RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 4/8 pp. 30-31
  • Zvakafanira Here Kunamata Jesu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakafanira Here Kunamata Jesu?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kunamata muBhaibheri
  • Jesu Akafanira Kukotamirwa
  • “Mwari Une Godo”
  • Chii Chinotaura Magwaro Pamusoro po“Umwari hwaKristu”?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mwari Anogamuchira Kunamata Kwaani?
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Tevedzera Jesu—Namata Mwari Nenzira Yaanoda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kunamata Mwari Nenzira Yaanoda
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 4/8 pp. 30-31

Zvinotaura Bhaibheri

Zvakafanira Here Kunamata Jesu?

MUMAZANA ose amakore, vakawanda muchiKristudhomu vakanamata Jesu Kristu sokunge kuti ndiye Mwari Wamasimba Ose. Zvisinei, Jesu pachake akanangidzira kuteerera nokunamatwa kuna Jehovha Mwari. Somuenzaniso, paakakurudzirwa kuti aite chiito chokunamata Dhiyabhorosi, Jesu akati: “NdiJehovha Mwari wako waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.” (Mateu 4:10) Gare gare Jesu akarayiridza vadzidzi vake kuti: “Musadana munhu kuti baba venyu pasi pano, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga.”—Mateu 23:9.

Kumukadzi weSamariya, Jesu akarondedzera kunamata Mwari kunofanira kuitwa nevanhu. Kunamata kwavo kunofanira kuva kwakavakirwa pamudzimu nechokwadi. Zvechokwadi, “Baba vari kutsvaka vakadaro kuti vavanamate.” (Johani 4:23, 24) Hungu, kunamata kwokukudza kunofanira kuitwa kuna Mwari chete. Kunamata mumwe munhu kana chimwe chinhu chipi zvacho kunenge kuri kunamata zvidhori, kunorambidzwa muMagwaro ose echiHebheru neechiGiriki.—Eksodho 20:4, 5; VaGaratiya 5:19, 20.

‘Asi,’ vamwe vangabvunza kuti, ‘Bhaibheri hariratidzi kuti tinofanira kunamata Jesu here? Pana VaHebheru 1:6, Pauro haana here kuti: “Vatumwa vose vaMwari ngavamunamate [Jesu]”?’ (Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Tinganzwisisa sei rugwaro urwu kubva mune zvinotaura Bhaibheri nezvokunamata zvidhori?

Kunamata muBhaibheri

Kutanga, tinofanira kunzwisisa kuti pano Pauro airevei nokuti kunamata. Akashandisa shoko rechiGiriki rokuti pro·sky·neʹo. Unger’s Bible Dictionary rinoti shoko iri rinoreva ku‘tsvoda ruoko rwomunhu sechiratidzo chokukudza kana kuti kuremekedza.’ An Expository Dictionary of New Testament Words, rakanyorwa naW. E. Vine, rinoti shoko iri “rinoratidza chiito chokukudza, chingaitirwa munhu . . . kana Mwari.” Munguva inotaurwa muBhaibheri, pro·sky·neʹo raibatanidza kupfugamira chaikoiko mumwe munhu akakwirira.

Chimbofunga nezvemufananidzo wakapiwa naJesu womuranda akanga asingagoni kubhadhara chitsama chikuru chemari kuna tenzi wake. Rudzi rweshoko iri rechiGiriki rwunowanika mumufananidzo uyu, uye mukurishandura Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona rinoti “muranda akawira pasi, akamunamata [shoko rakafanana napro·sky·neʹo] [mambo], akati, Ishe ivai nomwoyo murefu neni, ndichazokuripirai zvose.” (Mateo 18:26; tisu tatsveyamisa mabhii.) Murume uyu aiita chiito chokunamata chifananidzo here? Nyangwe! Akanga achingoratidza rudzi rwokukudza nokuremekedza zvakafanira mambo, tenzi wake uye munhu mukuru.

Zviito zvakadaro zvokukotamira, kana kuti zviratidzo zvokuremekedza, zvakanga zvakajairika kunyika dzoKumabvazuva dzemunguva inotaurwa muBhaibheri. Jakobho akakotama kanomwe paakasangana nomukoma wake, Esau. (Genesi 33:3) Vakoma vaJosefa vakatsikitsira pasi, kana kuti vakakotama, pamberi pake vachikudza nzvimbo yake padare reEgipita. (Genesi 42:6) Tichifunga nezveizvi, tinogona kunzwisisa zvakanaka zvakaitika apo nyanzvi dzenyeredzi dzakaona mwana muduku Jesu, wadzakaziva se“akaberekwa ari mambo wevaJudha.” Sezvinotaurwa muBhaibheri muNdimi yeUnion Shona, nhoroondo yacho inotiudza kuti “vakawira pasi, vakamunamata [pro·sky·neʹo].”—Mateo 2:2, 11.

Saka zvakajeka kuti shoko rokuti pro·sky·neʹo, rinoshandurwa kuti “namata” mune dzimwe shanduro dzeBhaibheri, haringoshandi chete parudzi rwokunamata kwakafanira Jehovha Mwari. Rinogonawo kushandiswa kururemekedzo norukudzo zvinoratidzirwa mumwe munhu. Mukuedza kudzivisa kusanzwisisa kupi nokupi, dzimwe shanduro dzeBhaibheri dzinoshandura shoko rokuti pro·sky·neʹo riri pana VaHebheru 1:6 kuti “dzimuremekedze” (New Jerusalem Bible), “dzimukudze” (The Complete Bible in Modern English), “dzimupfugamire” (Twentieth Century New Testament), kana kuti “dzimukotamire” (Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki).

Jesu Akafanira Kukotamirwa

Jesu akafanira kukotamirwa zvakadaro here? Chaizvoizvo, hungu! Mutsamba yake kuvaHebheru, muapostora Pauro anotsanangura kuti so“mugari wenhaka yezvinhu zvose,” Jesu “akagara kuruoko rworudyi rwaChangamire ari munzvimbo dzakakwirira.” (VaHebheru 1:2-4) Saka, “muzita raJesu mabvi ose apfugame evari kudenga nevari pasi pano nevari pasi pevhu, uye kuti rurimi rwose runofanira kubvuma pachena kuti Jesu Kristu ndiShe kuti Mwari Baba vapiwe mbiri.”—VaFiripi 2:10, 11.

Zvichinyatsooneka, Kristu achashandisa iyi nzvimbo yakakwirira uye namasimba makuru oukuru anoenderana nayo kuti achinje pasi rino kuva paradhiso. Zvichitungamirirwa naMwari, uye nomugumisiro wechibayiro chorudzikinuro chaJesu, achabvisa kushungurudzika kwose, kurwadziwa, uye kusuruvara panyika kuti vanozviisa pasi pokutonga kwake kwakarurama vabatsirwe. Saka zvino, haana kufanira kuti timukudze, kumuremekedza, nokuzviisa pasi pake here?—Pisarema 2:12; Isaya 9:6; Ruka 23:43; Zvakazarurwa 21:3, 4.

“Mwari Une Godo”

Zvisinei, Bhaibheri rinoratidza zvakajeka kuti kunamata kwedu—mupfungwa yokuremekedza nokuzvipira muchitendero—kunofanira kuitirwa Mwari oga. Mosesi akamurondedzera sa“Mwari une godo.” Uye Bhaibheri rinotikurudzira ku“namata . . . Iye akasika denga nepasi negungwa nezvitubu zvemvura.”—Dheuteronomio 4:24; Zvakazarurwa 14:7.

Chaizvoizvo Jesu ane nzvimbo inokosha mukunamata kwechokwadi, akafanira kukudzwa nokuremekedzwa. (2 VaKorinde 1:20, 21; 1 Timoti 2:5) Ndiye nzira chete yatinogona kusvika nayo Jehovha Mwari. (Johani 14:6) Naizvozvo vaKristu vechokwadi vanoita zvakanaka kunangidzira kunamata kwavo kuna Jehovha Mwari chete, Wamasimba Ose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe