RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 10/8 p. 31
  • Chinokosha Kwazvo Kupfuura Mari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chinokosha Kwazvo Kupfuura Mari
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Vanhu Vakatendeseka Vanoita Kuti Jehovha Arumbidzwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Latvia Inobvuma Mashoko Akanaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kushungurudzwa Panyaya Dzepabonde—Chikamu 2: Ungaitei Kana Wakamboshungurudzwa?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Musikana Akadzorera Bhegi Raakanhonga
    Zvakaitika
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 10/8 p. 31

Chinokosha Kwazvo Kupfuura Mari

Nemunyori weMukai! muCanada

“[Mukadzi] akapa mwanasikana wake chipo chinokosha kwazvo kupfuura mazakwatira emari,” akabvuma kudaro mamwe mashoko emupepeti wenhau mupepanhau rinonzi The Monitor reBridgetown, Nova Scotia. Chipo chacho chaiva chii? Chaiva “muenzaniso wake unoshamisa wekutendeseka.”

Anna nemwanasikana wake Tanya vakamira pasero yepamba yezvinhu zvitsaru ndokutenga chikwama chichena chokuisira Bhaibheri raTanya. Pavakasvika kumba, Tanya akavhura zipi yomukati mechikwama chacho uye akashamiswa kuona $26 000 yemapepa. Pakarepo, amai nemwanasikana vakadzokera kwaiva nesero yepamba yezvinhu zvitsaru ndokupa mari yacho mukadzi akanga avatengesera chikwama chacho. Sezvineiwo, chikwama chacho chaisanyanyoshandiswa chaiva chaamai vake vakanga vachangobva kufa, vairwara nechirwere cheAlzheimer, saka chakanga chisina kunyatsoongororwa chisati chatengeswa. Achionga kwazvo, mukadzi wacho akati: “Zvinoita kuti ndivimbezve nevanhu . . . Zvinokurudzira kuziva kuti kune vamwe vanhu vakavimbika.”

Nyaya yepapeji yekutanga yezvakaitika zvacho mupepanhau remunharaunda iyoyo rakatora mashoko aAnna seaiti: “SeZvapupu zvaJehovha, hapana chimwe chatakafunga. Tine [hana] inodzorwa neBhaibheri. Tinodawo kudzidzisa Tanya zvakarurama.” Kana ari Tanya, chikwama chitsva chichena chichava chiyeuchidzo chinokosha chechidzidzo chekutendeseka.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe