“Chido Changu Chikuru Pazvose”
KIRASI yevadzidzi muVranje, Yugoslavia, yakanzi inyore nyaya ine musoro uri pamusoro apa. Inotevera irondedzero yaSergej ane makore masere, inova ndiyo yakazoiswa pabhodhi rechikoro kuti vose varave.
“Pakutanga, ndanga ndichida kunyora kuti chido changu chikuru pazvose ndechekupedza chikoro nemamakisi akanakisisa ndozoenda kuBelgrade kuzororo. Asi ndiri kumba ndanga ndichifunga zvimwe. Chido changu chikuru pazvose ndechekuti nyika yose ive nerugare, kuti vanhu vose vagare vachifara, uye kuti vadanane nokubatsirana. Ndaizoda kuti vanhu vose vave neutano hwakanaka uye nyika yedu ichene kupfuura zvairi zvino.
“Nhasi nyika yasvibiswa nemakemikoro. Mvura nemhepo zvasvibiswawo. Nemhaka yenzara iri munyika, zviuru zvevana zviri kufa zuva nezuva, uye vamwe vakawanda vari kufa nemhaka yekurwara. Ndaizoda kuti zvose izvozvo zvinyangarike, uye ndaizoda kuti vana vose vanzwe rudo rwevabereki vavo, kuitira kuti vagone kuenda kunorara vachifara, vachiziva kuti zuva ramangwana roga roga richava zuva rakanaka. Izvi hazvibviri munyika ino, asi munguva yemberi zvichadaro. Ichi ndicho chido changu chikuru pazvose.”
Chii chakaita kuti Sergej ave nechokwadi chokuti zvinhu izvi zvichaitika? Anodavira zvipikirwa zvaMwari sezvinorondedzerwa muBhaibheri. Bhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? rinorondedzera zvipikirwa izvi muchikamu chinonzi “Nyika Itsva Yakaisvonaka Inoitwa naMwari.” Unogona kuwana kopi yebhurocha iri nokuzadza ndokutumira kopani rabatanidzwa kukero yaratidzwa pakopani racho kana kuti kukero yakakodzera yakarongwa papeji 5 yemagazini ino.
□ Nditumirei kopi yeBhurocha rinonzi Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?
□ Ndapota ndionei nezvekudzidza Bhaibheri kwepamusha kwepachena.