Terevhizheni—Ine Ngozi Zvakadini?
PANA 18 December, 1997, misoro yepepanhau yakashuma kuti mufananidzo unosetsa weterevhizheni wakanga warwarisa vakawanda muTokyo, Japan. Mazana akaendeswa kuchipatara. Vamwe vana vakarutsa ropa uye vamwe vaidonha kana kuti vakafenda,” yakashuma kudaro The New York Times. “Vanachiremba nenyanzvi dzekushanda kwepfungwa vanonyevera kuti chinoitika ichi chiyeuchidzo chakasimba chekuti vana vanogona sei kutapurwa nezvimwe zvinhu zvakati zvinoratidzwa paterevhizheni.”
Daily News yeNew York yakati: “Japan yakabatwa nekutya nezuro pashure pekunge chikara chinofamba chepaTV chapenyesa maziso acho matsvuku uye mazana evana akadonha achigwinha munyika yose.
“Vanoda kusvika vana 600 nevakuru vashomanene vakakurumidza kuendeswa kumakamuri ekurumidziro Chipiri manheru pashure pekuona . . . mufananidzo unosetsa weTV.” Vamwe vakapiwa mubhedha mumakamuri evanorwara zvakakomba, nezvinetso zvekutadza kufema.
Yukiko Iwasaki, mai veane makore masere okukura, vakatsanangura kuti: “Ndakavhunduka kuona mwanasikana wangu achifenda. Akatanga kufema bedzi pandakamurova kumusana.”
Vabudisi vemapurogiramu evana eterevhizheni vakatadza kutsanangura kuti mutoo wekufambisa nawo mifananidzo wavanoti wakanga washandiswa “kane zana” waigona sei kuparira kudavidza kune ngozi, kune masimba masimba kwakadaro.
Vachiziva tapuro dzine ngozi dzekuona terevhizheni dzakadaro, vamwe vabereki vakadzora nekungwarira kuonwa kweTV kana kuti vakatobvisa TV mumusha mavo. Mumwe mubereki muAllen, Texas, U.S.A., akataura kuti TV isati yabviswa mumusha mavo, vana vake “vaigona kuisa ngwariro pachinhu chimwe chete kwenguva pfupi pfupi, kusatana kutapurika, kusabatira pamwe, uye kufinhwa kwakakomba.” Akapfuurira kutsanangura kuti: “Nhasi, anenge wese wevana vedu vashanu—avo vane zera remakore ari pakati pa6 kusvika ku17—igiredhi A chairo revadzidzi. Vasiya TV, vakakurumidza kutanga kufarira zvinhu zvakasiyana-siyana kubatanidza mitambo, kurava, kudhirowa, makombiyuta, zvichingodaro.
“Chimwe chinhu chisingakanganwiki chakaitika anenge makore maviri apfuura. Mwanakomana wangu, ipapo aiva nemakore mapfumbamwe, akabva kupati yeshamwari yaiitwa pungwe, achiuya kumba . . . Pandakanyatsomuongorora ndokubvunza chaiva chinetso, akati, ‘Iri kufinha kwazvo. Zvavari kuda kungoita chete kugara vachiona TV!’”