Mufaro Uyo Kubatira Jehovha Kwakandiunzira
YAKATAURWA NAGEORGE BRUMLEY
Ndakanga ndichangobva kupedza kudzidzisa kirasi yenhepfenyuro kumakadheti maduku echipurisa aMambo Haile Selassie apo mumwe waivava akandiudza pachivande kuti aiziva kuti ndakanga ndiri mufundisi weZvapupu zvaJehovha. “Ungafunda Bhaibheri neni here?” akabvunza kudaro nokudisa.
SEZVO basa redu panguva iyeyo rakanga rakarambidzwa muEtiopia, ndingadai ndakadzingwa munyika macho, seizvo zvimwe Zvapupu zvakanga zvaitwa, kudai zviremera zvakanga zvaziva pamusoro pangu. Ndakashamisika kana mudzidzi wacho akanga ari wapachokwadi kana kuti kana akanga ari mumiriri wehurumende akatumwa kuzondibata. Somusoro wemhuri une vana vaduku vatatu vokurera, mufungo wokurasikirwa nebasa rangu nokumanikidzirwa kubva munyika yacho neshamwari dzandakanga ndasvika pakuda wakandityisa.
‘Asi,’ ungabvunza kudaro, ‘muAmerica ane mhuri yokutsigira akasvika sei pakuda kugara kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAfrica, kure nomusha nehama dzokunyama?’ Ndibvumirei kutsanangura.
Kukura muUnited States
Muma 1920, apo ndakanga ndichiri muchikoro chamagiredhi, baba vangu vakanyoresa magazini yeNharireyomurindi ndokuwana vanaStudies in the Scriptures. Baba vaifarikanya kurava, uye vakarava nokudisa mabhuku acho. Ivo vaiva nohunhu hunofadza nohwokushereketa, sezvinopupurirwa nenzira iyo ivo vainyengedza nayo vashanyi avo vainge vakoka pamaSvondo. Ivo vaiva nebhuku guru rakaputirwa neganda rakaisvonaka ne“Bhaibheri Dzvene” mumabhii endarama pamberi napamusana. Ivo vaivamba kurukurirano kupfurikidza nokuti, “Eya, iSvondo. Mungatiravira ndima shomanene here?”
Mushanyi nguva dzose aibvuma, asi apo aivhura bhuku racho, hapana nerimwe ramapeji acho rakanga rakatongotsikirirwa! Chokwadika, munhu wacho aishamiswa. Baba ipapo vaitaura kuti ‘vaparidzi havazivi chinhu chipi nechipi pamusoro peBhaibheri,’ uye ipapo vaitora kopi ndokurava Genesi 2:7. Ipapo, richirondedzera kusikwa kwomunhu wokutanga, Bhaibheri rinoti: “Munhu akava mweya mupenyu.”—Genesi 2:7, King James Version.
Baba vaitsanangura kuti munhu haana mweya asi ndiwo, kuti mibairo yechivi rufu, uye kuti apo munhu anofa, iye afa zvirokwazvo, haatongozivi chinhu. (Muparidzi 9:5, 10; Ezekieri 18:4; VaRoma 6:23) Kunyange ndisati ndagona kurava zvakanaka, ndakanga ndadzidza nomusoro Genesi 2:7. Idzi ndidzo yeuko dzokutanga dzandinadzo dzomufaro chaiwoiwo wokuziva zvokwadi dzeBhaibheri ndokudzigoverana navamwe.
Sezvo panguva iyeyo takanga tichigamuchira Nharireyomurindi mumusha medu, mhuri yose yakavamba kufarikanya izvi zvokudya zvomudzimu. Ambuya vangu kuna mai vaigara nesu, uye ivo vakava muparidzi wokutanga wamashoko akanaka mumhuri medu. Makanga musina ungano muCarbondale, Illinois, mataigara, asi misangano isina kurongwa yaiitwa. Amai vaitiendesa vana vashanu kurumwe rutivi rwetaundi uko vakadzi vakwegura vaiitisa fundo yeNharireyomurindi. Takavambawo kutora rutivi muushumiri hwomumunda.
Kubva Pabasa Renhepfenyuro Kuenda Kutorongo
Ndakaroora muna 1937 apo ndaingova namakore 17 bedzi. Ndakaedza kuwana chokurarama nacho nokugadzira nhepfenyuro uyewo kudzidzisa unyanzvi ihwohwu. Pashure pokuberekwa kwavana vaviri, Peggy naHank, roorano yangu yakaguma. Chatanuro yacho yaiva mhaka yangu; ndakanga ndisiri kurarama upenyu hwechiKristu. Idi rokuti handina kurera vana vangu vakuru vaviri chave chiri chinetso choupenyu hwose kwandiri.
Hondo yeNyika II yakauya uye yakandiita ndifunge pamusoro pezvinhu zvakawanda. Mapoka ehondo akandipa banza rokuva refutenendi ndokudzidzisa nhepfenyuro kuvanonyoreswa muhondo, asi itiro hanya yangu pamusoro peizvo Jehovha aifunga nezvehondo yakandisunda kutanga kunyengetera zuva nezuva. Kuzvinyoresa kwangu kweNharireyomurindi kwakanga kwapera, uye Lucille Haworth, akagamuchira chiziviso chokupera ndokundishanyira. Perry Haworth, uyo akanga ari baba waLucille, uye hurusa yemhuri yake huru vakanga vave vari Zvapupu chifo chama 1930. Lucille neni takadana, uye takaroorana muna December 1943.
Muna 1944, ndakabhapatidzwa ndokukumbanira mudzimai wangu muushumiri hwenguva yakazara sapiona. Nokukurumidza ndakadanwa kundonyoreswa muhondo asi ndakaramba kutanga. Somuuyo, ndakagamuchira tongero yamakore matatu mutorongo romubatanidzwa muEl Reno, Oklahoma. Wakanga uri mufaro kutamburira Jehovha. Mangwanani mamwe namamwe apo ndaimuka ndokuziva mandakanga ndiri uye chikonzero nei, ndainzwa gutsikano huru ndokuonga Jehovha. Pashure pehondo avo vedu vakanga vapfuura makore 25 ezera takavamba kuvimbwa. Ndakasunungurwa muna February 1946.
Ushumiri Hwenguva Yakazara
Apo ndakakumbanirazve Lucille, akanga achipayona mutaundi duku reWagoner, Oklahoma. Takanga tisina motokari, naizvozvo taifamba munzvimbo iri yose, tichifukidza taundi rose. Gare gare takaenda kuWewoka, Oklahoma. Nokukurumidza ndakawana basa panhepfutepfu yenhepfenyuro yapedyo ndokutanga basa mukutepfenyura. Kushanda maawa matanhatu pazuva nokupinza nguva yapiona kwakanga kusiri nyore, asi takafarira ropafadzo yatakanga tiri kuva nayo yokubatira Jehovha. Takakwanisa kutenga motokari yekare munguva chaimo yekokorodzano muLos Angeles muna 1947. Ipapo takavamba kufunga pamusoro pokukumbira Watchtower Bible School of Gilead nokuda kwerovedzo youfundisi.
Takaziva kuti iyi yaizova nhano huru, uye takanga tisingadi kukurumidza mukuita chisarudzo chokubva muUnited States. Ndakanga ndichiri kutambudzika pamusoro pokurasikirwa navana vangu, naizvozvo takaedza zvakare kuwana maruramiro okuvachengeta. Nemhaka yeaichimbova mararamire angu nechinyorwa chomutorongo, kwakanga kusina maturo. Naizvozvo takasarudza kuedza kuva vafundisi. Takakokwa kukirasi yechi 12 yeGilead.
Takapedza kudzidza muchikoro chacho muna 1949, asi pakutanga takagoverwa kushanyira ungano muTennessee. Pashure pamakore matatu mubasa rokufambira muUnited States, takagamuchira tsamba yakabva kuhofisi yapurezidhendi weWatch Tower Society ichitikumbira kana taizova vanodisa kudzidzisa chikoro muEtiopia mukuwedzera kukuita basa rokuparidzira. Chimwe chezvinodikanwa zvehurumende iyoyo chaiva chokuti vafundisi vadzidzise. Takabvuma, uye muzhezha ra 1952, takaenda kuEtiopia.
Apo takasvika kuEtiopia, takadzidzisa kirasi dzechikoro chamagiredhi mumangwanani ndokuitisa kirasi dzeBhaibheri dzapachena mumasikati. Nokukurumidza vazhinji kwazvo vakavamba kuuya nokuda kwefundo dzeBhaibheri zvokuti kazhinji kazhinji taidzidzisa Bhaibheri maawa matatu kana kuti mana zuva rimwe nerimwe. Vamwe vavadzidzi vakanga vari mapurisa; vamwe vakanga vari vadzidzisi kana kuti madhikoni muzvikoro zvavafundisi nezvikoro zveEthiopian Orthodox. Padzimwe nguva kwaiva navane 20 kana kuti kupfuura mukirasi yefundo yeBhaibheri imwe neimwe! Vazhinji vavadzidzi vakasiya rudzidziso rwenhema ndokutanga kubatira Jehovha. Taifara. Zvakare, apo ndaimuka mangwanani mamwe namamwe, ndaionga Jehovha.
Ubereki Nokuparidzira Mukurambidzwa
Muna 1954 takaziva kuti taizova vabereki, naizvozvo taifanira kusarudza kudzokera kuUnited States kana kuti kurambira muEtiopia. Kugara, chokwadika, kwaizotsamira pakuwana kwangu basa rokunyika. Ndakawana basa sainjiniya wokutepfenyura, ndichishandisa nhepfutepfu yenhepfenyuro yaMambo Haile Selassie. Naizvozvo takagara.
Pana September 8, 1954, mwanasikana wedu Judith akaberekwa. Ndakafunga kuti ndaiva nebasa rakachengeteka nemhaka yokushandira mambo, asi pashure pamakore maviri ndakarasikirwa nebasa iroro. Zvisinei, muusingasviki mwedzi, ndakapinzwa basa neBato raMapurisa—uye pamuripo wakakwirira zvikuru—rokudzidzisa kirasi yamajaya yokugadzira nhepfenyuro yenzira mbiri. Mukati mamakore matatu akatevera, vanakomana vedu Philip naLeslie vakaberekwa.
Munguvayo rusununguko rwedu rwokupinda mubasa rokuparidzira rwakanga rwuchichinja. Ethiopian Orthodox Church yakanga yanyengetedza hurumende kudzinga vafundisi vose veZvapupu zvaJehovha. Pazano reSosaiti, ndakachinja vhiza yangu kubva pabasa roufundisi kuenda kubasa rokunyika. Basa redu roufundisi rakarambidzwa, uye taifanira kuva vakachenjera navakangwara. Misangano yose yeungano yakapfuurira, asi taisangana mumapoka maduku efundo.
Mapurisa akanzvera misha yakasiana-siana yeZvapupu zvaifungirwa. Zvisinei, kusingazivikanwi kwaari, mumwe refutenendi wamapurisa uyo akanga ari munamati waJehovha nguva dzose aitizivisa apo kuvhozhokera kwairongwa. Somuuyo, hakuna mabhuku akapambwa mumakore iwayo. Taiva neFundo dzedu dzeNharireyomurindi pamaSvondo kupfurikidza nokuenda kutumahotera kumucheto kwetaundi uko matafura epikiniki aiwanika nokuda kwokudyira kunze.
Makanga muri mukati meiyi nguva, apo ndakanga dzichidzidzisa nhepfenyuro kumakadheti echipurisa, apo mudzidzi andadudza pakutanga akandikumbira nokuda kwefundo yeBhaibheri. Ndakarangarira kuti akanga ari wapachokwadi, naizvozvo takavamba. Pashure pefundo mbiri bedzi, mudzidzi wechipiri akauya naye, ipapo wechitatu. Ndakavanyevera kusatongoudza munhu upi noupi kuti vakanga vachifunda neni, uye havana kutongodaro.
Muna 1958 Kuda Kwoumwari Gungano raMarudzi Ose rakaitwa muYankee Stadium yeNew York nePolo Grounds. Munguvayo Peggy naHank, pamwe chete nemimwe mitezo yakawanda yemhuri yangu huru, vakanga vava Zvapupu zvinoshingaira. Ndakafadzwa sei nokukwanisa kupinda! Handina kungofarikanya bedzi kubatanidzwazve navana vangu vakuru vaviri nemimwe mitezo yemhuri asi ndakafadzwawo nokuona kuti boka guru rechinopfuura chikamu chimwe chezvina chavanhu vane mirioni vakaungana pazuva rokupedzisira rekokorodzano yacho!
Gore rakatevera racho purezidhendi weSosaiti, Nathan H. Knorr, akauya kuzotishanyira muEtiopia. Iye aiva nezvikarakadzo zvakaisvonaka zvokupfuuridzira basa mukurambidzwa uye akafarirawo mhuri yedu nenzira yatakanga tichiita nayo mumudzimu. Ndakatsanangura kuti takanga tichidzidzisa vana kunyengetera. Ndakamubvunza kana angada kunzwa Judith achinyengetera. Akati hungu, uye pashure pacho akamuudza, kuti: “Iwoyo wanga wakanaka zvikuru, Judith.” Ipapo panguva yokudya ndakakumbira Hama Knorr kana aizotinyengeterera, uye apo akapedza, Judith akati: “Iwoyo wanga wakanaka zvikuru, Hama Knorr!”
Kurera Vana Vedu muUnited States
Chibvumirano changu neBato raMapurisa chakaguma muna 1959. Taida kugara, asi hurumende haisati yaizobvumira zvibvumirano zvitsva zvipi nezvipi nokuda kwangu. Naizvozvo ndokupi kwataigona kuenda? Ndakaedza kupinda mudzimwe nyika umo makanga mune kudikanwa kwehama asi handina kukwanisa kuita saizvozvo. Ndati suruvariswei, takadzokera kuUnited States. Pakusvika, takava nokubatanidzwazve kunofadza kwemhuri; vashanu vose vavana vangu vakarovedzana ndokudana nokukurumidza. Ivo vave vari pedyo chifo chenguva iyeyo.
Takagadzikana muWichita, Kansas, umo ndakawana basa sainjiniya wenhepfenyuro nomushamarari. Lucille akachinjira kumabasa omumba, uye vana vakapinda chikoro chapedyo nomusha. Ndakaitisa fundo yemhuri yeNharireyomurindi Muvhuro madekwana mamwe namamwe, nguva dzose ndichiedza kuiita mhenyu neinofadza. Tainzvera zuva nezuva kuona kana kwaiva nezvinetso kuchikoro.
Sezvo vana mumwe nomumwe akakumbanira Chikoro choUshumiri Choubati Ushe hwaMwari, iyi rovedzo yakavabetsera nokudzidza kwavo. Takavarovedza kubvira paucheche mubasa romumunda. Vakadzidza kugovera mabhuku eBhaibheri pamasuo, uye ivo vaienda nesu pafundo dzeBhaibheri dzapamusha.
Taiedzawo kudzidzisa vana zvinhu zvikuru pamusoro poupenyu, kutsanangura kuti mumwe nomumwe wavo aisagona nguva dzose kuva neicho mumwe wavamwe aiva nacho. Somuenzaniso, chipo chimwe chetecho chakanga chisingawaniki nguva dzose nokuda kwavose. “Kana hanzvadzi yako ikagamuchira chokutambisa,” tairangarira navo, “uye chimwe chisingawaniki nokuda kwako, kwakafanira here kuti unyunyute?” Padzimwe nguva, chokwadika, vamwe vana vaigamuchira chimwe chinhu, naizvozvo hakuna airegeredza. Nguva dzose taida vose vavo, tisingatongodi mumwe kupfuura vamwe vaviri.
Vamwe vana pane dzimwe nguva vaibvumirwa zvinhu vana vedu vaisabvumidzwa kuita. Kazhinji kazhinji ndainzwa, kuti, “Nhingi anogona kuchiita, neiko isu tisingagoniwo?” Ndaiedza kutsanangura, asi pane dzimwe nguva mhinduro yacho yaingofanira zvayo kuva, “Hausati uri mumhuri iyoyo; iwe uri muBrumley. Tine mitemo yakasiana.”
Kubatira muPeru
Chifo chokudzokera tichibva Etiopia, Lucille neni takanga tashuva kugoverana mubasa roufundisi zvakare. Pakupedzisira, muna 1972, banza rakauya rokuenda kuPeru, South America. Taisagona kuva takasarudza nzvimbo iri nani yokurerera vana vedu mukati mamakore avo ouduku. Songaniro yavakafarikanya navafundisi, mapiona chaiwo, uye vamwe vakanga vauya kuPeru kuzobatira yakabetsera kuona nenzira yakananga kuti vanofara sei avo vanotsvaka zvirokwazvo fariro dzoUmambo pakutanga. Philip akadana songaniro yake kuti dzvinyiriro yakanaka yavaenzani.
Pashure penguva yakati shamwari dzakati dzekare dzakabva Kansas dzakaziva kuti ibudiriro huru sei muushumiri hwoUmambo yatakanga tiri kuva nayo, uye idzo dzakatikumbanira muPeru. Ndakaronga musha wedu somusha wavafundisi. Mumwe nomumwe aiva namabasa akagoverwa kuti vose vagozova nenguva yokufarikanya ushumiri hwomumunda. Taiva nekurukurirano yorugwaro rweBhaibheri patafura mangwanani mamwe namamwe. Yaiva nguva inofadza yakadaro nokuda kwavose vedu. Zvakare, sezvo ndaimuka mangwanani mamwe namamwe ndokuziva kwandakanga ndiri uye chikonzero nei, ndaipa chinyararire kuonga kukuru kuna Jehovha.
Pashure penguva yakati Judith akaroorwa, ndokudzokera kuStates, uko akapfuurira ari muushumiri hwenguva yakazara. Pashure pamakore matatu ebasa roupiona chaihwo, Philip akakumbira uye akagamuchirwa nokuda kwebasa reBheteri muBrooklyn, New York. Pakupedzisira, Leslie akadzokerawo kuUnited States. Ivo vakasiya vane mirangariro yakavhengana uye kazhinji kazhinji vakatiudza kuti kuvaendesa kuPeru kwakanga kuri chinhu chakanakisisa chatakavaitira.
Sezvo mugariro wemari wePeru wakaipa zvikuru, takaziva kuti isuwo taizofanira kuenda. Pakudzokera kuWichita muna 1978, takawana boka reZvapupu zvaitaura chiSpania. Ivo vakatikumbira kugara ndokuvabetsera, uye takadaro nomufaro. Ungano yakaumbwa, uye nokukurumidza yakava inodiwa nesu seidzo takanga tabatira kare.
Ecuador Inoninira
Pasinei zvapo nesitiroko yakandisiya ndaoma mitezo zvishoma, ndakakarira norusuruvaro kuti Lucille neni taigona kubatira zvakare muimwe nyika. Muna 1984 mumwe mutariri anofambira akatiudza nezvekukura muEcuador nezvokudikanwa ikoko kwavakuru vechiKristu. Ndakaonesa kuti ndaigona kuita zvishomanene muushumiri hwomumunda nemhaka yourema hwangu, asi iye akandivimbisa kuti kunyange mukuru ane makore 65 okukura, akaoma mitezo zvishoma aigona kuva webetsero.
Pashure pokunge aenda hatina kugona kurara usiku hwose, tichitaura pamusoro pokubvira kwokuenda kuEcuador. Lucille aiva nechishuvo chikuru chimwe chetecho chokuenda icho ndaiva nacho. Naizvozvo takazivisa bhizimisi redu duku rokuuraya zvipembenene ndokuritengesa mumavhiki maviri. Takatengesa imba yedu mumazuva gumi bedzi. Nokudaro, mumakore edu oukweguru, takadzokerazve kumufaro wedu mukurusa, uya webasa rokumwe roufundisi.
Takagadzikana muQuito, uye basa romumunda raifadza, zuva rimwe nerimwe richiunza chinoitika chitsva kana kuti chiitiko. Asi ipapo, muna 1987, ndakaonwa sendine kenza youra; ndaida kuvhiyiwa nokukurumidza. Takadzokera kuWichita nokuda kwokuvhiya, uko kwakabudirira. Takadzokera muQuito makore maviri bedzi apo kenza yakawanwazve, uye taifanira kudzokera kuStates zvechigarire. Takagadzikana muNorth Carolina, umo tinogara panguva ino.
Upenyu Hwakapfuma, Hunotusa
Nguva yangu yemberi yomuviri haina chokwadi. Ndaitofanira kugadzirwa mwena wokubudisa tsvina muna 1989. Kunyange zvakadaro, ndichiri anokwanisa kubatira somukuru uye ndinoitisa fundo dzeBhaibheri dzinoverengeka vanhu vanouya kumba kwangu. Mumakore ose apfuura, takabetsera mazana chaiwoiwo kupfurikidza nokusima, kudiridza, kana kuti kusakurira mbeu dzezvokwadi. Iwoyo mufaro usingatongoperi, pasinei zvapo nokuti unodzokororwa kakawanda sei.
Mukuwedzera, ndakava nomufaro mukuru mukuona kuti vana vangu vose vachibatira Jehovha. Peggy kwamakore 30 akaperekedza murume wake, Paul Moske, mubasa rokufambira muUnited States. Philip nomudzimai wake, Elizabeth, pamwe chete naJudith, vanopfuurira mubasa chairo renguva yakazara muNew York. Hank naLeslie navakwanyina vavo Zvapupu zvinoshingaira, uye vanun’una vangu vana nehanzvadzi nemhuri dzavo, kubatanidza hama dzokunyama dzinopfuura 80, dzose dziri kubatira Jehovha. Uye Lucille ave ari mudzimai wechiKristu womuenzaniso kwamakore edu anodokusvika 50 eroorano. Mumakore achangobva kupfuura aya iye akaita nenzira yokusanyunyuta mabasa akawanda asingafadzi mukundibetsera kutarisira muviri wangu unoderera.
Zvamazvirokwazvo, upenyu hwangu hwave huchifadza. Hwave huchifadza zvikuru kupfuura zvinogona kutaura mashoko. Kubatira Jehovha kunofadza kwazvo zvokuti chishuvo changu chomwoyo wose kumunamata nokusingaperi papasi rino. Nguva dzose ndinoyeuka Pisarema 59:16, iro rinoti: “Ini ndichaimba ndichireva simba renyu; zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi dzenyu mangwanani; nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira, noutiziro hwangu pazuva rokutambudzika kwangu.”
[Mufananidzo uri papeji 23]
George Brumley namambo weEtiopia Haile Selassie
[Mufananidzo uri papeji 25]
George Brumley nomudzimai wake, Lucille