RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 3/8 pp. 10-11
  • Chishuvo Chekubhururuka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chishuvo Chekubhururuka
  • Mukai!—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Ndege Yakazovapo Sei?
    Mukai!—1999
  • Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?
    Mukai!—1999
  • Chido Chokufamba Nendege Zvakanaka
    Mukai!—2002
  • Chii Chinoita Kuti Tibudirire?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 3/8 pp. 10-11

Chishuvo Chekubhururuka

“NDEGE dzose, imwe neimwe yakakurumidza kujekesa chirevo chepaupwere hwedu chekuti, ‘Chinobhururuka chinomhara.’”

Ndiwo mavambiro akaita imwe nyaya yemupepeti wenhau akanga asina chokwadi nazvo muThe New York Times ya25 May 1908—makore asingasviki mashanu vakomana vekwaWright vabhururuka zvakakurumbira kuKitty Hawk, North Carolina, U.S.A. Achiri asina chokwadi nekubudirira kwe“ndege” itsva dzaive dzichitanga kuoneka mudenga, munyori wacho akarangarira kuti “vashomanene zvikuru vedu vane chishuvo chekuyangarara mumhepo mudenga denga kubva pasi.” Kunyange zvazvo yaibvuma kuti zvizvarwa zvaizotevera pamwe zvaizofarira kufamba nemumhepo, nyaya yacho yakataura kuti “chishuvo chezvikepe zvemumhepo zvinotakura vanhu zvinofamba madaro marefu . . . zvingasambofa zvakagadzirwa.”

Kufungidzira ikoko kwakaratidza kuti kwakanga kusina kururama zvakadini! Nhasi, vatakurwi vanopfuura bhiriyoni rimwe vanobhururuka ne “zvikepe zvemumhepo zvinotakura vanhu zvinofamba madaro marefu” gore rimwe nerimwe. Hungu, muzana ramakore rimwe chete, ndege dzave dzichichinja kubva kuzvigadzirwa zvemapuranga zvisina kusimba zvadzaiva dzakaita pakuvamba kwezana rino ramakore kuenda kumajeti akaisvonaka ane makombiyuta anhasi, anobhururuka ari pamakiromita gumi kubva pasi uye anotakura mazana avanhu kuenda kunzvimbo dziri kure kwazvo ari mumunyorododo une mhepo inodzorwa.

Kukurumidza kufambira mberi kweruzivo rwekushanda kwendege muzana ramakore rechi20 kwave kuchishamisa zvechokwadi uye kwakachinja zvikuru nyika yedu. Chaizvoizvo, nhau yekushuva kwemunhu kudzora matenga inogona kurondwa kudzokera shure zvikuru kupfuura makumi emakore mashomanene apfuura—kana kuti kunyange mazana amakore mashomanene apfuura. Kubhururuka kwemunhu chishuvo chave chine vanhu kubvira munguva dzekare.

[Mufananidzo uri papeji 11]

Lockheed SR-71 Blackbird, jeti inomhanya zvikurusa munyika yose, neanenge 3 520 km/hr

[Mufananidzo uri papeji 11]

Boeing Stratoliner 307, yekuma1940, inotakura vanhu 33, inomhanya 344 km/hr

[Kwazvakatorwa]

Boeing Company Archives

[Mufananidzo uri papeji 11]

“Ndege” yevakomana vekwaWright, 1903

[Kwazvakatorwa]

U.S. National Archives photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe