RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 1/8 p. 21
  • Ndokupi Kwaungawana Dzidzo Yakanakisisa?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndokupi Kwaungawana Dzidzo Yakanakisisa?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hwaro Hwedzidzo Yakanakisisa
  • Dzidzo—Ishandise Kurumbidza Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuita Zvisarudzo Zvakanaka Panyaya Yekuwedzera Dzidzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2026
  • Bhaibheri Rinoshora Dzidzo Here?
    Mukai!—1998
  • Dzidzo Ine Donzo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 1/8 p. 21

Ndokupi Kwaungawana Dzidzo Yakanakisisa?

“Sezvo kuveza dombo remabhura kuchigona kubudisa chivezwa chakanaka, ndizvo zvakaita dzidzo kumweya.”—Joseph Addison, 1711.

WAKAMBOENDA kuchikoro here? Vanhu vakawanda vanogona kupindura kuti hungu—asi haasi munhu wose anogona kudaro. Sezvatinopinda muzana remakore rechi21, mamiriyoni asingaverengeki evana haasi kuwana dzidzo yenguva dzose. Izvi zvave zvichiitika kwenguva refu, zvokuti nhasi vanhu vakuru vanoda kusvika bhiriyoni rimwe havagoni kuverenga nokunyora.

Asi, dzidzo yakanaka chinhu chinokosha chinodiwa. Pane kuiona sechinhu choumbozha chisingagoni kuitwa, vakawanda nhasi vanoiona sekodzero yevana nevakuru. Asi dzidzo yakanaka ingabvira sei pasina zvokushandisa zvakakodzera? Zvakadini kana pasina mabhuku akakwana, pasina vadzidzisi vakadzidzira basa, uye pasina zvikoro zvakakwana?

Zvechokwadi, ndokupi kungawana vanhu dzidzo yakanaka inokurudzira kuti munhu mumwe nomumwe ave nechaanoitawo, inowedzera ruzivo rwavo rwenyika yakavapoteredza, uye inovapa zvinokosha zvomudzimu zvinogona kuchinja upenyu hwavo? Idzidzo ipi inosimbisa tsika dzakanaka, inoratidza nzira yokuva noupenyu huri nani, uye inopa tariro yakasimba yeramangwana? Dzidzo yakadaro inowanikwa chaizvoizvo nomunhu wose here?

Hwaro Hwedzidzo Yakanakisisa

Kunyange zvichiita sezvinoshamisa, tinogona kupindura kuti hungu, dzidzo yakanaka inowanikwa nevanhu vose. Tinodaro nokuti pane chishandiso chedzidzo chakasimba chinogona kupa hwaro hwayo. I“bhuku rokudzidzisa” rinokudzwa nemhaka yokushandiswa kwaro kwenguva refu, rinowanikwa rakakwana kana kuti chikamu charo, mumitauro yenyika inopfuura 2 200. Chaizvoizvo, munhu wose ari pasi pano anogona kuriwana mumutauro waanogona kunzwisisa. Ibhuku ripi iroro?

IBhaibheri, bhuku rave richirumbidzwa sebhuku rinokosha kukunda ose rati rambonyorwa. “Munhu wose ane zivo yakadzama yeBhaibheri anogona kunzi akadzidza zvechokwadi,” yakanyora kudaro nyanzvi yapakuvamba kwezana remakore rechi20 William Lyon Phelps. “Hapana kumwe kudzidza kana kuti tsika, pasinei nokuti yakakura kana kuti kuisvonaka zvakadini, inogona . . . kuritsiva zvakakodzera.”

Bhaibheri muunganidzwa wemabhuku akanyorwa mumakore 1 600. Nezveraibhurari yemabhuku inokosha iyi, Phelps akawedzera kuti: “Pfungwa dzedu, uchenjeri hwedu, uzivi hwedu, mabhuku edu, unyanzvi hwedu, mazano edu, zvinonyanya kubva muBhaibheri kudarika mune mamwe mabhuku ose kana asanganiswa. . . . Ndinodavira kuti zivo yeBhaibheri pasina kosi yepakoreji inokosha zvikuru kudarika kosi yepakoreji pasina Bhaibheri.”

Nhasi, basa redzidzo yeBhaibheri rinoshamisa riri kuitwa pasi pose nenzanga yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha. Dzidzo yakadaro inoita zvinopfuura kudzidza kuverenga nokunyora. Inopa kukura mupfungwa nomutsika. Munzira inovaka, inochinja maonero anoita vanhu nguva yemberi, ichipa hwaro hwetariro yakasimba yokuti zviri mberi zvichava nani zvikuru pane zviri kumashure.

Tapota dzidza nezvepurogiramu yedzidzo youpenyu iyi nokuverenga nyaya inotevera.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe