RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g00 1/8 p. 3
  • Vakatanga Zvemishonga

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakatanga Zvemishonga
  • Mukai!—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Kuwedzera Kudiwa Kwomushonga Nokuvhiya Zvisina Ropa
    Mukai!—2000
  • Kuwana Chinangwa Muupenyu
    Bhuku Regore reZvapupu zvaJehovha ra2015
  • Kuponesa Upenyu Neropa—Seiko?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Sei Zvapupu zvaJehovha Zvisingabvumi Kuwedzerwa Ropa?
    Mibvunzo Inonyanya Kubvunzwa Pamusoro peZvapupu zvaJehovha
Ona Zvimwe
Mukai!—2000
g00 1/8 p. 3

Vakatanga Zvemishonga

AVA namakore 61, José, wokuBelgium anobva mutaundi duku rinonzi Oupeye, akaudzwa kuti aifanira kuisirwa chiropa. “Ndakavhunduka zvandakanga ndisati ndamboita,” anodaro. Makore makumi mana chete apfuura, kuisirwa chiropa kwaisambofungidzirwa. Kunyange muma1970, mukana wokurarama wakanga uri inenge 30 muzana chete. Zvisinei, nhasi kuisirwa chiropa kwava kuitwa kakawanda, paine mukana mukuru wokurarama.

Asi pachiri nemhinganidzo yakakura. Sezvo pakuisirwa chiropa pachiwanzova nokubuda ropa rakawanda, vanachiremba kakawanda vanoisira ropa pavanenge vachivhiya. Nemhaka yezvaanodavira zvechitendero, José aisada ropa. Asi aida kuisirwa chiropa. Hazviiti here? Vamwe vangafunga kudaro. Asi chiremba mukuru wokuvhiya akafunga kuti iye nevamwe vake vaiva nomukana wakati wokubudirira kuvhiya pasina kuisira ropa. Uye ndizvo zvavakaita chaizvo! Mazuva 25 chete avhiyiwa, José akadzokera kumba nomukadzi wake nomwanasikana wake.a

Nemhaka younyanzvi hwavanhu vakanzi nemagazini inonzi Time “magamba emishonga,” mushonga nokuvhiya zvisina ropa zvava kushandiswa kakawanda kupinda kare. Asi nei kuri kudiwa zvikuru? Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, ngationgororei nhau yakazara nenhamo yokuisira ropa.

[Mashoko Omuzasi]

a Zvapupu zvaJehovha zvinoona kuvhiyiwa nokuiswa nhengo yomuviri senhau yehana yomunhu oga.

[Mufananidzo uri papeji 3]

Munyika yose, pari zvino mune vanachiremba vanodarika 90 000 vakataura kuti vanoda kurapa Zvapupu zvaJehovha pasina kuisira ropa

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe