa iyi, pfuti, kunyange zvazvo yakagadzirirwa kuuraya, haiurayi yoga. Munhu anofanira kudhonza chikungiso chayo, achida kana kuti netsaona. Chokwadi, vamwe vaizopikisa vachiti pfuti dzinoita kuti zvive nyore kuti vanhu vauraye vanhu.
Kupfura Minondo Kuva Mapadza
Maererano neBhaibheri, chinetso chevanhu vanouraya vanhu hachipedzwi nokungobvisa pfuti mumaoko evane chinangwa chokuita umhondi. Kuparwa kwemhosva chinetso chemagariro evanhu, hachisi chokuva nepfuti chete. Kuzvipedza chaiko kunosanganisira kuchinja mafungiro nemaonero evanhu pachavo. Muprofita Isaya akafuridzirwa kunyora kuti: “[Mwari] uchatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.”—Isaya 2:4.
Izvi hazvina kuoma kuti zviitike sezvingafunga vamwe. Uprofita hwaIsaya huri kuzadzika nhasi pakati pevaKristu vechokwadi munyika yose. Kuchinja kwavo zvombo kuva zvishandiso zvorugare kwokufananidzira kunoratidza chido chinobva pasi pomwoyo chokufadza Mwari uye kurarama norugare nevamwe. Nokufamba kwenguva, muUmambo hwaMwari munhu wose ari pasi achararama murugare nokuchengeteka zvakazara. (Mika 4:3, 4) Pfuti dzinenge dzisingachaurayi vanhu. Vanhu vanenge vasingachaurayi vanhu. Zvinoshandiswa kuuraya zvinenge zvisingachashandi.
[Mifananidzo iri papeji 18]
‘Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza’