RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g99 3/8 pp. 18-20
  • Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?
  • Mukai!—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuchengeteka Muchikamu Chinogara Vatyairi Vendege
  • Unogona Kuitei?
  • Unotya Kubhururuka Here?
  • Kufarira Kuchengeteka
    Mukai!—2002
  • Chido Chokufamba Nendege Zvakanaka
    Mukai!—2002
  • Ndege Yakazovapo Sei?
    Mukai!—1999
  • Kufamba Nendege Kuchakanaka Here?
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1999
g99 3/8 pp. 18-20

Ndege Dzakachengeteka Zvakadini?

MUGORE rimwe chete vanhu vanenge hafu yemiriyoni vanofira mumigwagwa yenyika yose. Mukupesana, chiverengero chenzufu dzetsaona dzendege muna 1996 chakanga chiri 1 945. Nokuda kwa1997 hwerengedzo yakaderera kusvika ku1 226. Maererano nemashoko anochengetwa nevagadziri veBoeing, “majeti anotakura vanhu anobondera kasingasviki kaviri pakubhururuka kunosvika miriyoni kumwe nokumwe.”

Asi, kubondera kumwe nekumwe kwendege kunokurumbira zvikuru, nepo nzufu dzezuva nezuva dzinoitika mumugwagwa dzichirerutswa. MuUnited States, kufamba nebhazi chete ndiko kunorangarirwa sekwakati chengetekei kupfuura kufamba nendege.

Nei ndege ichiwanzova yakachengeteka kupfuura motokari? Chimwe chikonzero chinonzwisisika ndechekuti kusafanana nemotokari dziri mumugwagwa, ndege hadziwanzobhururuki dziri pedyo nepedyo zvikuru. Chimwe chikonzero ndechekuti vanhu vanoshandisa ndege vakanyatsorovedzwa uye vane unyanzvi mukuita mabasa avo. Kaputeni weBoeing 747 nguva zhinji anenge ave nemakore ari muma50 uye agara nebasa rekubhururuka nendege kweanenge makore 30. Kuchengeteka ndicho chinokosha chekutanga kunhengo dzese dzeboka racho. Pamusoro pazvo, upenyu hwavowo huri pangozi.

Kuchengeteka Muchikamu Chinogara Vatyairi Vendege

Kana ukamira kuti utarire mukati mechikamu chinogara vatyairi vendege inotakura vanhu, uchacherekedza kuti zvinoshandiswa zvose zvinokosha nezvinodzora zvakaiswa zviri zviviri—chimwe chikamu chiri kuruboshwe chakaputeni uye chimwe kurudyi chemutyairi wechipiri wendege.a Nokudaro, maererano neThe Air Traveler’s Handbook, “muzviitiko zvingasaitika zvekufa kwemumwe mutyairi wendege, mumwe wacho ane zvinodzora zvose zvinodiwa pakubhururuka zvakachengeteka. Mukubhururuka kwendege, mutyairi wendege mumwe nemumwe anogona kuona zvishandiso zvemumwe, uye kuva nechokwadi chekuti zviri kuratidza zviratidzo zvakafanana panoratidza zviri kuitika pose pari paviri.”

Chimwe chinobatanidzwa pakuchengeteka kwechikamu chinogara vatyairi vendege ndechekuti senzira yekuchengetedza, kaputeni nemutyairi wechipiri wendege vanowanzodya zvokudya zvakasiyana. Nei zvakadaro? Kuitira kuti kana zvikangozoitikawo kuti zvokudya zviiswe chepfu, mumwe chete wavo ndiye wazvinokuvadza.

Kuti vave nechokwadi chekudzorwa kwemativi anotakurika akadai semaflap, giya rinoshandiswa pakumhara, uye mabhureki, “ndege dzinowanzova nemahydraulic system maviri kana kuti kupfuura kuitira kuti zvimwe imwe ingasashanda.” Gadziriro yezvinhu zviviri kana kuti zvitatu inodiwa pakuchengeteka nokuda kwendege dzakawanda dzanhasi.

Unogona Kuitei?

Hezvino zvimwe zvekungwarira zvakareruka zvingashandiswa nevanhu vose: Rava kadhi remirayiridzo yemamiriro ezvinhu ane ngozi, uye teerera varindiri vendege pavanotsanangura mirayiridzo yekuchengeteka pakusimuka kwendege imwe neimwe. Paunogara pachigaro chako, tarisa kuti uone pane suo rekubuda naro riri pedyosa. Uye kana pakaitika tsaona, tevedzera mirayiridzo yevarindiri vendege. Vose vakarovedzwa zvikuru kubata nemamiriro ezvinhu akaoma, kana pakawana chamuka. Mirayiridzo painenge ichipiwa, zvinokosha zvikuru kuti vanhu vafambe nekukurumidza uye vakanganwe nezvenhumbi dzavo. Upenyu hunokosha zvikuru kupfuura zvinhu zvedu.

Ndege dzanhasi dzinobhururuka dziri pamusoro kana kuti dziri mumakore, nokudaro ndege zhinji dzinoenda madaro ari kure hadziiti mabhambo. Somugumisiro, vanhu vashomanene vanorwariswa nekukwira ndege. Kana chinokangaidza chipi nechipi chichitarisirwa, kakawanda kaputeni anoudza vanhu kuva nechokwadi chekusunga mabhandi avo anochengetedza sedanho rekuchengetedza.

Kufamba nendege kunogona kuva kwakachengeteka here? Mhinduro ndeyekuti hungu. Asi vanhu vakawanda havadi kumwe kuchinja kunokosha. Kungava kupi? Kuti vanhu vagare vakatarisa kumashure panzvimbo pekumberi! Zvaizobetserei izvozvo? Vanhu vaizotsigirwa nechavanotsamira pachigaro panodzorwa kamwe kamwe kumhanya panzvimbo pekungotsigirwa nebhandi repachigaro rinosungwa richipfuura nepadumbu, iro risinganyatsochengetedza zvakakwana parinoenzaniswa nemabhandi epachigaro chemota dzakawanda anowedzera nekupfuura nepachipfuva. Zvisinei, vanhu vanosarudza kuona kwavari kuenda panzvimbo pekwavabva!

Unotya Kubhururuka Here?

Zvinofungidzirwa kuti munhu mukuru mumwe chete pavatanhatu vevanhu vanogara muUnited States anotya kubhururuka nendege. Kune vamwe kunopfuura kutya—ruzazu, kutya kusina mwero kunogona kuita sezvinoita munhu arohwa nehana. Chii chinogona kubetsera?

Kuva munhu ane ruzivo kunogona kuita zvakawanda kuderedza kufunganya. Gore rimwe nerimwe munyika yose dzinenge ndege 15 000 dzinosvika nhandare dzendege dzinoda kusvika 10 000 dzinotakura vanhu vanopfuura mabhiriyoni 1,2 paine tsaona kana kuti zvikanganiso zvishomanene chete. “Maererano ne[kambani yeinishuwarenzi] yeLloyd’s yekuLondon zvakachengeteka ka25 kufamba nendege kupfuura nemotokari.”

Kana uchitya kufamba nendege, rava mabhuku ekubhururuka, endege, uye ekurovedza vatyairi vendege. Rava nezvezvinodiwa zvakakwirira zvekurovedza zvinodiwa kuvatyairi vendege nemitemo yavanoshanda vari pasi payo yemaawa ekurara, kuganhurira kunwiwa kwezvinodhaka vasati vabhururuka nendege, uye kuedzwawo zvako kwemirimo. Uyewo pane kunzverwa kunofanira kuitwa vatyairi vendege kaviri pagore vachiedzesera kubhururuka kuti vaedzwe zvavanoita mumamiriro ezvinhu anoda kukurumidzirwa. Kuedzesera uku kwakada kufanana nezvinoitika chaizvo zvokuti vamwe vatyairi vendege vanobuda munoedzerwa “vachibvunda uye vanyoroveswa nedikita.” Kana mutyairi wendege akafoira kuedzwa kwekuedzesera kwacho, anogona kurasikirwa nerezinesi rake rekutyaira ndege dzinotakura vanhu.

Mitemo iyi yakakwirira zvikuru kupfuura inopiwa avo vanotyaira motokari. Naizvozvo, kana ukadzidza zvakawanda nezvendege nevatyairi vendege, zvichawedzera kuvimba kwako nadzo.

Zvingabetserawo kushanyira nhandare yendege. Cherekedza zvinoitwa nevanhu, uye cherekedza zviri kuitwa nevanhu. Uchacherekedzawo kuti vanhu vakawanda vanoburuka mundege sekunge kuti vari kungoburuka havo mubhazi. Kwavari kufamba nendege chinhu chisingashamisi. Cherekedza ndege dzichisimuka nekumhara. Nzwisisa uye yemura mitemo yesayenzi yekufamba kwemhepo inoita kuti kubhururuka nendege kukwanisike uye kusina ngozi.

Pauchazobhururuka nendege kekutanga, udza murindiri wendege kuti inguva yako yekutanga kuva mundege uye kuti unganzwa uchiti ityei. Nyanzvi idzi dzinoziva mabetserero adzingakuita kuti usununguke ndokuvimba nezviri kuitwa. Edza kusununguka. Kaputeni paanoti ZVAVAKUBVUMIRWA kufamba-famba mundege, simuka ufambe-fambe mundege yacho. Ungave uchitofambira mberi zvakanaka kukurira kutya kwako kubhururuka nendege!

[Mashoko Omuzasi]

a Pandege dzakawanda kaputeni achakubvumira kutarisa mukati mechikamu chinogara vatyairi vendege painenge yakamira. Achapindurawo mibvunzo yako.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]

“Maererano ne[kambani yeinishuwarenzi] yeLloyd’s yekuLondon zvakachengeteka ka25 kufamba nendege kupfuura nemotokari”

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kudzidza kusununguka kunogona kuita kuti kubhururuka kufadze

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 18]

Photograph courtesy of Boeing Aircraft Company

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe