Mugumo Wechigarire waMasimba Masimba—Sei?
KUTI adzore kuwedzera kwamasimba masimba, maguta akati muUnited States akaedza nepfungwa itsva—mari kana kuti zvinhu nokuda kwepfuti dzinounzwa, pasina mibvunzo inobvunzwa. Mugumisiro wacho? Pandyiko ye$3 069 000, guta reSt. Louis, somuenzaniso, rakaunganidza pfuti 8 500. Chirongwa chakafanana muNew York City chakawana zvinopfuura zvombo zvine chiuru.
Mugumisiroi uyo ikoku kwose kwakava nawo pautsotsi? Nenzira inosuruvarisa, muduku zvikuru. Kuuraya kune chokuita nepfuti kwakasvika chiverengero chapamusoro zvikurusa muSt. Louis gore rakatevera racho. MuNew York City, pachine pfuti dzinofungidzirwa dzine mamiriyoni maviri dzine vanhuwo zvavo. MuUnited States, mune dzinenge pfuti mamiriyoni 200 dzavanhu, dzinodokusvika imwe nokuda kwomurume ari wose, mukadzi, uye mwana. Mune dzimwe nyika, masimba masimba ane chokuita nepfuti ari kuwedzera pamwero unotyisa. MuBritain “pakati pa1983 na1993, nhamba yemhaka dzakanyorwa nemapurisa umo pfuti dzaibatanidzwa yakadokupetwa kaviri, kusvika ku14 000,” inodaro The Economist. Kunyange zvazvo mwero wokuuraya wakaderera zvikuru, mune zvombo zvinenge miriyoni imwe zvisiri zvapamutemo munyika iyoyo.
Zvirokwazvo, kuderedzwa kupi nokupi munhamba idzodzo dzinotyisa inhanho mukufambira mberi. Zvisinei, matanho akadai seayo atsanangurwa pamusoro apa haatongosviki kuzvisakiso zvikuru zvamasimba masimba. Ndezvipi zviri zvisakiso izvozvo? Zvinhu zvakawanda zvakataurwa, asi zvishomanene zvazvo zvakakosha. Kushaikwa kwokuterama kwemhuri uye murayiridzo wetsika zvakasunda pwere dzakawanda kukumbanira mapoka nokuda kwepfungwa yokuva weboka. Kukwezva kwezvibereko zvakakura kunonyengera vakawanda kutendeukira kumasimba masimba. Kusaruramisira kunosunda vamwe kupedza nhau nenzira yamasimba masimba. Kudada nenyika, rudzi, kana kuti nzvimbo muupenyu zvinosakisa kuti vanhu vafuratire kutambura kwavamwe. Izvi zvinhu zvakasimba zvisina mhinduro dzokukurumidzira.
Chii Chinogona Kuitwa?
Mapurisa akawanda, nhambo dzomutorongo dzakakomba zvikuru, kudzora pfuti, mutongo worufu—izvozvi zvose zvakakarakadzwa ndokuedzwa somutoo wokudzora utsotsi uye masimba masimba. Izvo zvakaunza mwero yakasiyana-siyana yebudiriro, asi idi rinosuruvarisa nderokuti masimba masimba achiripo zvikuru. Nei? Nemhaka yokuti aya matanho anongobatawo zvawo nezviratidzo.
Pane rumwe rutivi, nyanzvi dzakawanda dzinonzwa kuti nzira yokugumisa nayo masimba masimba idzidzo. Nepo iyi pfungwa yakanaka, tinofanira kucherekedza kuti masimba masimba haana kuganhurirwa kumarudzi uko mikana yedzidzo yakaganhurirwa. Chaizvoizvo, kunoratidzika kuti mamwe amarudzi ane masimba masimba zvikurusa ndiwo ayo ane mipimo yakakwirira zvikurusa yedzidzo. Hakuna kuoma kuona kuti chinodikanwa haisi dzidzo chete asi rudzi rwakarurama rwedzidzo. Rudzii rwaingava? Pane mumwe munhu anokwanisa kudzidzisa vanhu kuda rugare uye kuva vakarurama here?
“Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirayiro yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa!” (Isaya 48:17, 18) Jehovha Mwari anodzidzisa sei vanhu kuda rugare uye kuva vakarurama? Zvikurukuru kupfurikidza neShoko rake, Bhaibheri.
Simba reShoko raMwari
Bhaibheri haritongori zvaro muunganidzwa wengano dzekare uye mashoko asingawirirani nomusi uye asingakodzeri. Iro rine nheyo uye pfungwa dzinobva kuMusiki worudzi rwomunhu, uyo, mumurangariro wake mukuru, anoziva muitirwo womunhu zviri nani kupfuura munhu upi noupi zvake. “Nokuti denga sezvarakakwirira kupfuura nyika, saizvozvo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, nendangariro dzangu kupfuura ndangariro dzenyu,” anodaro Jehovha Mwari.—Isaya 55:9.
Nokuda kweichi chikonzero muapostora Pauro anopupurira kuti “shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomwongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo.” (VaHebheru 4:12) Hungu, Shoko raMwari rine simba rokusvika ndokuorora mwoyo womunhu uye kuchinja kufunga kwake nomufambiro. Hakusi ikoku here kunodikanwa kuchinja nzira dzavanhu dzamasimba masimba nhasi?
Zvapupu zvaJehovha, zvino zvinosvika anenge mamiriyoni mashanu munyika dzinopfuura 230, chibvumikiso chipenyu chokuti Shoko raMwari, zvirokwazvo, rine simba rokushandura upenyu nokuda kwezviri nani. Pakati pazvo pane vanhu vanobva murudzi rwuri rwose, mutauro, uye dzinza. Izvo zvinobvawo mumifambiro yose youpenyu nemamiriro ezvinhu akare enzanga. Zvimwe zvazvo zvaisirarama upenyu hwamasimba masimba uye hwokunetseka. Asi panzvimbo pokubvumira zvinhu zvakadaro kunyandura pfunde pfunde, makwikwi, rusaruro, uye ruvengo pakati pazvo, izvo zvakadzidza kukurira idzi mhinganidzo uye zvakava vanhu vanoda rugare uye vakabatana munyika yose. Chii chakaita kuti ikoku kubvire?
Nhimbe Inogumisa Masimba Masimba
Zvapupu zvaJehovha zvakazvipira kubetsera vamwe kuwana zivo yakarurama yechinangwa chaMwari sechinoratidzirwa muShoko rake, Bhaibheri. Mukona iri yose yapasi, izvo zviri kutsvaka avo vanoda kudzidza nzira dzaJehovha ndokudzidziswa naye. Nhamburiko dzazvo dziri kubereka zvibereko. Mugumisiro weiyi nhimbe yokudzidzisa ndewokuti uporofita hwakaisvonaka huri kuzadzikwa.
Makore 2,700 akapfuura, muporofita Isaya akafuridzirwa kunyora, kuti: “Pamazuva okupedzisira zvichaitika kuti . . . vanhu vazhinji vachaendako vachiti: Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.”—Isaya 2:2, 3.
Kudzidziswa naJehovha uye kufamba mumakwara ake kunogona kuparira chinjo dzakaisvonaka muupenyu hwavanhu. Imwe yechinjo inofanotaurwa muuporofita humwe chetehwo: “Vachapfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa.” (Isaya 2:4) Vanhu vakawanda vakarava urwu rugwaro. Kutaura idi, urwu rugwaro rwakatemerwa pamadziro eUnited Nations Plaza muNew York City. Chiyeuchidzo cheicho Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rinotsvaka kuita asi rakakundikana kuita. Uku kubviswa kwehondo namasimba masimba hakusati kuchifanira kuitwa nesangano rezvamatongerwe enyika ripi neripi rinoitwa nomunhu. Ndechimwe chinhu icho Jehovha Mwari oga anokwanisa kuita. Iye achachiita sei?
Sezvinooneka haasati ari munhu wose achagamuchira kokero yoku“[enda] kugomo raJehovha” uye ‘kurayiridzwa pamusoro penzira dzake’ uye ku“famba mumakwara ake”; uyewo vose havasati vachizodisa ku“pfura minondo yavo vachiiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti.” Jehovha achaitei pamusoro pavakadaro? Iye haasati achizoramba akazarura nokusingaperi suo romukana kana kuti kuvamirira kuti vachinje. Kuti agumise masimba masimba, Jehovha achagumisawo avo vanoomerera panzira dzavo dzamasimba masimba.
Chidzidzo Chakakosha
Icho Mwari akaita muzuva raNoa chinogovera nyevero kwatiri nhasi. Chinyorwa cheBhaibheri chinoratidza kuti rudzii rwenyika rwakanga rwuripo ipapo: “Nyika yakanga yakaora pamberi paMwari, nyika yakanga izere nokumanikidzana.” Pana ikoku, Mwari akazivisa Noa, kuti: “Kupera kwavanhu vose kwasvika pamberi pangu; nokuti vakazadza nyika nokumanikidzana; tarirai, ndichavauraya pamwe chete nenyika.”—Genesi 6:11, 13.
Tinofanira kucherekedza rimwe pfundo rinokosha. Pakuunza Boporodzi pachizvarwa ichocho, Mwari akachengeta Noa nemhuri yake. Nei? Bhaibheri rinopindura, kuti: “Noa wakanga ari munhu wakarurama, asina mhosva mumarudzi ake; Noa wakafamba naMwari.” (Genesi 6:9; 7:1) Nepo asati ari munhu ari wose airarama panguva iyoyo akanga ari zvake munhu ane masimba masimba, Noa bedzi nemhuri yake “[v]akafamba naMwari.” Nemhaka yaikoko ivo vakapukunyuka apo nyika iyoyo yamasimba masimba yakagumiswa.
Sezvatinoonazve pasi richiva ‘rakazadzwa nokumanikidzana,’ tinogona kuva nechokwadi chokuti hakuitiki kusingacherekedzwi naMwari. Sezvaakangoita muzuva raNoa, naizvozvo iye achakurumidza kuita chiito ndokugumisa masimba masimba—zvechigarire. Asi iye achagoverawo nzira yokuchengeteka nokuda kwaavo zvino vari kudzidza ku‘famba naMwari wechokwadi,’ avo vari kugamuchira nhimbe yake huru yokudzidzisa yorugare.
Kupfurikidza nowezvamapisarema, Jehovha anopa iyi vimbiso: “Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:10, 11.
Zvapupu zvaJehovha zvichafara kufunda Bhaibheri newe kuitira kuti ugogona kukumbanira avo vanoti: “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isaya 2:3) Kupfurikidza nokuita kudaro, unogona kuva pakati paavo vachaona kuguma kwouipi hwose uye masimba masimba. Unogona kuwana ku“farikanya kwazvo norugare rukuru.”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]
Reuters/Bettman