Ratidza Kuti Une Hanya
Nemunyori weMukai! muCanada
Zvizvarwa zvakawanda zvemuCanada zvakura zvinoshushikana kwazvo zviri zvoga. Izvi zviri kuita kuti vazviuraye pamwero unotyisa. Mashoko ari mupepanhau rinonzi Vancouver Sun anoti kunyange zvazvo kuedza kuzviuraya chete pavanhu 200 kunoitwa nevechiduku kuchiguma norufu, reshiyo yacho munhu mumwe pavanhu vana pane vaya vapfuura makore 65. Uye zvinodavirwa kuti kutori “nemashoko mashoma evakwegura vanozviuraya, nokuti zvingava zvakaoma kusiyanisa vakwegura vaya vanofa nezvinetso zvoutano zvakakomba zvagara zviripo.”
Nei zvakadaro kuti vakwegura vakawanda vanorasikirwa nechido chokurarama? Murapi wepfungwa Oluwafemi Agbayewa weYunivhesiti yeBritish Columbia, mazvikokota wenyaya dzekuzviuraya kwevakwegura, anonongedzera kune kuora mwoyo, kuzviparadzanisa neshamwari, uye kusurukirwa sezvimwe zvinhu zvinosakisa. Gerry Harrington, mutungamiriri weSuicide Information neEducation Centre muCalgary, Alberta, anoti vanhu zvavanokwegura, vano“rasikirwa noruremekedzo rwavo, simba ravo, chiremera chavo, udzori hwavo. . . . Kamwe kamwe, hapana anovabvunzazve zvavanofunga. Vanhu vakawanda kwazvo vanopedzisira vava mumisha inochengeterwa vakwegura vasina chokuita asi kungogara chete vachitamba makasa nokutarisa TV.” Chinowedzera kune kunzwa uku ndechekuti vanhu vanokoshesa kwazvo vadiki uyewo nekuzvimirira, kushanda, nokukurumidza—zvinhu chaizvo zvinopera munhu zvaanokura.
Zvisinei, mumeso aJehovha Mwari, vakwegura vanokosheswa kwazvo. Uchapupu hwokuti anonzwisisa kwazvo zvinodiwa nepfungwa dzavo hunogona kuonekwa mumurayiro wake kuvanhu vaIsraeri vekare paakati: “Unofanira kusimukira wachena bvudzi, nokukudza mutana, uye utye Mwari wako.”—Revhitiko 19:32.
Saka zvino, tinga“kudza” sei vakwegura? Kunyange zvazvo mashoko ouchenjeri angasabva mumiromo yavo nguva nenguva uye kusakwana kwavo kungatowedzerwa nokukwegura, tinofanira kuvaremekedza. Ratidzira kuti une hanya. Varemekedze, vakudze, uye bvuma kuti vanoziva nokushandisa nzwisiso yavo uye uchenjeri, kunyanya kana upenyu hwavo hwange huchitungamirirwa nemudzimu waMwari nenzwisiso yakarurama yeShoko rake.
Kune zvakawanda kwazvo izvo Shoko raMwari rinodzidzisa panhau yokuva nehanya uye kukudza vakwegura. Kana uchida mamwe mashoko, tapota nyorera vabudisi vemagazini ino uye vabvunze bhuku rinonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri.