Mwari Ariko Here?—Mamwe Masayendisiti Anopindura
PUROFESA wefizikisi Ulrich J. Becker, weMassachusetts Institute of Technology, paakanga achitsinhira pamusoro pokuti Mwari ariko akataura kuti: “Ndingavapo sei pasina musiki? Handizivi imwe mhinduro inogutsa yati yambopiwa.”
Izvi zvaipesana nemaonere ake esayenzi here? Mhinduro yapurofesa inoita kuti munhu afunge yaiva yokuti, “Kudai waizoziva kuti vhiri rimwe ‘muwachi’ rinotenderera sei—ungafungidzira kuti mamwe ose anofamba sei, asi hauna kodzero yokudana kufungidzira uku kuti ndekwesayenzi uye uchiona zviri nani kusiya zvako mubvunzo wokuti ndiani akamona sipiringi yacho.”
Zvichisiyana nemafungire evamwe, varume vesayenzi vakawanda vanoremekedzwa havarambi pfungwa yokuti kuna Mwari—Musiki Akachenjera akasika chisiko chose nomunhu.
Funga mimwe mienzaniso miviri panhau iyi. Apo purofesa wemasvomhu John E. Fornaess, wepaYunivhesiti yePrinceton, akabvunzwa zvaanofunga kana Mwari ariko, akapindura kuti: “Ndinodavira kuti kuna Mwari uye kuti Mwari ndiye anoita kuti zvinhu zvose zvechisiko chose zvive zvazviri kubva kutunhu tuduku twakaumbiswa kusvika kumakwara enzou makuru kwazvo.”
Purofesa wefizikisi Henry Margenau, weYunivhesiti yeYale, akataura kuti aigutsikana kuti mitemo yechisiko yakasikwa naMwari, achiwedzera kuti: “Mwari akasika chisiko kubva pasina chinhu muchiito chakaitawo kuti nguva ivepo.” Ipapo akataura kuti mubhuku rinonzi The Mystery of Life’s Origin, masayendisiti matatu anotsanangura kuti Musiki ndiyo tsananguro inogutsa yemavambo oupenyu. Achitsigira pfungwa iyi, munzveri wenyeredzi Fred Hoyle akataura kuti kudavira kuti sero rokutanga rakavapo netsaona zvakafanana nokudavira kuti chamupupuri chinovhuvhuta nepanhandare yakazara simbi dzinogadziriswa ndenge yeBoeing 747 dzakagurunurwa uye dzakati mwarara chinogona kubudisa 747.
Pamhinduro idzi panogona kuwedzerwa mashoko emunyori weBhaibheri Pauro anoti: “Izvo zvake [Mwari] zvisingaonekwi, iro simba rake risingaperi nouMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.”—VaRoma 1:20.
Hongu, Mwari ariko! Ndechipi chikonzero chaanobvumidzira mamiriro ezvinhu enyika aripo anosiririsa? Chinangwa chake chepasi ndechei? Tinogona kunyatsoziva here uyo ari Mwari wechokwadi?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]
“Kudai waizoziva kuti vhiri rimwe ‘muwachi’ rinotenderera sei—ungafungidzira kuti mamwe ose anofamba sei, asi . . . uchiona zviri nani kusiya zvako mubvunzo wokuti ndiani akamona sipiringi yacho”