Nguva Yemberi Inei Nokuda Kwavakadzi?
“NHAU yorudzi rwomunhu inhau yokugarokuvadzwa nokubatwa nesimba kwevakadzi nevarume.” Ndizvo zvakanyorwa muSeneca Falls, New York, Kuziviswa Kwemirangariro, kwakanyorwa muAmerica makore 150 akapfuura sokuramba kusaruramisira kwaiitirwa vakadzi.
Kufambira mberi pasina mubvunzo kwakaitwa kubvira ipapo, sokutaura kunoita chinyorwa cheSangano Romubatanidzwa Wenyika Dzapasi Pose chinonzi The World’s Women 1995, pachine mufambo. “Kazhinji kazhinji, vakadzi nevarume vanogara munyika dzakasiyana,” chinoshuma kudaro, “nyika dzakasiyana pakuwana mikana yedzidzo nebasa, uye muutano, mukuchengeteka kwomunhu oga uye nguva yenhandaro.”
Kuwedzera kuziva izvi kwakatungamirira dzimwe nyika kuita mitemo inodzivirira kodzero dzevakadzi. Asi mitemo haigoni kuchinja mwoyo, mune midzi yekusaruramisira nerusaruro. Somuenzaniso, rangarira mamiriro ezvinhu akaipa evasikana pfambi. Newsweek yakati pamusoro pechiseko chenyika yose ichi: “Kuisa mutemo wakananga kumisa kudzvinyirira vana muvatano kwakanaka asi kazhinji kazhinji hakushandi.” Nenzira yakafanana, mutemo pachawo haudziviriri masimba masimba. “Ufakazi hunoratidza masimba masimba anoitirwa vakadzi kuva chinetso chakapararira chenyika yose,” inodaro Human Development Report 1995. Mitemo mizhinjisa haina kukwana kuti imise masimba masimba akadaro—kutoti mitemo yetsika nenzanga iripo zvino ikachinja.”—Kutsveyamiswa kwemashoko ndokwedu.
“Mitemo yetsika nenzanga” kazhinji kazhinji yakavakirwa pagamuchidzanwa rakadzika midzi—chiri chinhu chakaoma zvikuru kuchinja. “Gamuchidzanwa rinoita kuti varume vafunge kuti vakadzi vanofanira kushandiswa panzvimbo pokudiwa, kudzvinyirirwa panzvimbo pokutarisirwa,” anodaro mumwe mukadzi wokuMiddle East. “Somugumisiro, mukadzi haatauri chinhu, haana kodzero, uye haana kana mukana wokuvandudza nawo mamiriro ake ezvinhu.”
Kudzidzisa Varume uye Madzibaba
Inonzi Platform for Action yakakarakadzwa muBeijing, China, nemusangano wenyika yose wevakadzi wa1995 yakazivisa kuti “chiito chokukurumidza uye chinobvumiranwa navose” bedzi chinogona kuita “nyika ine rugare, ine ruramisiro uye ine unhu” umo vakadzi vacharemekedzwa.
Chiito chipi nechipi chokuita kuti upenyu hwevakadzi huwedzere ‘kuva norugare, ruramisiro, uye unhu’ chinofanira kuvambira kumba, nevarume nemadzibaba. Munhau iyi, Zvapupu zvaJehovha zvinopwiswa kuti dzidzo yeBhaibheri ndiyo kiyi yokubudirira. Vakaona kuti kana varume vangodzidza chete kuti Mwari anovakarira kubata vadzimai vavo nevanasikana norukudzo nokurangarira, vanozviisa mumwoyo ndokuzviita.
MuCentral Africa, Pedro, murume akaroora ane vana vana, zvino ave kuteerera zvinodikanwa nemudzimai wake. Anomubetsera kutarisira vana, uye anotouyisa zvokudya apo vaenzi vanodya nemhuri. Maitiro okurangarira akadaro haawanzoitika zvikuru munyika yake. Chii chinomuitisa kuti akoshese mudzimai wake nokubatira pamwe naye?
“Pandakavamba kufunda Bhaibheri, ndakadzidza nheyo mbiri dzinokosha pamusoro pebasa romurume,” Pedro anotsanangura. “Dzakave netapuro huru zvikuru pamusoro penzira yandinoona nayo mudzimai wangu. Yokutanga, iri pana 1 Petro 3:7, inotsanangura kuti murume anofanira kupa mudzimai wake rukudzo se“mudziyo une simba duku.” Yechipiri, iri pana VaEfeso 5:28, 29, inotaura kuti murume anofanira kubata mudzimai wake ‘somuviri wake pachake.’ Kubvira pandakatevera zano iroro, takarovedzana zvikuru. Naizvozvo isu varume tinofanira kukoshesa zvikuru zano raMwari kupfuura tsika dzomunzvimbomo.”
Michael, anobva kuWest Africa, anobvuma kuti asati avamba kufunda Bhaibheri neZvapupu, aisabata mudzimai wake zvakanaka. “Ndaitowanzomurova pandinenge ndatsamwa,” anoreurura kudaro. “Asi Bhaibheri rakandidzidzisa kuti ndinofanira kuchinja nzira dzangu. Zvino ndinoedza zvikuru kudzora hasha dzangu uye kuda mudzimai wangu somuviri wangu pachangu. Uye tose tiri vaviri tava kufara.” (VaKorose 3:9, 10) Mudzimai wake, Comfort, anobvuma kuti: “Zvino Michael anondibata norukudzo zvikuru nechidakadaka kupfuura zvinowanzoitwa nevarume vazhinjisa vari munzanga yedu. Tinogona kutaura nezvezvinetso zvedu ndokushanda pamwe chete seboka.”
Pedro naMichael vakadzidza kuremekedza nokuchengeta vadzimai vavo nemhaka yokuti vakaisa mumwoyo mirayiridzo inobva muShoko raMwari, rinojekesa kuti kusaruramisira vakadzi hakufadzi Musiki wedu zvikuru.
Kuitira Hanya Vakadzi kwaMwari
Mwari ave achiitira hanya nguva dzose vakadzi negarikano yavo. Kunyange zvazvo akataurira vabereki vedu vokutanga kuti nemhaka yokumukira kwavo, kusakwana kwaizotungamirira kuti vakadzi ‘vadzvinyirirwe,’ iri harina kumbova donzo raMwari. (Genesi 3:16) Akanga asika Evha se“mukwanisi” waAdhama uye seshamwari yake. (Genesi 2:18) MuMutemo waMosesi, wakapiwa kuna Israeri wekare, Jehovha akashora zvakananga kubatwa zvisina kufanira kwechirikadzi ndokurayira vaIsraeri kudzibata nomutsa nokudzibetsera.—Eksodho 22:22; Dheuteronomio 14:28, 29; 24:17-22.
Jesu, mukutevedzera Baba vake vokudenga, haana kutevera gamuchidzanwa rakanga rakapararira romuzuva rake raideredza vakadzi. Aitaura nevakadzi nomutsa—kunyange avo vaiva nomukurumbira wakaipa. (Ruka 7:44-50) Uyezve, Jesu akafara kubetsera vakadzi vaiva nezvinetso zvoutano. (Ruka 8:43-48) Pane imwe nhambo, apo akaona imwe chirikadzi ichichema mwanakomana wayo mumwe bedzi akanga achangobva kufa, akakurumidza kuenda kumudungwe wemariro ndokumutsa jaya racho.—Ruka 7:11-15.
Vakadzi vakanga vari pakati pevadzidzi vaJesu vepakuvamba uye vakanga vari ivo vakatanga kuona rumuko rwake. Bhaibheri rinorumbidza vakadzi vakadai saRidhia, Dhokasi, uye Priska semienzaniso yemutsa, tsitsi, uye ushingi. (Mabasa 9:36-41; 16:14, 15; VaRoma 16:3, 4) Uye vaKristu vepakuvamba vakarovedzwa kuratidza vakadzi ruremekedzo. Muapostora Pauro akataurira mumwe mufundisi biyake Timotio kubata “vakadzi vakuru sanamai, navaduku sehanzvadzi nokuchena kwomoyo kwose.”—1 Timotio 5:2.
Vakadzi Vakawana Ruremekedzo
Kana uri murume wechiKristu, ucharatidza ruremekedzo rwakafanana kuvakadzi. Hauzomboshandisi gamuchidzanwa sechikonzero chokuvabata zvisina kufanira. Uyezve, kubata vakadzi noruremekedzo kunogona kupa uchapupu hwakasimba hwokutenda kwako. (Mateo 5:16) Salima, mumwe mukadzi muduku anobva muAfrica, anorondedzera nzira yaakabetserwa nayo nokucherechedza nheyo dzechiKristu dzichishanda.
“Ndakakurira mumhoteredzo umo vakadzi nevasikana vaibatwa zvakaipa. Mai vangu vaishanda maawa 16 pazuva, asi chavaingowana kwaiva kugunun’una kana chimwe chinhu chaisara chisina kuitwa. Chakatoipa zvikuru, baba vangu vaivarova apo vaiyamwisa. Vamwe vakadzi vaiva munharaunda yedu vaitamburawo zvakafanana. Asi ndaiziva kuti kubata kwakadaro kwakanga kusina kururama—kuti kwaizadza upenyu hwedu nokuodzwa mwoyo uye kusafara. Kunyange zvakadaro, kwairatidzika sokwakanga kusina nzira yokuchinja nayo mamiriro ezvinhu aya.
“Apo ndakanga ndichiri wechiduku, zvisinei, ndakavamba kufunda Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha. Ndakaororwa zvikuru apo ndakarava mashoko omuapostora Petro, uyo akataura kuti vakadzi vanofanira kubatwa norukudzo. Asi ndakafunga kuti, ‘Kashoma zvikurusa kuti vanhu vaizoshandisa zano iri, zvikurukuru mukurangarira gamuchidzanwa redu romunzvimbomo.’
“Zvisinei, pandakaenda kuHoro yoUmambo, uko Zvapupu zvaiitira misangano yazvo, varume pamwe chete nevakadzi vakandibata nomutsa. Chinotoshamisa zvikuru, varume vaiva pakati pavo vaiitira hanya vadzimai vavo chaizvoizvo. Pandakasvika pakuziva vanhu vaipapo zviri nani, ndakaziva kuti ichi chakanga chiri chimwe chinhu icho Zvapupu zvose zvaikarirwa kuita. Kunyange zvazvo vamwe varume vakanga vabva mumamiriro ezvinhu ekare akafanana neangu, zvino vakanga vave kubata vakadzi norukudzo. Ndaida kuva rutivi rwemhuri iyi huru.”
Mushonga Wechigarire
Ruremekedzo urwo Salima akacherechedza rwakanga rusiri rwetsaona. Wakanga uri mugumisiro wechirongwa chokudzidzisa, chakavakirwa paShoko raMwari, rinobetsera vanhu kukoshesana sezvinoita Mwari. Ichi chiratidzo chezvinogona kuitwa kunyange zvino uye chezvichaitwa kwose kwose apo Umambo hwaMwari hunodzora pasi pose. (Dhanieri 2:44, Mateo 6:10) Iyi hurumende yokudenga ichabvisa kusaruramisira kwose. Bhaibheri rinotivimbisa kuti: “Nokuti kana kutonga kwenyu [Jehovha] kuri panyika, vanhu vagere munyika vanodzidza zvakarurama.”—Isaya 26:9.
Kunyange zvino, kudzidzisa mukururama kuri kuchinja nzira iyo mamiriyoni evanhu anofunga nayo. Apo vanhu vapenyu vose vanozviisa pasi poUmambo hwaMwari, dzidzo iyi ichapfuurira pasi pose uye ichagumisa kubata vakadzi kwokudzvinyirira kwevarume, mugumisiro wechivi chaAdhama. Jesu Kristu, Mambo akagadzwa waMwari, haasati achizobvumira kusaruramisira vakadzi kuti kukanganise kutonga kwake. Richirondedzera kutonga kwaKristu ikoko, Bhaibheri rinoti: “Nokuti ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi. Uchadzikinura mweya yavo pakutambudzika napakumanikidzwa.”—Pisarema 72:12-14.
Nhevedzano ino yenyaya yapa ngwariro pazvinetso zvevakadzi. Zvisinei, zvinozivikanwa kuti varume vakawandawo vakabatwa zvakaipa. Munhau yose varume vane simba uye vakaipa vakaita zvinotyisa zvisingatauriki kuvarume pamwe chete nevakadzi. Uye vamwe vakadzi vakaita zvakafanana. Somuenzaniso, Bhaibheri rinotaura nezvekuteurwa kweropa risina mhaka nevakadzi vakaipa vakadai saJezebheri, Ataria, uye Herodhiasi.—1 Madzimambo 18:4, 13; 2 Makoronike 22:10-12; Mateo 14:1-11.
Nokudaro, rudzi rwose rwomunhu runoda nyika itsva yaMwari, inodzorwa nokutonga kwoUmambo hwake. Nokukurumidza, apo zuva iroro rinoswedera, hapana vakadzi kana kuti varume vachazombosarurwazve kana kuti kubatwa zvakaipa. Panzvimbo pezvo, zuva rimwe nerimwe richava ro“rugare rukuru” nokuda kwomunhu wose.—Pisarema 37:11.
[Mufananidzo uri papeji 13]
Varume vechiKristu vanotevera nhungamiro dzeBhaibheri uye vanoremekedza nokukudza vadzimai vavo