Jesu Kristu Aiva Ani?
Panguva ino yegore munyika dzakawanda pasi pose, munochengetwa Krisimasi. Mazana emamiriyoni evanhu anodavira kuti Jesu Kristu akaberekwa musi wa25 December makore 2 000 apfuura. Pamifananidzo nezvivezwa, anoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana semwana ari muchidyiro. Asi, chokwadika, akakura kuva murume uye akagara pasi pano kwemakore 33 1/2.
WAKAMBONETSEKA here kuti Jesu aitarisika sei paaiva munhu mukuru? Aiva neruvara rweganda rwerudzii? Aiva akasimba uye akanaka pameso here, kana kuti aiva ndonda uye achiti ratidzikei seanorwara, sezvaave achiratidzwa nevanodhirowa mifananidzo vakasiyana-siyana mumazana ose amakore? Aiva asina ndebvu here kana kuti aiva nadzo? Aiva nebvudzi refu here?
Uyewo, Jesu aiva nechitarisiko cheutsvene here, chakaita sedenderedzwa rechiedza chinobwinya sezuva rakatenderedza musoro wake semadhirowerwe azvinoitwa nevamwe vanyori vemifananidzo? Kana kuti chokwadi chaicho chakanga chakasiyana—zvokuti akanga asina zvairatidza kuti ndiye asi aigona kusambozivikanwa kuti ndeupi muboka?
Mifungo inorwisana pamusoro pechitarisiko chaJesu yave ichiburitswa nevezvenhau vasiri vechitendero nevanodhirowa mifananidzo kwemakore ose. Uyezve, mamwe mashoko atinogona kuvimba nawo akagoverwawo nenhoroondo dzezvapupu zvakamuona idzo dzakanyorwa pasi nevanyori veBhaibheri vakararama muzana ramakore rekutanga uye avo vaiva naye.
Zvisinei, inotevera mibvunzo inotokosha zvikuru kupfuura wekuti aitarisika sei: Jesu Kristu aimbova ani chaizvo? Anoita basa rei muchinangwa chaMwari? Ati apedza basa iroro here? Iye ndiani nhasi, uye ari kupi? Ane chinzvimbo chinokosha zvikuru zvokuti chichatapura vanhu vose, kunyange vakawanda vakafa here?
Kutanga, ngatinzverei uchapupu hwechitarisiko chaJesu. Aiva akaita sei?