RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 12/8 pp. 15-17
  • “Unogona Kurega—Isu Takarega!”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Unogona Kurega—Isu Takarega!”
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mamiriro Akaita Fodya
  • Unogona Sei Kurega?
  • Nei Uchifanira Kurega Kusvuta?
    Mukai!—2000
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
  • Kurega Kwaungaita
    Mukai!—2000
  • Mwari Anoona Sei Kusvuta?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 12/8 pp. 15-17

“Unogona Kurega—Isu Takarega!”

Yakanyorwa Nemunyori weMukai! muJapan

Sekutaurwa kunoitwa nyaya yacho, ngarava dzeEurope dzakasvika muJapan mukupera kwema1500 dzaiva nevaenzi vaisvuta fodya, avo vaiita sevari “kubatidza moto mumatumbu avo.” Kushamiswa kwakatsiviwa nekuda kuziva, zvokuti pakasvika ma1880, kushandiswa kwefodya kwakanga kwadzika midzi muJapan. Ndiani aimbofunga kuti zvizukuru zvevaJapan ivavo vaishamiswa zvaizoverengerwa nhasi pakati pevanonyanyisa kushandisa fodya munyika yose?

“TAIDA kunzwa kuti takura, kuti tinzwewo mafungiro anoita vanhu vakuru.”—Akio, Osamu, uye Yoko.

“Ndaida kuonda.”—Tsuya.

“Yaiva mhaka yekuda kuona kuti zvinoita sei chete.”—Toshihiro.

“Hatina kumbofunga kuti fodya yaizotikuvadza.”—Ryohei, Junichi, uye Yasuhiko.

“Ndaida kupedza kunzwa kuda kurutsa kwemangwanani pandaiva nepamuviri pechipiri.”—Chieko.

“Ndaisvuta kuti ndivaraidze nguva dzisingafadzi mumisangano yebhizimisi.”—Tatsuhiko.

Izvozvo zvaiva zvikonzero zvakataurwa apo boka ravanhu kuno rakabvunzwa chikonzero nei rakatanga kusvuta midzanga. Kutsanangura kwakadaro kunonzwisisika hako, tichifunga nezvekuti vamwe vanodana Japan kuti paradhiso yevasvuti. Zvisinei, zvinoshamisa kuti vanhu vadudzwa pamusoro apa vose vakarega kusvuta fodya. Iri ibasa chairo paunofunga nezvezvibingamupinyi zvinounzwa nenzanga yavo. Uri kunetseka kuti vakazviita sei here? Ngatimbotangai kurangarira kupararira kwakaita kushandiswa kwefodya muJapan nhasi.

Mamiriro Akaita Fodya

Inenge 56 muzana yevarume vakura vekuJapan inosvuta, zvichienzaniswa ne28 muzana chete yevarume vekuAmerica vane makore 15 kana kuti kupfuura. Vasvuti 34 000 000 vekuJapan vanobatanidza inenge 22 muzana yevakadzi vayo, vakawanda vacho vari vaduku. Muenzaniso wevakura nekushambadza kweunyanzvi zvakabetsera zvikuru kuwedzera nokukurumidza vaduku vanosvuta. Kushambadza mudzanga paTV neredhiyo, uko kwakarambidzwa muUnited States makore anopfuura makumi maviri apfuura, kwakarambidzwa zvino muJapan.

Uyezve, midzanga inowanika zviri nyore mumichina inotengesa mumakona emigwagwa muJapan. Pakiti racho rangova mumaoko bedzi, vashoma vanoteerera mashoko akadhindwa pariri akati tonhorei uye asingasimbisiri. Zvakanyorwa zvacho zvingangorava kuti: “Tisanyanyosvuta; zvingakuvadza.” Uye mukuwedzera kuidi rekuti kusaziva ngozi yakaipisisa yefodya kunowanzoramba kuchiwedzera, muenzaniso wakashata wevanhu vakakwirira vanoverengeka unokurudzirawo vaJapan kusvuta, uchivanyengedza nemufungo wenhema wekuchengeteka.

Hazvishamisi kuti vanorwisana nekusvuta vanosuruvariswa nekusava nehanya kweJapan nokuita kuti vagari vayo vakawanda varege kushandisa fodya. Asi vanodzidzisa vanhu vari kutanga kuona kukosha kwekunyevera vanhu kuti kusvuta kunoisa utano neupenyu hwavo pangozi. Hungu, vaJapan vanosvuta vanowanawo zviratidzo zvakafanana nezvevanosvuta kune dzimwe nzvimbo—kumira-mira mwoyo, kufemereka, chikosoro chisingaperi, mudumbu, kushaiwa chishuvo chekudya, kusatana kubata dzihwa, uye zvichida, pashure penguva yakati, kukurumidza kufa nemhaka yekenza yemapapu, chirwere chemwoyo, kana kuti zvimwe zvinetso.

Kubvira pana 1 April 1985, indasitiri yefodya yeJapan yakanga isisiri yehurumende, zvichigumisa makumi amakore ekuva kwayo pasi pehurumende. Kunyange zvakadaro, ichakabatana kwazvo nehurumende izvo zvinovhiringidza kuenderera mberi kupi nekupi kunooneka kwekukurudzira kusasvuta. Izvi zvinotsanangura chikonzero nei mapoka anorwisana nefodya achirangarira Japan senzvimbo yevanosvuta vakadekara. Uye zvinotsanangura chikonzero nei The Daily Yomiuri yakataura kuti vanachiremba kuno vari kunyunyuta kuti Japan “inzanga inokurudzira kusvuta.”

Kuti uone kuti vamwe vakabudirira sei kurega, ona bhokisi rinoti “Kuregera Kwatakaita.”

Unogona Sei Kurega?

Zano rabva kune vaimboda fodya, vakadai seavo vari mubhokisi, ringataurwa nemashoko mashomanene kuti: Iva nevavariro yechokwadi yekurega. Kuda Mwari nechishuvo chekumufadza ndizvo zvakanakisisa. Uye kuda muvakidzani wako ndeimwe yakanaka. Iva nevavariro, uye omerera pairi. Ita kuti zvizivikanwe kuti wava kurega—udza shamwari dzako, uye batsirwa nemitezo yemhuri yako. Ingoerekana warega, kana zvichibvira. Uye ita zvose zvaungagona kudzivisa nzvimbo inosvutirwa.

Kana uri kudzidza Bhaibheri, wedzera kushamwaridzana kwako neZvapupu zvaJehovha. Nekuva pakati pazvo, uchakurumidza kushayiwa havi yekusvuta. Ukuwo, kana uri Chapupu chaJehovha uchidzidza Bhaibheri neanosvuta, usamusiye. Mubetsere kuda Jehovha kupfuura tsika yake yakaipa.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 16, 17]

“Kuregera Kwatakaita”

Mieko: “Pandakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha, ndaiva nechokwadi chekuti ndaisagona kurega kusvuta. Vavariro yangu yokudzidza yaiva yekuita kuti, vana vangu vangodzidzawo nzira inowanisa upenyu. Asi ndakakurumidza kuziva kuti mubereki anofanira kugadza muenzaniso, nokudaro ndakavamba kunyengetera zvikuru kuna Jehovha Mwari kuti andibetsere. Zvaida nhamburiko kuti ndishandire zvandainyengeterera, uye ndakasuruvara kwenguva yakati. Asi handimbofa ndakakanganwa kunzwa kunoshamisa kwehana yakachena kwandakawana pakupedzisira pandakazvisunungura pamusungo uyu une tsvina.”

Masayuki: “Pashure pekuva anosvuta mapakiti matatu pazuva roga roga uye pashure pekuedza chese chese chandaifunga kuti chinoita, pakupedzisira ndakadzima mudzanga wangu wekupedzisira ndokubva ndarega fodya. Ndakabetserwa kurega nemhuri yangu, zvimwe Zvapupu, uye Jehovha Mwari. Hapana wekubhangi kwandaishanda akabvuma kuti ndakanga ndarega. Ndakapa zano rokuti, kuti tiratidze tsika kuvatengi vedu, vanoshanda muhofisi munzvimbo inowanzoshandirwa mubhangi vasapute mumaawa ebasa. Zano rangu rakashandiswa, kunyange zvazvo 80 muzana yevashandi yaisvuta. Muitiro uyu zvino wapararira kumapazu 260 ebhangi redu.”

Osamu: “Sezvandaidzidza chokwadi muShoko raMwari, Bhaibheri, ndakaziva kuti ndaifanira kurega kusvuta. Zvakanditorera rinenge gore. Kunyange pandakanga ndarega, ndaifanira kuramba ndichirwisana nehavi yekusvuta kweimwezve mwedzi mitanhatu. Ndaiziva mumwoyo mangu kuti ndaifanira kuda kurega.”

Toshihiro: “Chibayiro cherudzikinuro chaJesu chakandiorora zvikuru kwazvo zvokuti ndakanzwa kuti ndaigona kungoitawo chibayiro chekurega kusvuta.”

Yasuhiko: “Kusarudza kwangu kuteerera Jehovha Mwari nekurega kusvuta zvakaponesa upenyu hwangu. Rimwe zuva, kamuri randaishandira rakazadzwa negasi remafuta anobvira akanga achidzudza. Zvaizoitika ndezvokuti, ndingadai ndakabatidza mudzanga, izvo zvingadai zvakakonzera kuputika. Asi sezvo ndakanga ndarega kusvuta mazuva mashomanene zvisati zvaitika, ndiri pano nhasi kuti nditaure nezvazvo.”

Akio: “Pandakatanga kunzwa mwoyo kumira-mira panguva nenguva, ndakafungidzira kuti kusvuta kwakanga kuchindikuvadza. Asi handina kurega. Mashoko echokwadi ekutanga andakawana pamusoro pengozi dzekusvuta akabva kumudzimai wangu, uyo akanga ava Chapupu chaJehovha. Nokukurumidza ndakatanga kudzidza Bhaibheri, uye ndakadzidza mumabhuku eWatch Tower kuti musvuti haazvikuvadzi iye pachake chete asiwo mitezo yemhuri yake. Ndakarega pakarepo!”

Ryohei: “Mudzimai wangu ndiye aiwanzonditengera midzanga—mapakiti 20 panguva imwe chete. Asi pashure pekudzidza Bhaibheri neZvapupu, akaramba kunditengera chimwe chinhu chaaiziva kuti chaizondikuvadza. Nokudaro ndakavhura shopu yangu pachangu yefodya. Ndaisvuta mapakiti matatu nehafu pazuva. Ipapo ndakatanga kudzidza Bhaibheri neZvapupu. Nokukurumidza ndaida kuva mukurukuri wehurukuro dzeBhaibheri anobudirira. Nokudaro ndakarega kusvuta kuitira kuti ndibvumirwe kurovedzwa uku muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari.”

Junichi: “Mwanasikana wangu muduku, uyo ari Chapupu, aiva nehanya neupenyu hwangu. Akandiita kuti ndimuvimbise kurega kusvuta, uye ndakazviita.”

Tsuya: “Pandakashanyira Horo yoUmambo kekutanga, ndakakumbira pokuisira dota refodya nemachisi pandaipinda. Ndakashamiswa kuti, ndakaudzwa kuti hapana aisvuta imomo. Ndakaziva kuti ndaifanira kurega kusvuta. Mazuva masere okusuruvara muchipatara akandipwisa kuti ndisazodazve kunzwa marwadzo anokonzerwa nokurega kusvuta.”

Yoko: “Ndakadzidza nyaya yacho mumagazini nemamwe mabhuku eZvapupu zvaJehovha, ndichihwirudzura marambiro akaita Jesu zvinodhakisa zvaakapiwa paaiva oda kuroverwa padanda rekutambudzira. Ndakanyengetera kuna Jehovha Mwari, ndichimuudza kuti ndaida kuva murumbidzi wezita rake akachena. Izvozvo zvapera, handina kuzombosvutazve. Apo vanhu vakandipoteredza vaisvuta, ndaiita sendichatoda kufema utsi hwavo, asi ndaikurumidza kubvapo, sezvo ndaisada kuti havi yangu yekusvuta inyandukezve.”

Vaimbosvuta ava vose vakasarudza kusazombofa vakasvutazve. Uri musvuti anoda kurega tsika iyi here?

Mieko

Osamu

Yasuhiko

Akio nemudzimai, Sachiko

Junichi nemwanasikana Meri

Yoko

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe