RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 8/8 pp. 3-5
  • Kukanganwira Ndokukanganwa—Zvinobvira Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kukanganwira Ndokukanganwa—Zvinobvira Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Maronda Endangariro Nemwoyo
  • Tinofanira Kuita Sei?
  • Tinofanira Kuyeuka Zvakapfuura Here?
    Mukai!—1998
  • Utsinye—Mwari Achahupedza Sei?
    Mukai!—1998
  • Nyika Yanhasi Ine Utsinye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • ‘Rambai Muchikanganwirana Makasununguka’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 8/8 pp. 3-5

Kukanganwira Ndokukanganwa—Zvinobvira Here?

INOPFUURA hafu yezana remakore yapfuura kubva pakapera Hondo Yenyika II, muna 1945. Hondo iyoyo yenyika yose yakanga iri hondo ine utsinye zvisati zvamboitika munhau yemunhu yose zvayo.

Hondo Yenyika II yakatora makore matanhatu ndokuuraya vanhu vane mamiriyoni 50, kubatanidza vasiri varwi. Vamwe vasingaverengeki vakaremadzwa mumuviri, uye mundangariro. Kuvakawanda vakaona makore iwayo anotambudza ehondo, ndangariro dzinorwadza dzeutsinye hwakaitwa nedzevadiwa vakafa hadzisati dzapora.

Pane kuyeukwa kweutsinye hwakaitwa nevaNazi muKuparadza kwacho, nemamiriyoni evanhu vasina mhaka vakaurawa. Mose muri muviri muEurope neAsia, utsinye hwakawanda hwakaitwa nemauto anovhozhokera, ayo akaponda, akabata chibharo, akapamba, nekunetsa vasiri varwi. Panguva iyoyowo, vanhu vakawanda vakatambudzwa nekurwisa kwendege kwaiparadza, kukuvadza, uye kuuraya varume, vakadzi, uye vana vasina mhaka vasingaverengeki. Mamiriyoni evarwi munhandare dzakasiyana-siyana dzehondo akatsungirirawo zviitiko zvinorwadza.

Maronda Endangariro Nemwoyo

Maronda akawanda endangariro akaparirwa nezvakaipa zvikuru zvakaitika mukati meHondo Yenyika II haapori mundangariro dzevakawanda vakararama munguva iyoyo uye vachiri vapenyu nhasi. Vanoda kudzima ndangariro dzose idzodzo dzakaipisisa nedzinonorwadza mundangariro dzavo. Asi havakwanisi kuzviita. Kune vamwe, zviono zvinotyisa zvakadaro zvinoramba zvichivatambudza sechiroto chinotyisa.

Vamwe, zvisinei, havadi kukanganwa, zvichida nemhaka yekuti vanoda kutsiva kana kuti nemhaka yekuti vanoshuva kuremekedza kuyeukwa kwevakaurawa. Uyewo, pane manzwire akapararira okuti utsinye hwemunguva yakapfuura hunofanira kuramba huri mundangariro yemhuri yerudzi rwemunhu kuitira kuti utsinye hwakadaro hurege kuzombodzokororwazve.

Makore mashomanene apfuura, mukati ma1994-95, mamiriro akanga akaita zvinhu pakupemberera zuva reD rechi50 (kusvika kwemauto aitsigira nekutungamirirwa neBritain neAmerica muNormandy muna June 1944) nerechi50 rekupera kwechikamu chairwirwa muEurope chehondo yenyika yechipiri (muna May 1945) akaratidza kuti kuvakawanda vakaona zviitiko izvozvo, kukanganwira ndokukanganwa kwakaoma zvikuru. Kazhinji kazhinji, chiito chipi nechipi chokuedza kuyanana pakati pevaimbova vavengi chinoshaya basa. Nokudaro, vaichimbova varwi veBritain vakaramba kukoka vamiririri veGermany kuzopemberera kusvika kweMauto Aitsigira Nekutungamirirwa neBritain neAmerica muNormandy.

Kana toreva nezveutsinye hwakaitwa nevaNazi muHondo Yenyika II nemaomere akaita kukanganwira nekukanganwa, munyori Vladimir Jankélévitch akataura kunzwa kwaanoita achiti: “Pamusoro pemhaka yokumukira yakadaro, kuita kwemuzvarirwo . . . kushatirwa nekusada kukanganwira kweshungu uye kutsvaka vapari vemhaka dzacho—sekuvimbisa kwevatongi veNuremberg Tribunal—kusvika kwakaperera nyika.” Munyori mumwe chete iyeye akapfuurira kuti: “Tingafara kutaura tichipindurudza mashoko omunyengetero waJesu kuna Mwari muEvhangeri sekunyora kwakaita Musande Ruka tichiti: Ishe, musavakanganwire, nokuti vanoziva zvavanoita.”—Enzanisa naRuka 23:34.

Zvinosuruvarisa kutaura kuti, kubva muna 1945 zvichienda mberi, kusvika panguva ino chaiyo, humwe utsinye husingaverengeki—muCambodia, Rwanda, Bosnia, kungodudza shomanene—hwapfuurira kutsvukisa pasi neropa. Utsinye uhu hwakasiya mamiriyoni afa, uyewo nhamba huru yechirikadzi nenherera, upenyu husina tariro, uye yeuko dzinotyisa.

Pasina mubvunzo, zana rino remakore rechi20 rave riri nguva yeutsinye husina kumboitika. Zvakangoita sezvakafanotaurwa nenzira yakarurama nouporofita hweBhaibheri kare kare pamusoro penguva ino—vanhu vabvumikisa kuva “vanotyisa” uye “vasingadi zvinhu zvakanaka.”—2 Timotio 3:1-5; Zvakazarurwa 6:4-8.

Tinofanira Kuita Sei?

Vatarisana neumhuka hwakadaro, vanhu vanoita zvakasiyana. Asi zvakadini nesu? Tinofanira kuyeuka here? Kana kuti tinofanira kukanganwa? Kuyeuka kunoreva kuchengeta mafi, kuita daka nevaimbova vavengi, uchiramba kukanganwirwa here? Kune rumwe rutivi, kukanganwira kunoreva kuti munhu anogona kukanganwa mupfungwa yekudzima zvakaipa chose chose mundangariro here?

Musiki werudzi rwemunhu, Jehovha Mwari, anofungei nezvemhaka dzakaipisisa dzakaitwa munguva yedu uye munguva yakapfuura? Achakanganwira vapari vemhaka ava here? Uye hakusi kunyanyononoka here kuti Mwari atsive vanhu vakaurawa muutsinye? Pane tariro ipi neipi yakasimba here yekuti pachazombova nemugumo weutsinye, sezvo hwange huchiitika kwezviuru zvemakore? Mwari Wamasimba Ose pakupedzisira achazogadzirisa sei nhau idzi dzakaoma kunzwisisa?

[Mufananidzo uri papeji 4]

Vana vemapoka evanhu akaurawa vakaungana mumusasa wevapoteri

[Kwazvakatorwa]

UN PHOTO 186797/J. Isaac

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]

U.S. Navy photo

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe