RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 7/8 pp. 10-14
  • Zvapupu zvaJehovha Zvakashinga Mukutarisana Nengozi yeNazi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvapupu zvaJehovha Zvakashinga Mukutarisana Nengozi yeNazi
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Hakusi Kubvumirana naHitler Pane Zvisina Kufanira
  • Kutarisa Shure
  • Chii Chakaitika Apo Hitler Akatanga Kutonga?
  • Zvapupu Zvinoita Chiito Cheushingi
  • Kokorodzano Yeushingi Here Kana Kuti Yekubvumirana Zvisina Kufanira?
  • Kutaura Kwemaune
  • Vachengeti Vokutendeka Vakashinga Vanokunda Kutambudza kweNazi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • “Vanyajambwa Vokuvengwa Namarudzi Ose”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Havana Kuteerera Asi Vanofanira Kuremekedzwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • ‘Kudzivirira Nokusimbisa Pamutemo Mashoko Akanaka’
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 7/8 pp. 10-14

Zvapupu zvaJehovha Zvakashinga Mukutarisana Nengozi yeNazi

YAKANYORWA NEMUNYORI WEMUKAI! MUGERMANY

ZVAPUPU ZVAJEHOVHA zvinozivikanwa zvikuru nokuda kwekunamatira kwazvo zvakasimba kuShoko raMwari, Bhaibheri. Izvi zvinowanzoda ushingi, uye zvirokwazvo zvinotapura upenyu hwazvo neukama hwazvo nevamwe.

Semuenzaniso, Zvapupu zvinoremekedza vanhu vemarudzi ose netsika. Zvinoda Mwari nemuvakidzani wazvo. (Mateo 22:35-40) Zvirokwazvo, zvinobvumirana zvizere nemuapostora Petro, uyo akataura kuti: “Zvirokwazvo, ndinoona kuti Mwari haazi mutsauri wavanhu; asi parudzi rupi norupi, munhu, unomutya, achiita zvakarurama, unogamuchirwa naye.”—Mabasa 10:34, 35.

Zvapupu zvaJehovha zvinozivikanwawo munyika yose nokuda kwekuremekedza kwazvo mutemo, nhevedzano, uye chiremera chehurumende. Hazvina kumbopandukira chiremera uye hazvizombofa zvakadaro. Izvi ndezvechokwadi kunyange pazvinotambudzwa mune dzimwe nyika nemhaka yekutora chimiro chakafanana nechevaapostora: “Tinofanira kuteerera Mwari kupfuura vanhu.” (Mabasa 5:29; Mateo 24:9) Panguva imwe cheteyo, Zvapupu zvinoziva kodzero dzevamwe dzekunamata maererano nezvinorayirwa nehana dzazvo.

Kumira kweushingi kwechiKristu kweZvapupu zvaJehovha muGermany nedzimwe nyika dzaidzorwa naAdolf Hitler inhau yakanyorwa mumagwaro emutemo. Chinoitika chinozivikanwa muBerlin, Germany, muna 1933 chinoratidzira ushingi hwazvo, kuda kwazvo Mwari nemuvakidzani, uye kuremekedza kwazvo mutemo, nhevedzano, uye rusununguko rwerudzidziso.

Hakusi Kubvumirana naHitler Pane Zvisina Kufanira

Makore anopfuura 50 akapfuura apo kutonga kwakaipa zvikurusa kwaHitler kwemakore 12 kweurudzi neumhondi kwakaguma. Asi, kutonga ikoko kweNazi kwakaparira maronda achiri kurwadza rudzi rwemunhu kusvikira kuzuva redu.

Nhau inoratidza kuti mapoka mashomanene bedzi akataura neushingi mukurwisana nekutyisidzira kweNazi. Pakati pawo paiva neZvapupu zvaJehovha, zvinorondedzerwa se“vashomanene vaidzivisa nguva dzose apo vakanga vakapoteredzwa navanhu vaityiswa.” Kumira kwazvo neushingi kwakanyatsonyorwa zvakanaka nevezvenhau vanoremekedzwa.

Vatsoropodzi vashomanene, zvisinei, kubatanidza vamwe vaimbova vasonganiri veZvapupu zvaJehovha vanotaura kuti Zvapupu zvakaedza kubvumirana nekutonga kwaHitler zvisina kufanira mumazuva ako epakuvamba. Vanotaura kuti vamiririri veWatch Tower Society vakaedza vasingabudiriri kutsveterana nehurumende yacho itsva uye kuti, kweinenge nguva yakati, vakatsigira dzidziso yeurudzi yeNazi, iyo yakatungamirira pakupondwa kwemamiriyoni matanhatu evaJudha pakupedzisira.

Kupomera uku kwakakomba inhema chaidzo. Kunotevera kunzvera kwechokwadi kwezvinoitika zviri kutaurwa nezvazvo, zvakavakirwa pazvakanyorwa zviripo uye mashoko enhau.

Kutarisa Shure

Zvapupu zvaJehovha zvave zvichishingaira muGermany kwemakore anopfuura 100. Pakasvika 1933, kwaiva neZvapupu zvinenge 25 000 zvinonamata Jehovha Mwari nokuparadzira zvinyorwa zveBhaibheri muGermany yose zvayo.

Pasinei zvapo nerusununguko rwakapiwa nebumbiro remutemo reGermany repanguvayo, Zvapupu zvaJehovha zvaiwanzotsoropodzwa, zvikurukuru nevavengi verudzidziso. Shure muna 1921, Zvapupu, zvichanzi Ernste Bibelforscher (Vadzidzi Vechokwadi veBhaibheri), zvakapomerwa kuva zvakabatana nevaJudha mumasangano anomukira hurumende. Vadzidzi veBhaibheri vakaziviswa se“gonye rechiJudha,” rechiBolshevik rine ngozi kunyange zvazvo pasina ufakazi hwepomero dzacho hwakambobvira hwabudiswa. Wezverudzidziso wechiSwiss Karl Barth akanyora gare gare kuti: “Kupomera Zvapupu zvaJehovha kuti zvakabatana nevaKomonisti kunogona bedzi kuva mhaka yekusanzwisisawo zvako kana kuti kunyange kwemaune.”

Magazini yechechi muGermany yakapomera kuti Zvapupu nevaJudha vaiva vapidiguri vane rimwe mumasangano ekumukira. Mukupindura, chinyorwa chechiGerman chaApril 15, 1930, cheThe Golden Age (yakatangira Mukai!) chakataura kuti: “Hatina chikonzero chekurangarira kupomerwa uku kwenhema sekutuka—sezvatinopwiswa kuti muJudha munhu anongokoshawo kufanana neanonzi muKristu nezita; asi tinoramba nhema dziri pamusoro apa dzechechi nekuti dzine chinangwa chekushatisa basa redu, sekunge kuti raiitirwa kwete Evhangeri asi vaJudha.”

Naizvozvo, purofesa wenhau John Weiss akanyora kuti: “Zvapupu zvakanga zvisinei neurudzi hwechiGerman uye hazvina kushushikana kwemazana emakore pamusoro pekusatendeuka kwevaJudha. Zvapupu zvakangoramba zvakaomerera pane zvepakuvamba, kana zvichidzivirira, chitendero chechiKristu chinonyengetedza vose vanobvira kutendeukira kuchiKristu.”

Chii Chakaitika Apo Hitler Akatanga Kutonga?

Pana 30 January, 1933, Adolf Hitler akaitwa mutungamiriri wehurumende mutsva weGermany. Mumavambo, hurumende yaHitler yakaedza kuvanza chimiro chayo chemasimba masimba uye chekunyanyisa. Naizvozvo, Zvapupu, pamwe chete nemamiriyoni evamwe vechiGerman mumavambo a1933, zvakarangarira National Socialist Party sechiremera chaitonga zviri pamutemo chepanguvayo. Zvapupu zvaivimba kuti hurumende yeNational Socialist (Nazi) yaizonzwisisa kuti boka iri rechiKristu rine rugare, rinoteerera mutemo raisava ngozi kuHurumende yacho. Izvi zvaisareva kuti zvaizobvumiranisa zvisina kufanira mipimo yeBhaibheri. Sezvave zvichiitika mudzimwe nyika, Zvapupu zvaida kuzivisa hurumende yeGermany nezvemamiriro echokwadi ekusatora rutivi mune zvematongerwe enyika kwerudzidziso rwazvo.

Zvakakurumidza kuva pachena kuti Zvapupu zvaJehovha zvaizova pakati pevaizotanga kunangwa nevadzvinyiriri vane utsinye veNazi. Zvapupu zvakare zvakapiwa munembo wekuva vatsigiri mukwainzi kuronga kupidigura hurumende kwevaBolshevik nevaJudha. Nhimbe yechitambudzo yakatanga.

Nei nzanga duku yakadaro yerudzidziso yaizonyandura hasha dzehurumende itsva? Wezvenhau Brian Dunn anoona zvikonzero zvitatu zvinokosha: (1) kuva zvemarudzi akawanda kweZvapupu, (2) kurwisa kwazvo urudzi, uye (3) kusatora rutivi kwazvo kuhurumende. Nemhaka yemirangariro yazvo yeMagwaro, Zvapupu zvechiGerman zvakaramba kupa kwaziso yaHitler, kutsigira National Socialist Party, kana kuti gare gare kutora rutivi mumabasa ehondo echiNazi.—Eksodho 20:4, 5; Isaya 2:4; Johane 17:16.

Semugumisiro, Zvapupu zvakatsungirira kutyisidzirwa, kubvunzurudzwa, kuvhendenyurwa kwedzimba, uye kumwe kushupwa nemapurisa neSA (Sturmabteilung yaHitler, varwi vepachivande, kana kuti maBrownshirt). Pana 24 April, 1933, vamiririri vakatora ndokuvhara hofisi yeWatch Tower muMagdeburg, Germany. Pashure pekunge kunyatsotsvaka kwaramba kubudisa ufakazi hunosungisa, uye pashure pekumanikidzwa neU.S. State Department, mapurisa akadzorera chivako chacho. Pakasvika May 1933, kunyange zvakadaro, Zvapupu zvakanga zvarambidzwa mumaruwa akawanda eGermany.

Zvapupu Zvinoita Chiito Cheushingi

Munhambo iyoyi yemavambo, Hitler akanyatsosimudzira kuonekwa kwake nevazhinji seshasha yechiKristu. Akazivisa kuzvipira kwake kurusununguko rwerudzidziso, achivimbisa kubata marudzidziso echiKristu nemutoo une “chinangwa chekururamisira.” Kuti asimudzire kuonekwa kwake, mutungamiriri mutsva akaenda mumachechi. Iyi yakanga iri nguva apo vanhu vazhinji munyika idzo gare gare dzakazova muhondo neGermany vakanga vachitaura nezvekuyemura kwavo zvakaitwa naHitler.

Achiitira hanya kusagadzikana kwairamba kuchiwedzera muGermany, Joseph F. Rutherford, purezidhendi wepanguvayo weWatch Tower Society, pamwe chete namaneja wehofisi yebazu reGermany, Paul Balzereit, vakasarudza kuita nhimbe yekuzivisa Mutungamiriri Hitler, vakuru vakuru vehurumende, uye vanhu kuti Zvapupu zvaJehovha zvaisatyisidzira vanhu vekuGermany neHurumende. Sezviri pachena Rutherford aidavira kuti Hitler aisaziva nezvekurwiswa kweZvapupu zvaJehovha kana kuti akanga audzwa zvisirizvo nevanhu verudzidziso pamusoro peZvapupu.

Naizvozvo, hofisi yeMagdeburg yakaronga gungano kuti ishandise kodzero yevagari vemo yeGermany yekukumbira. Zvaziviswa munguva pfupi, Zvapupu zvaJehovha muGermany yose zvayo zvakakokwa kuWilmersdorfer Tennishallen muBerlin pana 25 June, 1933. Nhume dzinenge 5 000 dzaikarirwa. Pasinei zvapo nemamirire ezvinhu ekuvenga, vanopfuura 7 000 vakapinda neushingi. Nhume dzakagamuchira chisarudzo chainzi “Kuziviswa Kwemaidi.” Gwaro iri raitsutsumwa nezveganhuriro dzakanga dzaiswa pabasa reZvapupu. Rakataura zvakajeka nezvechimiro chazvo ndokuramba kupomerwa kwekuva nechekuita nekumukira kwezvematongerwe enyika kwerudzi rupi nerupi. Rakataura kuti:

“Tiri kupomerwa zvisina kururama pamberi pemasimba anotonga ehurumende ino . . . Neruremekedzo tinokumbira vatongi venyika nevanhu kurangarira nekururamisira uye nekusasarura mashoko emaidi ari pano.”

“Hatirwi nevanhu vapi nevapi kana kuti vadzidzisi verudzidziso, asi tinofanira kunongedza kuidi rekuti ndeavo vanowanzoti vanomiririra Mwari naKristu Jesu avo chaizvoizvo vari vatambudzi vedu uye avo vanotaura zvisizvo pamusoro pedu kuhurumende.”

Kokorodzano Yeushingi Here Kana Kuti Yekubvumirana Zvisina Kufanira?

Vamwe zvino vari kutaura nezvekokorodzano yeBerlin ya1933 ne“Kuziviswa Kwemaidi” sekuedza kweZvapupu zvinotungamirira kuratidza kutsigira hurumende yeNazi neruvengo rwayo rwevaJudha . Asi kutaura kwavo hakuna kururama. Kwakavakirwa pamashoko akataurwa zvisirizvo nekududzirwa kusina kururama kwemaidi acho.

Somuenzaniso, vatsoropodzi vanotaura kuti Zvapupu zvakashongedza Wilmersdorfer Tennishallen nemireza yeswastika. Mifananidzo yekokorodzano ya1933 inoratidza zvakajeka kuti havana kuratidza maswastika muhoro. Zvapupu zvakaona zvinosimbisa kuti mukati makanga musina mireza.

Zvinobvira, zvisinei, kuti paiva nemireza kunze kwechivako. Boka revarwi veNazi rakanga rashandisa horo yacho pana 21 June, Chitatu chakatangira kokorodzano yacho. Uye ipapo zuva chairo rakatangira kokorodzano, mapoka evanhu vaduku pamwe chete nezvikwata zveSS (Schutzstaffel, aimbova mabhodhigadhi eBlackshirt aHitler), SA, nevamwe vakapemberera mavambo emwaka wekupisa pedyopo. Naizvozvo Zvapupu zvaisvika pakokorodzano yeSvondo zvingagona kuve zvakakwaziswa nechiono chechivako chakanamirwa mireza yeswastika.

Kudai pakanga pane mireza yeswastika yaishongedza kunze kwehoro, makoridho, kana kuti kunyange mukati mayo, Zvapupu zvingadai zvakaisiya yakadaro. Kunyange nhasi, apo Zvapupu zvaJehovha zvinorenda nzvimbo dzavose nokuda kwemisangano nemakokorodzano, hazvibvisi zviratidzo zvenyika. Asi hapana ufakazi hwekuti Zvapupu pachazvo zvakarembedza mireza ipi neipi kana kuti zvakaikwazisa.

Vatsoropodzi vanopfuurira kutaura kuti Zvapupu zvakavhura kokorodzano nerwiyo rwerudzi rweGermany. Chaizvoizvo, kokorodzano yakavamba ne“Zion’s Glorious Hope,” Rwiyo 64 mubhuku rerudzidziso renziyo reZvapupu. Mashoko erwiyo urwu akarongwa panziyo yakaitwa naJoseph Haydn muna 1797. Rwiyo 64 rwakanga rwave rwuri mubhuku renziyo reVadzidzi veBhaibheri chibviro cheinenge 1905. Muna 1922 hurumende yeGermany yakatora mutinhimira waHaydn nemashoko aHoffmann von Fallersleben serwiyo rwayo rwerudzi. Kunyange zvakadaro, Vadzidzi veBhaibheri muGermany vakaramba vachiimba Rwiyo 64 rwavo panhambo nenhambo, sezvaiita Vadzidzi veBhaibheri mudzimwe nyika.

Kuimbwa kweRwiyo 64 pamusoro peZioni hakwaigona kutorwa sekuedza kufadza vaNazi. Atyisidzirwa nevaNazi vaivenga vaSemite, mamwe machechi akabvisa mashoko echiHebheru akadai sa“Judha,” “Jehovah,” uye “Zioni” mumabhuku awo enziyo nezvishandiso. Zvapupu zvaJehovha hazvina. Saka, varongi vekokorodzano, zvirokwazvo vaisakarira kuwana nyasha kuhurumende kupfurikidza nekuimba rwiyo rwairumbidza Zioni. Zvingabvira kuti, dzimwe nhume dzingadaro dzisina kufarira kuimba “Zion’s Glorious Hope,” sezvo mutinhimira werwiyo urwu wakaitwa naHaydn wakanga wakafanana nerwiyo rwerudzi.

Kutaura Kwemaune

Nehurumende yakanga yachinja uye nyika iri munyongano, Zvapupu zvaida kataura zvakajeka pazvaive zvimire. Kupfurikidza ne“Kuzivisa,” Zvapupu zvakaramba zvakasimba kupomerwa kwekubatanidzwa mune zvemari kana kuti zvisungo zvematongerwe enyika nevaJudha. Naizvozvo, gwaro racho rakataura kuti:

“Kuri kupomerwa zvenhema nevavengi vedu kuti takagamuchira kutsigirwa kwemari nekuda kwebasa redu kubva kuvaJudha. Hapana nhema dzinopfuura idzodzo. Kusvika paawa ino hapana kana nemari yese zvayo yakambopiwa kubasa redu nevaJudha.”

Radudza mari, “Kuzivisa” rakapfuurira kushora miitiro yakaipa yebhizimisi guru. Rakati: “Vave vari vezvekutengeserana vechiJudha veumambo hweBritain neAmerica vakatanga nekupfuudzira Bhizimisi Guru senzira yekushandisa nekudzvinyirira nayo vanhu vemarudzi akawanda.”

Mashoko aya nenzira yakajeka haana kunongedzera kuvanhu vechiJudha vose, uye tine urombo kana ave achinzwisiswa zvisizvo uye achipa chikonzero chekugumbuka. Vamwe vakataura kuti Zvapupu zvaJehovha zvaivawo neruvengo nevaJudha urwo rwaiwanzodzidziswa mumachechi eGermany panguvayo. Ichi hachisi chokwadi. Kupfurikidza nezvinyorwa zvavo nemufambiro mukati mekutonga kweNazi, Zvapupu zvakaramba mirangariro yekuvenga vaSemite ndokushora mabatirwe akaipa evaJudha neNazi. Chokwadika, mutsa wazvo kuvaJudha avo vaibatwa zvakafanana navo mumisasa yevasungwa unogovera ufakazi hunopesana nekupomera uku.

“Kuzivisa” rakarondedzera zvakajeka basa reZvapupu seriri muchimiro cherudzidziso, richiti: “Sangano redu harisi rezvematongerwe enyika mupfungwa ipi neipi zvayo. Tinongoomerera bedzi pakudzidzisa vanhu Shoko raJehovha Mwari.”

“Kuzivisa” rakayeuchidzawo hurumende nezvevimbiso dzayo imene. Zvapupu zvaichengetedza mipimo yakati yakakwirira, sezvineiwo iyi yaitsigirwawo pachena nehurumende yeGermany. Pakati payo paiva netsika dzemhuri nerusununguko rwerudzidziso.

Munhau iyi, “Kuzivisa” rakawedzera kuti: “Kunyatsonzverwa kwemabhuku edu nezvinyorwa kuchabudisa pachena idi rekuti mipimo yakakwirira chaiyo inotsigirwa nekuziviswa pachena nehurumende iripo yenyika irimo uye yakasimbiswa zvakasimba muzvinyorwa zvedu, uye kuti zvinoratidza kuti Jehovha Mwari achava nechokwadi chokuti mipimo iyi yakakwirira munguva yakafanira ichiwanikwa navanhu vose vanoda kururama.”

Nokudaro, Zvapupu hazvina kumboratidza kutsigira Nazi Party. Uyewo, munhau yerusununguko rwerudzidziso, hazvina kuvavarira kurega kuparidza kwazvo pachena.—Mateo 24:14; 28:19, 20.

Maererano nenhoroondo iri mu1974 Yearbook of Jehovah’s Witnesses, zvimwe Zvapupu zvechiGerman zvakagumbuka kuti mutauro we“Kuzivisa” wakanga usina kunyatsonanga mukunzwika kwawo. Paul Balzereit, maneja wehofisi yebazu, akanga arerutsa mashoko acho here? Kwete, nekuti kuenzaniswa kwemashoko acho echiGerman neechiNgezi kunoratidza kuti izvi handizvo. Sezvinooneka, mafungire akapesana akanga akavakirwa pamaonere evamwe vakanga vasina kubatanidzwa zvakananga nekugadzirirwa kwe“Kuzivisa.” Mhedziso dzavo dzingagonawo kuva dzakaparirwa neidi rekuti Balzereit akaramba kutenda kwake makore maviri bedzi gare gare.

Zvino zvinozivikanwa kuti kurambidzwa kweZvapupu zvaJehovha muGermany kwakanga kwaitwa paChitanhatu, 24 June, 1933, zuva rimwe bedzi kokorodzano yeBerlin isati yaitwa. Varongi vekokorodzano nemapurisa vakaziva nezvekurambidzwa uku mazuva mashomanene gare gare. Kuchirangarirwa kusagadzikana neruvengo rwaiva pachena rwevamiririri veNazi, zvinoshamisa kuti kokorodzano yacho yakatombobvira yaitwa. Hakusi kuwedzera kutaura kuti Zvapupu 7 000 zvakaisa rusununguko rwazvo mungozi kupfurikidza nokupinda kuungana kwacho.

Pashure pekokorodzano yacho, Zvapupu zvakaparadzira makopi a“Kuzivisa” ane mamiriyoni 2,1. Zvimwe Zvapupu zvakasungwa nekukurumidza ndokuendeswa kumisasa yebasa. Nokudaro, hurumende yeNazi yakaratidza zvakazara chimiro chayo chinodzvinyirira, chemasimba masimba uye nokukurumidza ndokuvamba kurwisa boka duku iri revaKristu.

Purofesa Christine King akanyora kuti: “Simba reumhuka raisagona kumisa Zvapupu, vaNazi vaizoziva kudaro.” Zvakanga zvakaita semataurire akaita “Kuzivisa” kuti: “Simba raJehovha Mwari iguru zvikurusa uye hapana simba rinogona kumudzivisa richibudirira.”a

[Mashoko Omuzasi]

a Nzvimbo haitibvumiri kugovera nhoroondo yakazara yenhau iyi. Zvisinei, ndandanda yakakwana yenongedzero inowanika kana ikakumbirwa kuvabudisi. Ungagonawo kuwana zvichijeka kuona kaseti yevhidhiyo ine mashoko ezvakaitika inonzi Jehovah’s Witnesses Stand Firm Against Nazi Assault.

[Mufananidzo uri papeji 13]

Mifananidzo chaiyoiyo yekokorodzano yakapindwa neZvapupu zvaJehovha muna 1933 paTennishallen

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe