Nhamo Yekufa Kwepwere
“Ndinongonzwa kunge chizvarwa chedu chiri kuparara.”—Johanna P., mudzidzi wepayunivhesiti achangotanga ane makore 18, Connecticut, U.S.A.
MAPURISA akaona zvinhu zvinotyisa papurazi riri nechekunze kweHobart, guta guru reTasmania, rumwe ruwa rwechitsuwa cheAustralia. Mumba maiva nevasikana vana vaiva nemakore aitangira pa10 kusvika ku18. Vose vakanga vakafa, vaurawa nababa vavo, avo vakanga vakarara pedyopo, vane ronda repfuti rakaipisisa mumusoro. Vakanga vazvitema paruoko rwavo nedemo. Kuponda-kuzviuraya uku kwakavhiringidza pfungwa dzevanhu vose vomuTasmania. Uye kwakasiya mubvunzo unonetsa mundangariro dzevanhu—Nei? Nei vasikana ivavo vana vasina mhaka vaifanira kufa?
Belgium ichakagumbuka zvikuru nezvakaitika pashure pokubatwa chibharo kwevasikana vatanhatu nokuurawa kwevamwe vacho vana nebhinya rakanga rasunungurwa. Uye mubvunzo mumwe chete—Nei? MuArgentina vamwe vanamai vanodavira kuti vanhu 30 000, vazhinji vavo vanakomana nevanasikana vavo, vakatsakatika muhondo isina mufungo.a Vamwe vevakaita munyama ava vakatambudzwa, vakadhakiswa nemirimo, ndokutakurwa nendege vachinorasirwa mugungwa. Vazhinji vavo vakakandwa vachiri vapenyu. Nei vaifanira kufa? Vanamai vavo vachakamirira mhinduro.
Muna 1955 World Congress of Mothers yakafumura kusava nemufungo kwehondo ndokutaura kuti musangano wacho waiitirwa “kuwedzera pane zvimwe zvose kuratidza kuchema, kuchema kwekunyevera kuri kubva kuvakadzi vose vari kutamburira kudzivirira vana vavo, vakuru nevaduku, pazvakaipa zvinoparirwa nehondo nekugadzirira hondo.” Nenzira inopesana, nhamba yepwere dzakafa mukurwisana kunouraya kubva pamusangano iwoyo dzinopfuurira kukura munyika yose—kurasikirwa kukurusa.
Kufa Kwepwere Kubva Kare
Kubva kare vaduku vakawanda vakanga vachiurawa. Kunyange murinonzi zana redu remakore rechi20 rinoziva, kurwisana kwemarudzi nemadzinza kwakaita kuti pwere dzive idzo dzinonyanya kupondwa. Kunenge kuti pwere dzinofanira kubhadhara noupenyu hwadzo zvakakanganiswa nezvishuvo zvevakuru vadzo.
Mune imwe nyika yeAfrica, boka revarwi rakaumbwa nepwere dzorudzidziso rinozvidaidza kuti Lord’s Resistance Army dzakamanikidzwa kudavira kuti miviri yadzo haiboorwi nemabara, chakashuma kudaro chinyorwa cheThe New Republic. Ndosaka nyaya yacho yaiva nomusoro waiti “Upenyu Husina Revo Hwepwere”! Mhuri dzakatorerwa vanakomana nevanasikana vadzo—kutaura chokwadi vaiva nemiviri yaiboorwa nemabara epfuti— naizvozvo zvakakodzera kuti dzibvunze kuti: Nei pwere dzedu dzaifanira kufa? Chinangwa chacho chaiva chei?
Kuwedzera pamusoro pekusafara nokutambura pane kuzviuraya kwepwere kuri kuwedzera.
[Mashoko Omuzasi]
a Inonzi hondo isina mufungo yakaitika paitonga boka revarwi vehondo (1976-83) umo zviuru zvevanhu zvaifungidzirwa kuti zviri kuda kupandukira zvakaurawa. Vamwe vanofungidzira nhamba yevakafa kuva pakati pe10 000 ne15 000.