April 19, 2000
Zuva Rokuyeuka
ZURO wacho manheru asati afa, Jesu akatanga chirangaridzo chorufu rwake. Kakanga kari kamutambo kaduku. Vachikaita akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.
Gore rino, musi wegore negore wechiitiko ichi uri paChitatu, April 19, pashure pokunyura kwezuva.
Somugumisiro, Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvichange zvakaungana pausiku uhwu hunokosha kuti zvichengete ichi Chirangaridzo munzira yakakumbirwa naJesu. Unokokwa kwazvo kuti uzobatana nazvo savacherekedzi. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvomunzvimbo yako nokuda kwenguva chaiyo nenzvimbo yomusangano wacho.