ZVINOTAURA BHAIBHERI
Maonero Ari Pakati Nepakati Etsika Dzakakurumbira
“HAPANA TSIKA ISINA KUMBOSHORWA PANE IMWE NGUVA NENZVIMBO, NDOKUZOMANIKIDZIRWA NOMUTEMO KUTI IITWE PANE IMWE NGUVA NENZVIMBO.”
NEMAONERO aya, wezvenhau wokuIreland William Leckey anopfupikisa maitiro avanhu anochinja-chinja. Mashoko ake anogonawo kushanda kutsika namagamuchidzanwa zvamakore akawanda tichidzokera shure. Zvechokwadi, dzimwe tsika dzaimboonekwa sezvimwe zvezvinhu zvinokosha zvezuva nezuva dzakazoshorwa nokufamba kwenguva. Izvi hazvishamisi, sezvakataurwa nomuapostora wechiKristu Pauro kuti, “mamiriro ezvinhu enyika ino ari kuchinja.”—1 VaKorinde 7:31.
Hungu, nzanga yavanhu inongogara ichichinja-chinja. Izvi zvinowanzooneka mukuchinja kukuru mumafungiro nemiitiro yetsika. VaKristu “havasi rutivi rwenyika”—ndiko kuti, vanoramba vakaparadzana nenzanga yavanhu isingadi Mwari. Zvakare, Bhaibheri rinobvuma kuti vaKristu vari “munyika,” uye harirayiri kuti vazvitsaure. Saka, maonero ari pakati nepakati etsika anokosha.—Johani 17:11, 14-16; 2 VaKorinde 6:14-17; VaEfeso 4:17-19; 2 Petro 2:20.
Tsika Chii?
Tsika miitiro inoshanda muupenyu hwekugarisana kwevanhu uye inowanzowanika kune imwe nzvimbo yakati kana kuti boka ravanhu. Dzimwe tsika, dzakaita sedzapakudya uye mufambiro, dzinogona kunge dzakatangwa kuti dzidzore maitire avanhu pavanoita zvinhu pamwe chete seboka, zvichivagonesa kuti vabate pamwe munzira younyoro nokuremekedzana. Munhau dzakadaro, tsika dzamagariro dzinogona kufananidzwa namafuta, nokuti dzinoita kuti pasava nokupesana mumagariro avanhu.
Tsika dzakapesvedzerwa zvikuru nechitendero. Zvechokwadi, zhinji dzacho dzakabva kumagamuchidzanwa akare nepfungwa dzechitendero dzisiri dzomuBhaibheri. Somuenzaniso, kupa maruva kune akafirwa kungava kwakatangira mumagamuchidzanwa echitendero.a Mukuwedzera, ruvara rwebhuruu—kazhinji rwaibatanidzwa nevanakomana vaduku—rwaifungidzirwa kuti runodzinga madhimoni. Zvinozorwa patsiye zvaishanda kudzivirira ziso rinokuvadza, zvinozorwa pamuromo zvichishanda kudzivirira madhimoni kupinda mumuromo womukadzi nokusvikirwa. Kunyange tsika isingakuvadzi sokuvhara muromo pakushama n’ai inogona kunge yakatangira papfungwa yokuti mweya womunhu unogona kubuda napamuromo wakavhurika. Zvisinei, nokufamba kwamakore, kubatana kwezvitendero kwakapera, uye nhasi miitiro netsika idzi hazvina zvazvinoreva nezvechitendero.
Zvinofanira Kufungwa navaKristu
MuKristu paanofanira kusarudza kutevedzera kana kurega tsika yakati, zvaanofanira kunyanya kufunga ndezvokuti, Mwari anotii nazvo muBhaibheri? Munguva dzakapfuura Mwari akashora mimwe miitiro ingadai yaitobvumirwa mune dzimwe nzvimbo. Iyi yaisanganisira kupisira vana, kushandisa ropa zvisina kufanira, nemiitiro yokurara pamwe chete yakasiyana-siyana. (Revhitiko 17:13, 14; 18:1-30; Dheuteronomio 18:10) Zvakafananawo, dzimwe tsika dzakapararira nhasi zviri pachena kuti hadzibvumirani nenheyo dzeBhaibheri. Pakati padzo pane magamuchidzanwa asina kuvakirwa paBhaibheri akabatana namazororo echitendero akadai seKrisimasi neIsita kana nemiitiro yokutenda mashura ine chokuita nokudavira midzimu.
Asi zvakadini netsika dzingadai dzakambobatanidzwa nemiitiro inomutsa mibvunzo asi nhasi dzinooneka somufambiro wakanaka womunzanga? Somuenzaniso, tsika zhinji dzokuchata dzinozivikanwa—kusanganisira kuchinjana maringi uye kudya keke—dzingava namavambo echihedheni. Izvi zvinoreva here kuti vaKristu vanorambidzwa kuita tsika dzakadaro? VaKristu vanofanirwa here kutsvakurudza tsika imwe neimwe yomunzanga kuti vaone kuti yakanga ine chokuita nezvinhu zvisiri zvapamagwaro kune imwe nzvimbo pane imwe nguva?
Pauro anotaura kuti “pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko.” (2 VaKorinde 3:17; Jakobho 1:25) Mwari anoda kuti tishandise rusununguko urwu, kwete pakuita zvishuvo zvomunhu oga, asi pakurovedza masimba edu okunzwisisa kuti tisiyanise zvakanaka nezvakaipa. (VaGaratiya 5:13; VaHebheru 5:14; 1 Petro 2:16) Nokudaro, munhau inenge isina kuputswa kwenheyo dzeBhaibheri zvakananga, Zvapupu zvaJehovha hazviiti mutemo wakaoma. Panzvimbo pezvo, muKristu mumwe nomumwe anofanira kuyera mamiriro ezvinhu anenge aripo oita chisarudzo chake oga.
Tsvaka Zvinobetsera Vamwe
Izvi zvinoreva here kuti nguva dzose zvakanaka kungotevedzera imwe tsika chero bedzi isingapesani zvakananga nezvinodzidziswa neBhaibheri? Aiwa. (VaGaratiya 5:13) Pauro akaratidza kuti muKristu anofanira kutsvaka kwete zvinongomubatsira iye chete “asi zvevakawanda.” Anofanira kuita “zvinhu zvose kuti Mwari apiwe mbiri” uye asava anogumbura vamwe. (1 VaKorinde 10:31-33) Saka munhu anotsvaka kutenderwa naMwari anofanira kuzvibvunza kuti: ‘Vamwe vanoona sei tsika iyi? Ko vanhu vari munzanga vanoibatanidza nezvimwe zvinhu zvisingaiti here? Kuiita kwangu kwaizoratidza here kuti ndinobvumirana nemiitiro kana kuti pfungwa dzisingafadzi Mwari?’—1 VaKorinde 9:19, 23; 10:23, 24.
Kunyange zvazvo kazhinji dzisingakuvadzi, dzimwe tsika dzingagona kunge dzichiitwa munharaunda munzira dzinopesana nenheyo dzeBhaibheri. Somuenzaniso, pane zvimwe zviitiko kupa maruva kungava nezvakunonyatsoreva zvinopesana nezvinodzidziswa neBhaibheri. Saka, muKristu anofanira kunyanyofunga nezvei? Kunyange pangava nechikonzero chokunzvera kwakatangira imwe tsika, pane dzimwe nguva zvinokosha kufunga zvinoreva tsika yacho kuvanhu panguva iyoyo uye nzvimbo iyo munhu anogara zvino. Kana tsika ine zviratidzo zvisiri zvapamagwaro kana zvinorambwa pane imwe nguva yegore kana kuti pamamiriro ezvinhu akati, vaKristu vangasarudza nokuchenjera kusaiita panguva iyoyo.
Pauro akanyengetera kuti vaKristu varambe vachiita kuti rudo rwavo rwuzare nezivo yakarurama uye nzwisiso huru. Nokuva namaonero ari pakati nepakati etsika dzakakurumbira, vaKristu vanova “nechokwadi chezvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe, kuti [va]ve vasina chavanopomerwa uye [va]singagumburi vamwe.” (VaFiripi 1:9, 10) Panguva imwe chete, vachaita kuti “kunzwisisa kw[avo] . . . kuzivikanwe nevanhu vose.”—VaFiripi 4:5.
[Mashoko Omuzasi]
a Maererano navamwe vanodzidza nezvavanhu, maruva akasungwa pamwe pane dzimwe nguva aishandiswa sezvipiriso kuvakafa kuti vasanetse vapenyu.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Dzimwe tsika dzakare, dzakadai sokuvhara muromo pakushama n’ai uye kupa maruva kune akafirwa, hadzicharevi zvadzaireva kare