Kubatsira Vakatambudzwa
NOMUNYORI WEMUKAI! MUDENMARK
“ZVIRI NYORE KURAPA MAPFUPA AKATYOKA PANE KURAPA MWEYA WAKAPUTSIKA.”—Dr. Inge Genefke.
RIMWE jaya rinofamba nomumugwagwa une rugare uri muguta reEurope uye rinombomira zvishoma kuti ritarise zvinhu zviri kutengeswa zvakaratidzwa pahwindo rechitoro. Kamwe kamwe, maoko aro anotanga kudedera. Mabvi aro anobvunda. Rinodzvinya mutsipa waro sokunge kuti rava kuzvidzipa. Muwindo racho, richangobva kuona mapurisa maviri akapfeka yunifomu. Hapana mutemo watyorwa nejaya iri, uye hapana chikonzero chokuti ritye. Asi, kungoonawo chete varume vakapfeka yunifomu kunoriyeuchidza nezveimwe nzvimbo iri kure nezviuru zvamakiromita uye nguva yamakore akapfuura paraitambudzwa.
Izvi zvingangova zvakaitikawo kune munhu upi noupi zvake pamamiriyoni avarume, vakadzi, uye kunyange vana. Zvingave zvakatoitika kune mumwe munhu waunoziva. Munhu akabatwa noutsinye angava mupoteri kana kuti anobva kune imwe nyika akatamira munharaunda yako. Vana vake vangapinda chikoro nevana vako. Ungamuziva somuvakidzani akanyarara, akaterama, anowanzogara ari zindoga. Asi zvitarisiko zvokunze zvinganyengera; zvingavanza kuvhiringidzika kwomukati uko munhu akatambudzwa wacho anonzwa sezvaanoedza kubata nokuyeuka kutambura kwomuviri nepfungwa kwomunguva yakapfuura. Chero chaanoona—kana kuti kunzwa—chingamuita kuti atange kufunga zvinotyisa zvakaitika munguva yakapfuura. Mumwe akatambura zvakadaro anotsanangura kuti: “Nguva ipi neipi yandinongonzwa kuchema kwomucheche, ndinoyeuka vanhu vandakanzwa vachichema mujeri. Nguva ipi neipi yandinongonzwa kurira kwechinhu mumhepo, ndinoyeuka shamhu ichienda mudenga nokudzika—kurira kwayaiita isati yandirova.”
Kutambudza hakushandiswi namapoka evezvematongerwe enyika anonyanyisa nemagandanga chete. Munyika dzinoverengeka, kunoshandiswawo nemauto nemapurisa. Nei? Kutambudza kunogona kuva nzira inokurumidza neinobudirira yokuwana nayo mashoko, kuita kuti munhu adure zvaakaita, kuwana uchapupu hwokupomera nahwo, kana kuti kutsiva. Maererano naDr. Inge Genefke wokuDenmark, nyanzvi yakakurumbira yezvokutambudzwa, mune zvimwe zviitiko hurumende “dzakava nesimba uye dzakachengeta nzvimbo yadzo dzichishandisa kutambudza.” Mumwe akatambudzwa anozvitaura achiti: “Vaida kundikaurisa kuitira kuti vamwe vaone zvaunozoitwa kana watsoropodza hurumende.”
Kuvanhu vakawanda pfungwa yokutambudza vamwe vanhu inongovayeuchidza nezvenguva yokuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. Inga wani muna 1948 Sangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose rakagamuchira Universal Declaration of Human Rights, iyo inoti: “Hapana munhu achatambudzwa kana kuti kubatwa noutsinye, kubatwa zvisina kunaka kana kuti kunyadziswa kana kuti kurangwa.” (Article 5) Zvisinei, dzimwe nyanzvi dzinofunga kuti vapoteri venyika yose vanosvika ku35 muzana vakatambudzwa. Nei kutambudza kwakapararira? Vanotambudzwa vacho vanotapurwa sei, uye chii chingaitwa kuvabatsira?
Mugumisiro Wacho
Hazvishamisi kuti vanotambudzwa vakawanda vanotiza misha yavo vachinotanga upenyu hutsva kumwe. Asi kunyange nzvimbo yokugara ingachinja, kutambura—mumuviri nomupfungwa—kunopfuurira. Somuenzaniso, akatambudzwa wacho anganzwa aine mhosva nemhaka yokusakwanisa kudzivirira shamwari kana kuti hama pakubatwa zvisina kunaka. Angatanga kusavimba navamwe zvachose, achitya kuti munhu upi noupi zvake waanosangana naye angangova mutengesi. “Munhu akatambudzwa acharamba asinganzwisisike,” anodaro munyori Carsten Jensen. “Haachavimbi navanhu vose zvachose.”
Zvinoguma nokukuvadzwa mumuviri nomupfungwa uko kungavhiringidza akatambudzwa wacho nomunhu upi noupi anoedza kumubatsira. Zvinetso zvomuviri pane dzimwe nguva zvingarapwa zviri nyore, asi hazvina kudaro nepfungwa. “Pakutanga takafunga kuti, ‘Zvakanaka, ticharapa marwadzo avo omuviri—tadaro vanogona kuva vatano zvakare,’” anobvuma kudaro Dr. Genefke. “Asi takakurumidza kuziva kuti marwadzo omukati memwoyo yavo ndiwo aivatambudza.” Kunyange zvakadaro, Dr. Genefke anoti: “Zvave zvichishamisa kuziva kuti zvinokwanisika kunyevenutsa nokubatsira vakatambudzwa, kunyange papfuura makore akawanda.”
Muna 1982, paCopenhagen’s National Hospital, Dr. Genefke pamwe chete navamwe vanachiremba vokuDenmark vakaronga kadhipatimendi kokurapa vapoteri vakanga vatambudzwa. Kubva pakutanga kwakakaita kakakura kuva mubatanidzwa wenyika yose uchishandisa zita rokuti International Rehabilitation Council for Torture Victims (IRCT). Kubva padzimbahwe rayo riri muCopenhagen, kanzuru yacho iri kutungamirira basa rokubatsira munzvimbo dzinopfuura 100 munyika yose. Kwamakore, kanzuru yacho yakadzidza zvakawanda pamusoro pokurapa vakatambudzwa.
Kutsigira Kwaungaita
Zvinowanzobatsira kuti vakatambudzwa vataure pamusoro pezvakaitika kwavari. “Makore 20 apfuura,” anodaro mashoko anobva kuIRCT, “vanhu vakatambudzwa vaiwanzotambudzwa mupfungwa mbiri. Yokutanga nokutambudzwa mumuviri kana kuti mupfungwa, uye yechipiri nokusakwanisa kutaura pamusoro pazvo.”
Ehe, hazvinakidzi kutaura nezvenyaya isingafadzi seyokutambudzwa. Asi kana akatambura wacho achida kuvimba neimwe shamwari uye shamwari yacho yoramba kuteerera, ari kutambura wacho angabva atoora mwoyo zvachose. Saka, zvinokosha kuti akatambudzwa avimbiswe kuti mumwe munhu ane hanya naye. Chokwadi, hapana anofanira kuedza kuzivisisa zvinhu zvomunhu oga zvomumwe. Pakupedzisira, zviri kune akatambudzwa wacho kuti asarudze kuti anoda kuudza ani uye kuti rini.—Zvirevo 17:17; 1 VaTesaronika 5:14.
Nyanzvi dzakawanda dzinorumbidza kufunga nezvemativi ose okutambudzwa kwomuviri nokwepfungwa. Kune vamwe vakatambudzwa, kuti vapore zvinoda kubatsira kwounyanzvi. Nzira yokurapa nayo inosanganisira kurovedza kufema uye kukurukura.a Kunzwa kwaanoita aine mhosva kazhinji kunofanira kuva pakati pezvokutanga kutaurwa. Mumwe chiremba akaudza mumwe mukadzi aigarobatwa chibharo nokurohwa kuti: “Kunzwa uine mhosva kwaunoita hakuna kuipa uye kunonzwisisika. Asi yeuka kuti haisi yako. Mhosva yacho ndeyavanhu vakakuitira zvinhu izvi.”
Vapukunyuki Vemisasa Yavasungwa
MuHondo Yenyika II, mamiriyoni avanhu akatambura kusaremekedza kunotyisa mumisasa yevasungwa yaHitler. Pakati pawo paiva nezviuru zveZvapupu zvaJehovha zvaitambudzwa nemhaka yokuramba kurega zvavaidavira zvechitendero. Kutenda kwazvo pasina mubvunzo kwakazvibatsira kutsungirira mamiriro ezvinhu akadaro anoedza. Sei?
Kare vasati vasungwa, vaKristu ava vakanga vari vadzidzi vanongwarira veShoko raMwari. Saka, havana kushamisika miedzo payakatanga, uye havana kupomera Mwari mhosva apo kutambura kwavo kusina kukurumidza kupera. Nokudzidza Bhaibheri, Zvapupu zvakadzidza chikonzero nei Mwari achibvumira uipi uye kuti achahugumisa sei munguva yake yakafanira. Kudzidza Bhaibheri kwakazvidzidzisa kuti Jehovha “unoda [“ruramisiro,” NW]” uye kuti anotsamwiswa apo vamwe vanhu vanobata vamwe vanhu zvisina kufanira.—Pisarema 37:28; Zekaria 2:8, 9.
Chokwadi, vakawanda vaava vakapukunyuka mumisasa yavasungwa vaitofanira kubata nemigumisiro inorwadza inozotevera yomuedzo wavo. Mukuita kudaro, vakasimbiswa chaizvo nokutevera zano romuapostora Pauro. Pauro paakanga achitambura ari mujeri reRoma, mamiriro ezvinhu anofanira kuva akaita kuti ati funganyei, akanyorera vaaitenda navo kuti: “Musafunganya pamusoro pechimwe chinhu, asi muzvinhu zvose kukumbira kwenyu ngakuziviswe Mwari nokunyengetera nokuteterera pamwe nokuonga; uye rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose rucharinda mwoyo yenyu nemasimba enyu okufunga naKristu Jesu.”—VaFiripi 1:13; 4:6, 7.
Nokudzidza Bhaibheri, vakaramba vakatendeka ava vakadzidza kuti Mwari akapikira kuita kuti pasi rive paradhiso, umo marwadzo anoparirwa nokusaremekedzwa kwakadai sokutambudzwa achabviswa zvachose.
Zvapupu zvaJehovha zviri kuudzawo vavakidzani vazvo nezvetariro iyi yakavakirwa muBhaibheri munyika dzinopfuura 230. Kunyongana kwemamiriro ezvinhu enyika kunozviita kuti zvionane navakawanda vakatambura nemhaka youtsinye hwomunhu hwaanoitira munhu. Pazvinosangana navanhu vakatambudzwa, Zvapupu zvacho zvinoedza kuudzawo vanhu ava zvipikirwa zveBhaibheri zveramangwana rakajeka. Zvinofara sei kuparadzira mashoko akanaka omunguva yemberi apo kutambudza kuchava chinhu chomunguva yakapfuura!—Isaya 65:17; Zvakazarurwa 21:4.
[Mashoko Omuzasi]
a Mukai! haitsigiri kurapa kupi nokupi zvako. VaKristu vanofanira kuva nechokwadi chokuti kurapa kupi nokupi kwavanotsvaka hakurwisani nezvinotaurwa neBhaibheri.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
“HAPANA MUNHU ACHATAMBUDZWA KANA KUTI KUBATWA NOUTSINYE, KUBATWA ZVISINA KUNAKA KANA KUTI KUNYADZISWA KANA KUTI KURANGWA.”—Article 5, Universal Declaration of Human Rights
[Bhokisi riri papeji 18]
KUBATSIRA KWAUNGAITA
KANA UCHIZIVA MUMWE MUNHU ARI KUPORA KUBVA KUNE ZVAKAPARIRWA NOKUTAMBUDZWA, ZVINHU ZVINOTEVERA ZVINGABATSIRA:
● Nzwira urombo. Ungati: “Ndinoziva kuti munyika yamunobva mune zvinetso zvakawanda. Muri kuita sei nazvo?”—Mateu 7:12; VaRoma 15:1.
● Usada kuzivisisa kana kuti kunyanyoomerera pamusoro pokuda kubatsira. Asi, iva nomutsa naanoratidza kufunga. Ita kuti akatambudzwa wacho azive kuti unoda kuteerera.—Jakobho 1:19.
● Dzivisa kubatsira zvokupfuuridza. Usaita kuti akatambura wacho anzwe asisina kuzviremekedza kana kuti ataure zvakavanzika zvake. Pfungwa yacho ndeyokubatsira akatambura wacho kutakura mutoro wake, kwete kuedza kuutakura wose.