Chisarudzo Changu Pakati Pavanababa Vaviri
“Hausisirizve mwanakomana wangu! Ibva pamba pano nokukurumidza, uye usadzoka kusvikira wasiya rudzidziso irworwo!”
NEMBATYA dzandakanga ndakapfeka chete, ndakabva. Mabhomba aiputika makapoteredza nharaunda yacho usiku ihwohwo, uye ndaisaziva kwekuenda. Anopfuura makore matanhatu akapfuuraa ndisati ndadzokera kumusha.
Chii chingagona kutsamwisa baba zvakadaro zvokuti vangadzinga mwanakomana wavo? Zvisinei, regai nditsanangure kuti zvose zvakatanga sei.
Kukurira Munyika Yakazara Ruvengo
Vabereki vangu vanogara muBeirut, Lebanon, nyika yakanga yakambokurumbira senzvimbo inokwezva vashanyi. Kubvira muna 1975 kusvikira muna 1990, zvisinei, guta racho raiva nzvimbo yehondo inoparadza. Ndakaberekwa mugore ra1969, dangwe mumhuri yechiArmenia ine vana vatatu. Naizvozvo, yeuko dzangu dzepakuvamba ndedzenguva dzerugare.
Vabereki vangu vaiva veArmenian Apostolic Church, asi Amai vaienda nesu kuchechi kaviri bedzi pagore—paIsita neKisimusi. Naizvozvo mhuri yedu yakanga isiri chaizvoizvo yerudzidziso. Kunyange zvakadaro, ndakaendeswa kuchikoro chepamusoro cheEvangelical, uko ndakawana murayiridzo werudzidziso. Panguvayo, handina kumbofarira rudzidziso.
Chimwe chinhu icho vaArmenia vakawanda vakadzidzira muuhwana kuvenga vaTurk. Mukati meHondo Yenyika I, vaTurk vakanga vaponda mazana ezviuru zvevaArmenia uye vakanga vatora chikamu chikurusa chenyika yeArmenia. Muna 1920 rutivi rwekumabvazuva rwakasara rwakava repabhuriki yeSoviet Union. Sepwere, ndakanga ndakatsunga kurwa kuti ndione kuti ruramisiro yaitwa.
Kuchinja Mafungire
Zvisinei, muma1980, apo ndakanga ndiri pakati pezera rekuyaruka, zvinhu izvo sekuru vangu vakandiudza zvakatanga kuchinja mafungire angu. Vakataura kuti Mwari Wamasimba ose aizokurumidza kugadzirisa kusaruramisira kwose. Vakatsanangura kuti kupfurikidza neUmambo uhwo Jesu Kristu akanga adzidzisa vateveri vake kunyengeterera, kunyange avo vakapondwa mukuuraya kwemapoka vaizomutsirwa kuupenyu pasi pano.—Mateo 6:9, 10; Mabasa 24:15; Zvakazarurwa 21:3, 4.
Ndakanakidzwa. Ndichida kunzwa zvakawanda, ndakapfuurira kuvabvunza mibvunzo. Izvi zvakatungamirira kufundo yeBhaibheri, iyo yaiitirwa mumusha wechimwe Chapupu.
Sezvo ndakadzidza pamusoro paBaba vangu vekudenga, Jehovha, uye ndakasvika pakunyanya kuvada, ndakatanga kutya kuti rimwe zuva ndaizotarisana nechisarudzo chakaoma—chokusarudza pakati pemhuri yangu naJehovha Mwari.—Pisarema 83:18.
Chisarudzo Chakaomera Munhu Ane Makore 17
Pakupedzisira, Amai vakanzwa pamusoro pekubatanidzwa kwangu neZvapupu zvaJehovha. Vakagumbuka zvikuru ndokundirayira kuti ndirege kufunda Bhaibheri. Apo vakaziva kuti ndairangarira zvitendero zvangu nenzira yakakomba, vakatyisidzira kuti vaizoudza baba. Panguvayo, handina kuita basa nazvo nokuti ndakafunga kuti ndaizokwanisa kubata nemamiriro acho ezvinhu ndokuzvipindurira kuna Baba. Asi ndakanga ndakanganisa kufunga.
Apo Baba vakaziva kuti ndakanga ndichisonganirana neZvapupu zvaJehovha, vakapenga. Vakatyisidzira kundidzinga pamba kana ndaisazorega kufunda kwangu Bhaibheri. Ndakavaudza kuti ndakanga ndisiri kuzoirega nokuti zvandakanga ndichidzidza chaiva chokwadi. Pashure pekunge kukarara, kuzhamba uye kutuka zvapera, vakatanga kuchema semwana. Vakandikumbira zvakananga kurega kusonganirana neZvapupu.
Ndakashaya zvokusarudza mundangariro, ndakashaya wokusarudza pakati pavanababa vaviri—Jehovha naivo. Ndaiziva kuti vose vari vaviri vaindida zvikuru kwazvo, uye ndaida kugutsa vose vari vaviri; asi zvairatidzika sezvisingabviri. Dzvinyiriro yacho yaive yakapfuura yandaigona kushivirira. Ndakaudza Baba kuti ndaizoita zvavaida, ndichirangarira kuti ndaizotangazve kufunda kwangu ndokuva Chapupu pandaizova ndati kurei. Ndakanga ndine makore 17 bedzi ipapo.
Mukati memazuva akatevera, ndakanyara nezvandakanga ndaita. Ndakarangarira kuti Jehovha akanga asiri kufara uye kuti ndakanga ndisina kuvimba nemashoko ewezvamapisarema Dhavhidhi, uyo akati: “Nokuti baba vangu namai vangu vakandirasha, asi Jehovha uchandigamuchira.” (Pisarema 27:10) Asi ndakanga ndichiri muchikoro chepamusoro, uye vabereki vangu vakanga vachibhadhara ndyiko dzedzidzo yangu.
Kumira Kwakati Simbei
Kwemakore anopfuura maviri, handina kushanyira sekuru vangu kana kuti kuonana kupi nekupi neZvapupu, sezvo ndaiziva kuti vabereki vangu vakanga vachiongorora mafambire angu ose. Rimwe zuva muna 1989, pazera remakore 20, ndakasangana neChapupu chandaiziva. Nemutsa zvikuru chakandibvunza kana ndaida kuchishanyira. Sezvo chisina kududza chinhu chipi nechipi pamusoro pekufunda Bhaibheri, pakupedzisira ndakaenda kunochiona.
Pashure penguva yakati, ndakatanga kufunda Bhaibheri nekupinda misangano yeZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo. Ndaifundira kubasa, kusina munhu aigona kundidzongonyedza. Semugumisiro, ndakasvika pakunzwisisa zviri nani unhu hwerudo hwaJehovha pamwe chete nenzwisiso iri nani yekukosha kwekuva uye kuchengeta ukama hwepedyo naye mumamiriro ezvinhu api neapi. Muna August wegore rimwe chetero, ndakatotanga kugoverana nevamwe zvandakanga ndadzidza.
Kusvika panguvayo mhuri yangu hapana chayaiziva. Mazuva mashomanene gare gare, zvisinei, baba vangu neni takanga tamirisanazve, asi nguva ino ndakanga ndagadzirira zviri nani nokuda kwekurwisana kwacho. Vakaedza kubvunza nounyoro kuti: “Mwanangu, ichokwadi here kuti uchiri kusonganirana neZvapupu zvaJehovha?” Misodzi yakanga iri mumaziso avo sezvo vaimirira mhinduro yangu. Amai vangu nehanzvadzi vakanga vachichema chinyararire.
Ndakatsanangura kuti ndakanga ndichisonganirana neZvapupu bedzi chibviro chenguva pfupi yakanga yapfuura uye kuti ndakanga ndatsunga kuva mumwe wavo. Pakunzwa izvozvo, zvinhu zvakaitika nekukurumidza zvikuru. Baba vakadaidzira mashoko aye anowanika pamavambo penyaya ino. Ipapo vakandibata ndokudaidzira kuti vakanga vasiri kuzondirega ndichibuda mumba ndiri mupenyu. Ndakakwanisa kuzvipukunyutsa, uye sezvo ndaimhanya ndichidzika masitepisi, ndakanzwa munin’ina wangu achiedza kunyaradza Baba. “Kubva zvino zvichienda mberi mava Baba vangu,” ndakanyengetera kudaro kuna Jehovha. “Ndakusarudzai, naizvozvo ndapota nditarisirei.”
Zvirango
Mazuva mashomanene gare gare, Baba vakaenda kumba kwasekuru vangu, vachifunga kuti vaizondiwana ikoko. Vakavarwisa uye vaida kuvauraya, asi zvimwe Zvapupu zvakanga zvashanya zvakapindira. Baba vakabva, vachivimbisa kudzoka. Pashure penguva pfupi vakadzoka, vachiperekedzwa nevarwi vane pfuti. Vakaenda neZvapupu zvacho nasekuru vangu, avo vakanga vachirwara zvikuru kudzimbahwe ravo remauto.
Pashure kutsvakwa kwezvimwe Zvapupu kwakatangwa munharaunda yacho. Imba yechimwe chazvo yakavhozhokerwa. Mabhuku, kubatanidza maBhaibheri, zvakaunganidzwa mumugwagwa ndokupiswa. Asi zvakanga zvisiri zvoga. Zvapupu zvitanhatu zvakasungwa pamwe chete nevamwe vanhu vaidzidza bedzi nazvo. Vose vakaiswa mukamuri duku, vakabvunzurudzwa, uye ipapo vakarohwa. Vamwe vakapiswa nemidzanga. Mashoko pamusoro pezvinoitika izvi akapararira semoto wesango munharaunda yacho. Varwi vakanga vachinditsvaka kwese kwese. Baba vangu vakavakumbira kuti vandiwane voita kuti ndichinje pfungwa dzangu, pasinei zvapo nemutoo wavaishandisa.
Mazuva mashomanene gare gare, varwi veuto vakapinda nechisimba muHoro yoUmambo, umo imwe yeungano yaiita musangano. Vakaita kuti ungano yose—varume, vakadzi, uye vana—vabude muhoro. Vakatora maBhaibheri avo ndokuita kuti vafambe kuenda kudzimbahwe remauto, uko vakabvunzurudzwa.
Kutizira kuGreece
Nguva yose iyi, ndakanga ndichitarisirwa neimwe mhuri yeZvapupu kure nenzvimbo yaiva nenyonga nyonga. Mwedzi mumwe gare gare ndakabva munyika ndichienda kuGreece. Pakusvikako, ndakatsaurira upenyu hwangu kuna Jehovha Mwari uye ndakabhabhatidzwa muchiratidzo chetsauriro yangu.
MuGreece ndakaona kuitira hanya kwerudo kweukama hwemudzimu kwaibatanidza vanhu vemarudzi akasiyana-siyana—kubatanidza vaTurk. Ndakaona chokwadi chemashoko aJesu anoti: “Hakuna munhu wakasiya imba, kana vanun’una, kana hanzvadzi, kana mai, kana baba, kana vana, kana minda, nokuda kwangu nokweEvhangeri, usingazopiwi zvine zana nenguva ino, dzimba navanun’na, nehanzvadzi, namadzimai, navana, neminda, pamwe chete nokuvengwa, noupenyu husingaperi.”—Marko 10:29, 30.
Kwemakore matatu akatevera, ndakagara muGreece. Kunyange zvazvo ndakanyorera Baba kanoverengeka, havana kumbopindura. Ndakazoudzwa gare gare kuti pose paishanya shamwari nokuvabvunza nezvangu, vaiti: “Handina mwanakomana ane zita iroro.”
Kubatanidzwazve Pashure Pemakore Matanhatu
Ndakadzoka kuzogara muBeirut muna 1992, pashure pekunge hondo yapera. Kupfurikidza neshamwari ndakazivisa baba vangu nezvechishuvo changu chokudzoka kumusha. Vakapindura kuti ndaizogamuchirwa—asi bedzi kana ndasiya kutenda kwangu. Naizvozvo ndakagara mufurati rekurenda kwemakore matatu aitevera. Ipapo, muna November 1995, Baba kamwe kamwe vakasvika pabasa pangu ndokukumbira kundiona. Ndakanga ndisipo panguvayo, naizvozvo vakasiya shoko rokuti vaida kuti ndiuye kumba. Pakutanga zvakandiomera kudavira. Naizvozvo, ndichizeza zvikuru, ndakaenda kunovaona. Kwaiva kubatanidzwazve kwakazara nemirangariro. Vakataura kuti vakanga vasisina basa nokuva kwangu Chapupu uye kuti vaida kuti ndiuye kumba!
Nhasi ndinobatira semukuru wechiKristu uye mushumiri wenguva yakazara muungano inotaura chiArmenia. Ndinowanzosangana nevanhu vakafanana nababa vangu vanoshora mitezo yemhuri nokuti inoda kubatira Jehovha. Ndinoziva kuti Baba zvechokwadi vaidavira kuti vakanga vachiita chinhu chakarurama kupfurikidza nekushora kunamata kwangu. Bhaibheri rinotogadzirira vaKristu kupfurikidza nekutaura kuti vanogona kukarira kushorwa nemhuri.—Mateo 10:34-37; 2 Timotio 3:12.
Ndinovimba kuti rimwe zuva baba vangu nevamwe vemhuri yangu vasara vachagoverana tariro yangu yeBhaibheri yenyika iri nani iri kuuya. Ipapo pachave pasisinazve hondo kana kuti kupondwa kwemapoka, uye vanhu havachazodzingwizve munyika dzavo kana kuti kutambudzirwa kururama. (2 Petro 3:13) Uye ipapo vanhu havachazofaniri kuita chisarudzo pakati pezvinhu zviviri zvepamwoyo pavo.—Yakagoverwa.