RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 2/8 pp. 18-29
  • Unoziva Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoziva Here?
  • Mukai!—2000
  • Misoro Midiki
  • Mhinduro Dzemibvunzo
Mukai!—2000
g00 2/8 pp. 18-29

Unoziva Here?

(Mhinduro dzemibvunzo iyi dzingawanwa mundima dzemuBhaibheri dzakapiwa, uye mhinduro dzose dzakadhindwa papeji 29. Kana uchida mamwe mashoko, ona bhuku rinonzi “Insight on the Scriptures,” rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.)

1. Mashoko api aiwanzotaurwa naJesu kuti asimbise chokwadi chemashoko ake kuvateereri vake? (Mateu 5:18)

2. Ndivanaani vaitaurwa kuti: “Muduku kwavari wakanga akaenzana navane zana, nomukuru navane chiuru chezana”? (1 Makoronike 12:8-14)

3. Izita raani rinowanzotaurwa pamwe chete nevarwi vane simba vaDhavhidhi vanonzi Joabhi, Abhishai naAsaheri? (2 Samueri 2:18)

4. Chero zvazvo mumwe angavengerwa zita rake, Jesu akati munhu anofanira kuitei kuti aponeswe? (Mako 13:13)

5. Hamani aiva navanakomana vangani, vose vakaurawa somugumisiro wokuvenga kwake vaJudha? (Estere 9:10)

6. Chisikwa chomudzimu chorudzii chakagumura muromo waIsaya nezimbe rinopfuta kuitira kuti Isaya agone kuita mugove wake wouprofita? (Isaya 6:6)

7. Ndiani aiva “mutariri [weimba] yaHerodhi,” ane mudzimai, Joana, akashumira Jesu? (Ruka 8:3)

8. Inzvimboi yebasa iyo Pauro akakurudzira varume vari muungano kuti vasvasvavirire? (1 Timoti 3:1)

9. Ndeapi aiva mazita enzizi ina dzaibva murwizi ‘rwaibuda muEdheni’? (Genesi 2:10-14)

10. Pauro akaratidza kuti mbiriso shoma yaigona kuitei? (VaGaratiya 5:9)

11. Ndeapi aiva mazita avanakomana vatatu vaNoa, ‘vakazadza nyika yose’? (Genesi 9:18, 19)

12. Ndiani aiva baba vomuprofita Samueri? (1 Samueri 1:19, 20)

13. Pedyo neguta ripi raisvikika nyore raiva kune rimwe divi romupata weJezreeri pairwiwa hondo huru dzakawanda? (Vatongi 5:19)

14. Vaponeswa nemhaka younyengeri hwavo, vaGibheoni vakapiwa mabasa api kuti vaite? (Joshua 9:27)

15. Vadzidzi 12 vakasarudzwa naJesu pachake vakapiwa zita rokutii? (Mateu 10:2)

16. Mazita api okuremekedza aJesu oga ayo akaudza vadzidzi vake kuti vaisafanira kudanwa nawo? (Mateu 23:8, 10)

17. Pauro akanyora bhuku raVaHebheru ari munyika ipi? (VaHebheru 13:24)

18. Mashoko api akashandiswa naJobho kutsanangura kuti akapona nepaburi retsono? (Jobho 19:20)

19. Munguva dzakare, zviyo zvaipurirwa kupi? (Rute 3:3)

20. Vakoma vaJosefa vaimuvengerei? (Genesi 37:3-11)

Mhinduro Dzemibvunzo

1. “Zvechokwadi ndinoti kwamuri”

2. Varume vane simba vanomhanya uye vakashinga vorudzi rwaGadhi vakabatana naDhavhidhi murenje paakanga achakahwanda nemhaka yaMambo Sauro

3. Mai vavo, Zeruya

4. Kutsungirira kusvika kumugumo

5. Gumi

6. Serafimi

7. Kuza

8. “Nzvimbo youtariri”

9. Pishoni, Gihoni, Hidhekeri, uye Yufratesi

10. Kuvirisa mukanyiwa wose

11. Shemi, Hami naJafeti

12. Erikana

13. Megidho

14. Vakava “vatemi vehuni navateki vemvura veungano yose uye nokuda kweatari yaJehovha”

15. Vaapostora

16. Rabhi uye Mutungamiriri

17. Itari

18. “Ndasiyirwa ganda rameno angu”

19. Kuburiro

20. Nemhaka yokuti baba vake vaimuda zvikuru uye nemhaka yezvaakanga arota

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe