Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kudzivisa Kuvhiringidzwa Neshamwari Yangu?
“Shamwari yangu yaiita sokunge kuti yaiva muridzi wangu. Yaisandipa mukana wokuva ndoga.”—Hollie.
“ASI shamwari iriko inonamatira kupfuura hama,” chinodaro chirevo chokuchenjera. (Zvirevo 18:24) Uye kana une shamwari inogoverana zvitendero zvako, kusetsa kwako, kana kuti fariro, nenzira yomuzvarirwo munoda kuva pamwe chete. Imwe pwere inonzi Caroline inoti: “Ushamwari hwangu hwapedyo nevamwe vari muungano yechiKristu mugumisiro wokutora rutivi kwedu mumibato pamwe chete.” Somumwe weZvapupu zvaJehovha, Caroline akatsaura mwedzi waakaronga kupedzera maawa 60 mubasa rokuparidza evhangeri. Shamwari dzake dzakaronga marudungwe adzo kuti dzimutsigire muiri basa!
Asi nepo kuva pamwe chete kune betsero dzako, pane dzimwe nguva kunogona kunzwika kuva kunonyanyisa. Hollie, anokorwa mashoko pakuvamba, anonzwa achivhiringidzwa neimwe yeshamwari dzake. Uye haasiri oga mukunzwa neiyi nzira. Hollie anoti: “Ikoku kunoratidzika kuva kunoitika kune vamwe vechidukuwo. Vanowanzova pamwe chete zvakanyanyisa kusvikira pava nekakavadzano huru. Panguva iyoyo havataudzani kwamavhiki.”
Chinetso ndechokuti, kuudza shamwari kuti unonzwa uchivhiringidzwa uye kuti unoda mukana wokuva woga hakusi nyore. Ungatya kuti uchakuvadza mirangariro yeshamwari yako. Ungatyawo kuti uchaisa ukama hwenyu mungozi. Zvisinei, kuisa chitsama chine mufungo chemukana muushamwari kungatobetsera zvikuru kupfuura kukuvadza.
Kuenzanisira: Mubindu ravose muSydney, Australia, muti mukuru waifanira kukomberedzwa newaya. Nemhaka yei? Nemhaka yokuti mapoka makuru avashanyi pashoma napashoma aitsindira ivhu achikuvadza midzi. Kudai usina kudzivirirwa, muti wacho ungadai wakafa. Zvimwe chetezvo zvinogona kuva zvechokwadi nezvoushamwari. Kuva pamwe chete zvakanyanyisa kunogona kukuvadza ushamwari. Mambo Soromoni akanyora kuti: “Rutsoka rwako ngarurege kuwanza kupinda paimba yowokwako, arege kuzoneta newe akakuvenga.”—Zvirevo 25:17.
Kudikanwa Kwenguva Yomunhu Oga Nokuva Woga
Nei Soromoni akataura izvi? Chikonzero chimwe ndechokuti, tose zvedu tinoda nguva yomunhu oga nokuva woga. Kunyange Jesu Kristu aida zvakadaro. Kunyange zvazvo aiva pedyo navadzidzi vake, nguva nenguva aienda “ari oga kundonyengetera.” (Mateo 14:23; Marko 1:35) Isaka aitya Mwari nenzira yakafanana akawana nguva yokuva oga. (Genesi 24:63) Iwewo unoda mwero wakati wenguva yomunhu oga kuti uite zvinhu zvakadai sebasa rinoitirwa kumba, mabasa, uye fundo yako yomunhu oga yeBhaibheri. Uye kana shamwari dzako dzikaratidza kusarangarira kupfurikidza nokufuratira zvinodikanwa zvako muna ikoku, pfundepfunde inogona kusatana kumuka.
Usatya, panguva iyoyo, kuita kuti shamwari izive apo unoda nguva yokuti uve woga. Sezvo rudo rwechiKristu rusinga“zvitsvakiri zvarwo,” shamwari yechokwadi nguva dzose ichaedza kuva inonzwisisa. (1 VaKorinte 13:4, 5; Zvirevo 17:17) “Mukati menhambo yakatungamirira kubvunzo dzangu dzokupedzisira,” inonyora kudaro imwe pwere, “shamwari dzangu dzaitsigira zvikuru uye dzainzwisisa. Ndainzwa ndakasununguka kudzikumbira kuenda apo ndaida nguva yekufunda. Kuva akatendeseka kushamwari dzangu kuri nyore; dzinoziva kuti tose zvedu tine mabasa.”
Chokwadika, Muitiro Wakanaka unoda kuti upe rangariro yakafanana kushamwari dzako. (Mateo 7:12) Muduku anonzi Tamara anonyora kuti: “Kuva kwangu namabasa akawanda kwakandiita chaizvoizvo anongwarira zvikuru kuda kweshamwari yangu nguva yokuva yoga.” Uye apo Tamara anova namabasa pamba, shamwari dzake hadzimukurudziri kuaita nechimbichimbi kana kuti kuasiya kusvikira gare gare. Panzvimbo pezvo, Tamara anoti, “kazhinji kazhinji vachandibetsera kuita basa rangu kuitira kuti tigogona kuita zvinhu pamwe chete pashure pacho.” Shamwari dzisina udyire dzakadaro dzinokosha zvakadini—uye kushandiswa kwenguva pamwe chete kwakafanira kwakadini!
“Mukuriswe”
Pane chimwe chikonzero nei kuri kuchenjera kuisa mukana muushamwari. Patinoisa nguva yedu yose nemurangariro muushamwari humwe bedzi, tingaregeredza humwe ukama hunokosha—zvakadai seukama hwedu navabereki vedu navatevedzani uye navamwe vaKristu. Tinoganhurirawo zvikuru kukura kwemirangariro yedu nekwomudzimu. Bhaibheri rinoti: “Simbi inorodza simbi; saizvozvo munhu unorodza chiso cheshamwari yake.” (Zvirevo 27:17) Sezviri pachena, kunongova no‘kurodza’ kwakaganhurirwa kwaunogona kuwana kupfurikidza nokusonganirana nomunhu mumwe chete—zvikurukuru apo iyeyo anenge ari muenzani.
Naizvozvo Bhaibheri harikurudziri kuva anowirirana neboka rimwe, akaganhurirwa kuboka rakati muchisarudzo chedu cheshamwari. Rinotikurudzira kuti “mukuriswe.” (2 VaKorinte 6:13) “Kunyange kana uine ukama chaihwo,” rinopa zano kudaro bhuku rinonzi Moods and Feelings, “kunokosha kuwana nguva yokuona dzimwe shamwariwo.”
Zano rakadaro harisi nyore kushandisa nguva dzose. Imwe pwere yechiKristu inonzi Michael inoti: “Troy neni taisiita zvinhu zvose pamwe chete, mose muri muviri muungano nemunzanga. Taiva tisingaparadzani. Ipapo chimwe Chapupu chiduku chakatamira muungano. Iye neni taida kubatira pamwe chete savaparidzi veevhangeri venguva yakazara, nokudaro takavamba kupedza nguva tiri pamwe chete.” Mugumisiro wacho? “Troy akarega kutaura neni,” anodaro Michael, “uye pashure pokuita nhamburiko dzisina kubetsera dzokururamisa zvinhu, ndakarega kutaura naye.” Izvozvi zvakapfuurira kwegore. Anorondedzera ushamwari hwavo kuva “hune udyire.”
Muukama hwakanaka, zvisinei, shamwari hadzionani sevaridzi vemumwe nemumwe. Nokudaro kana shamwari ikabvumikisa kuva inodzivisa nhamburiko dzako dzokukura, unofanira kuva nekurukurirano yakananga. Zvichida shamwari yako inongoda zvayo vimbiso yokuti uchiri anokoshesa ushamwari hwake. Jekesa kuti muchapfuurira kuita zvinhu pamwe chete.
Sezvinobvumwa, kungatora nguva yakati kuti shamwari yako ichinjire kupfungwa yacho. Zaneta ane makore gumi namatanhatu okukura, somuenzaniso, akanzwa marwadzo eshanje apo shamwari yake yapedyo yakavamba kupedza nguva ine vamwe. Asi Zaneta anotaura kuti akakurira mirangariro iyi, “nemhaka yomunyengetero nefundo yomunhu oga yeBhaibheri.” Nokudaro akakwanisa kuchengeta ushamwari hwapedyo neshamwari yake. Shamwari yaMichael Troy yakakwanisawo kukurira shanje dzayo dzapakutanga, uye vakava shamwari dzakanaka zvakare. Zvichida shamwari yako ichaita nenzira yakafanana. Chaizvoizvo, pakupedzisira kukura kunobetsera vose vanobatanidzwa. Debbie ane makore gumi namanomwe okukura anowana kuti apo shamwari dzake dzinoita shamwari itsva, “kazhinji kazhinji dzinova shamwari dzanguwo.”
Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana shamwari yako ikangoramba zvayo kugamuchira idzi chinjo muukama hwenyu? Kungava kuti hausati uchizova nechisarudzo kunze kwokuparadzana. Zvisinei, usati wagumisa kuti hapachisina betsero, kuregererei kukumbira mirangariro yavabereki vako panhau yacho? Pashure pezvose, vabereki vanotya Mwari chaizvoizvo ndidzo shamwari dzako dzapedyosa. Uye vangava nezvikarakadzo zvinoshanda zvinogona kukubetsera kuponesa ushamwari pasina kubvumiranisa pane zvisina kufanira kuda kwako mukana.
Pedza Nguva Une Shamwari Dzakarurama
Shoko renyevero: Kukura hakurevi kuva asingasarudzi muchisarudzo chako cheshamwari. Bhuku rinotaura pamusoro poushamwari rinoti: “Ndokwomuzvarirwo kuva savanhu vaunopedza nguva yakawanda uinavo. Pane dzimwe nguva ikoku kunogona kuitika usingazivi. Ungavamba kufunga uye kuita savaenzani vako pasinei zvapo namanzwire aungaita. Neiyi nzira, boka ravaenzani vako ringakudzora.” Bhaibheri rakataura pfungwa imwe cheteyi zviuru zvamakore zvapfuura apo rakati: “Fambidzana navakachenjera, ugova wakachenjerawo; asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.”—Zvirevo 13:20.
Apo unenge uri pachikoro kana kuti pabasa, ungafanira kupedza nguva navanhu vasingafariri kubatira Jehovha. Asi pakusarudza shamwari dzapedyo, yeuka zano reBhaibheri: “Shamwari dzakashata dzinoparadza tsika dzakanaka.”—1 VaKorinte 15:33, Today’s English Version.
Yeukawo, kuti chinokosha zvikuru kupfuura ushamwari hupi nohupi hwavanhu ushamwari hwako noMusiki wedu, Jehovha Mwari. Debbie, anokorwa mashoko pakuvamba, ane shamwari dzakanaka dzakati kuti. Asi zano rake ndereku“va nechokwadi kuti Jehovha nguva dzose anouya pakutanga.” Abrahama akatendeka wekare akadaro, uye Jehovha akamudana zvikurukuru kuti “shamwari yangu.” (Isaya 41:8) Uye rangarira izvi: Jehovha haanzwi godo nokupa kwako nguva kushamwari dzako idzo dzinomudawo; kutaura idi, anokukurudzira. Ishamwari yechokwadi yakadini!
[Mufananidzo uri papeji 17]
Shamwari dzechokwadi dzinoziva kuda kwomumwe nomumwe nguva yokuva oga