RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 2/8 pp. 15-16
  • Upenyu Hwokumhanya-mhanya Hwenyika Ino

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Upenyu Hwokumhanya-mhanya Hwenyika Ino
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mazuva Akangoerekana Areba
  • Upenyu Hunokurumidza
  • Takaneta asi Hatisi Kupera Simba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kurasikirwa Kunokonzerwa Nokuedza Kuita Zvakawandisa
    Mukai!—2001
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2001
  • Vambirana Nengoro Yokudenga yaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 2/8 pp. 15-16

Upenyu Hwokumhanya-mhanya Hwenyika Ino

Makurumidziro Anoita Upenyu Anomboita Seanokukunda Here Dzimwe Nguva? Anokusiya Wavhiringika, Waneta, Usisakwanisi Kubata Nawo Here? Kana Zvakadaro Hausi Woga.

MAMIRIYONI evanhu, zvikurukuru mumaguta, anoona kuti upenyu hwazova chimbi-chimbi inovhiringidza neinonetesa. Izvi zvakanyanya kunyika dzokuMadokero. Pamumwe musangano wechitendero muUnited States, mukurukuri akakumbira vateereri vake kusimudza maoko kana vachiwanzonzwa vakaneta. Pakarepo, maoko akati yaka yaka mudenga.

Bhuku rinonzi Why Am I So Tired? rinoti: “Upenyu hwemazuva ano hwakazara nokubatikana zvisati zvambonzwika nezvazvo—kubata nguva inosimuka ndege, kuita zvinhu panguva yakarongwa, vana vanofanira kuendeswa nokunotorwa kukireshi panguva—zvinhu zvacho hazviperi.” Hazvitomboshamisi kuti kuneta kwave kuchitsanangurwa sechinoparadza chenguva yedu.a

Mumakore akapfuura, upenyu hwaive nyore uye hwainonokera. Vanhu vaiita sevanongorarama maererano nemasikirwo akaitwa nguva—masikati aive ebasa uye usiku hwaive hwokuva nemhuri nokurara. Nhasi, kune zvikonzero zvakati kuti zvinoita kuti vanhu vawedzere kunzwa vakaneta uye vakarukutika.

Mazuva Akangoerekana Areba

Chimwe chikonzero chingava chokuti vanhu havarari zvakakwana. Uye kumwe kuvandudzwa kwezvinhu kukuru kwakakanganisa nguva yokurara kuuya kwakaita magetsi. Nokungoti kete kubatidza, vanhu vakagona kudzora urefu hwe“zuva,” uye nenguva isipi vanhu vakatanga kunonoka kurara. Chaizvoizvo, vazhinji vakanga vasina zvokuzviita nokuti mafekitari akatanga kushanda usiku nemasikati uye makambani anotengesera vanhu zvakananga akawedzera maawa awo. Mumwe munyori akati: “Nzanga yemaawa makumi maviri nemana yakazvarwa.”

Kumwe kuvandudzwa mune zvokugadzira zvinhu, kwakadai seredhiyo, TV, uye kombiyuta yomunhu pachake, kwave kuchiwedzerawo pakushayisa vanhu nguva yokurara yakakwana. Munyika dzakawanda, mapurogiramu eTV anoshanda maawa 24 pazuva. Hazviwanzoshamisi kuti vanofarira mafirimu kana kuti mitambo vauye kubasa vaine hope uye vakaneta mushure mokuona kwenguva yakareba usiku. Makombiyuta omumba, nezvimwe zvinotsausa zvisingaperi zvaanopa, zvinoitawo kuti mamiriyoni asakurumidze kurara. Zvechokwadi, zvigadzirwa izvi pachazvo hazvina kuipa; asi, zvinofurira vanozvishandisa kuti vasafunga kuti vanoda kuzorora.

Upenyu Hunokurumidza

Haasi mazuva edu chete awedzera urefu asi upenyu pachahwo hunoita sohuri kunyanya kukurumidza—zvichikonzerwazve noruzivo rwokugadzira zvinhu. Ngoro yaidhonzwa nemabhiza yomumakore ari pasi pemakore zana apfuura yakasiyana zvikuru nemotokari inomhanya, chitima chegetsi, nendege dzejeti zvanhasi. Chaizvoizvo, muzvinabhizimisi wemazuva ano, ana sekuru zvichida vaiita zvokufamba kana kutasva bhiza kana bhasikoro kuenda kubasa, angafuma ari mhiri kuno kweNyanza yeAtlantic ozonodyira kudya kwemasikati ava kumwe kumhiri aenda nendege!

Mumahofisiwo mave muri kufambira mberi chinyararire munyaya dzezvinokurumidzisa basa uye zvarinobereka. Matapureta netsamba dzinotumirwa zvakatsiviwa nemakombiyuta, nhare dzetsamba, neE-mail. Tukombiyuta twomuhomwe, mafoni omuhomwe, nemapeja zvabvisa mutsauko uri pakati pomusha nehofisi.

Chokwadi, hapana mumwe wedu anogona kunonotsa kumhanya kuri kuita upenyu. Zvisinei, somunhu mumwe nomumwe, tinogona kugadziridza zvokuti tikwanise kurarama upenyu hwakati gadzikanei uye dzikamei. Asi tisati tafunga nezvenyaya iyi, ngationgororei zvinogona kuitwa patiri uye panzanga yose nokumhanya-mhanya kwanhasi.

[Mashoko Omuzasi]

a Kuneta kusingaperi kunogonawo kukonzerwa kana kuwedzerwa nezvinhu zvakati kuti zvisina chokuita nokubatikana kwezuva nezuva. Zvinokonzera zvingasanganisira zvinetso zvoutano hwomuviri, kudya kusingavaki muviri, zvinodhaka, kusvibisa kwemakemikari, zvinetso zvepfungwa, kuchembera, kana mubatanidzwa wezvinokonzera izvi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe