RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 3/8 pp. 29-31
  • Zvakadini Norudado Rwerudzi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvakadini Norudado Rwerudzi?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Rudado Rwakafanira Rwunorwisana Nerwusakafanira
  • Kwakabva Rudado Rwedzinza
  • Ngano Yokuti Mamwe Marudzi Ari Nani
  • Apo Madzinza Ose Anogara Pamwe Chete Murugare
    Mukai!—1993
  • Kudada Kwakaipa Here?
    Mukai!—1999
  • Mwari ane rumwe rudzi rwaanoda kupfuura mamwe here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mubayiro Wokudada—Wakakura Zvakadini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 3/8 pp. 29-31

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Zvakadini Norudado Rwerudzi?

“Mumwe wevandinoenda navo kuchikoro anotaura nguva dzose nezverudzi noruvara rweganda rwevamwe vanhu,” anodaro Tanya ane makore 17. “Mukurukurirano dzake zhinji, anotaura kuti ari nani kuvapfuura.”

NDEKWOMUZVARIRWO bedzi kudada nemhuri yako, tsika, mutauro, kana kuti kwaunobva. “Ndinobva kuVietnam,” anodaro musikana ane makore 15 anonzi Phung, “uye ndinodada netsika yangu.”

Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyange zvakadaro, rudado rwerudzi rwunoenderana nourudzi. Rudado urwu nokudaro rwunogona kuva gomarara rinokuvadza ukama zvisingaoneki zvishoma nezvishoma, kunyange apo rwunovharwa nokunyepedzera kuva nomutsa. Jesu Kristu akati: “Muromo unotaura zvizere pamwoyo.” (Mateo 12:34) Uye mirangariro yakadzika midzi yokuzviona souri nani kupfuura vose—kana kuti kuzvidza—kazhinji kazhinji inobuda pachena, ichiparira kukuvadzwa nemarwadzo.

Pane dzimwe nguva rudado rwerudzi rwunotova rwune masimba masimba. Mumakore achangobva kupfuura rwakava chisakiso chehondo, bongozozo, uye “kuchenesa rudzi” kwokuuraya. Zvisinei, haufaniri kuona kudeurwa kweropa kuti uone kuipa kworudado rwerudzi. Somuenzaniso, unoona ufakazi hwarwo kuchikoro, kubasa, kana kuti kwaunogara here? “Hongu, zvirokwazvo,” inotsanangura kudaro imwe pwere yechiKristu inonzi Melissa. “Vamwe vandinoenda navo kuchikoro vanoseka vana vanotaura mutauro wedu norurimi rwavo, uye vanoti vari nani kuvapfuura.” Tanya nenzira yakafanana anotaura kuti: “Kuchikoro ndakanzwa vana vachitaura zvakajeka kune vamwe kuti: ‘Ndiri nani panewe.’” Mune kumwe kunzvera kweUnited States, vanoda kusvika hafu vevakabvunzwa vakataura kuti somunhu oga vakawana rudzi rwakati kuti rwekufungirwa zvakaipa kworudzi mukati megore rapfuura. “Urudzi kuchikoro kwangu hwanyanya,” yakadaro imwe pwere inonzi Natasha.

Zvino ngatitii unogara munyika kana kuti munzvimbo mune vakawanda zvikuru vokumwe vari kupinda, nenzira inooneka zvikuru vachichinja chitarisiko chechikoro chenyu, kwaunogara, kana kuti ungano yechiKristu. Unonzwa usisafare pamusoro paizvozvi here? Ipapo zvichida rudado rwerudzi rwuri kutapura kufunga kwako kupfuura zvaungave uchiziva.

Rudado Rwakafanira Rwunorwisana Nerwusakafanira

Izvi zvinoreva kuti rudado nenzira yomuzvarirwo rwakaipa here? Kwete hazvo. Bhaibheri rinoratidza kuti pane nzvimbo yorudado rwakafanira. Apo muapostora Pauro akanyorera vaKristu muTesaronika, akati: “Isu timene [tinodada nemi, NW] pakereke dzaMwari.” (2 VaTesaronika 1:4) Nenzira yakafanana, kuva nomwero wakati wokuzvikoshesa kwakanaka uye ndekwomuzvarirwo. (VaRoma 12:3) Naizvozvo kudada kwakati nerudzi rwako, mhuri, mutauro, ruvara, kana kuti kwaunobva pachako hakuna kuipa. Zvirokwazvo Mwari haangadi kuti tinyare nezvinhu zvakadaro. Apo muapostora Pauro akavhiringidzwa nerimwe tsotsi reEgipita, haana kuzengurira kutaura kuti: “Ini ndiri muJudha weTarso muKirikia, munhu weguta rakakurumbira.”—Mabasa 21:39.

Zvisinei, rudado rwerudzi rwunoipa apo rwunova nepfungwa yokunyanyozvirumbidza kana kuti apo rwunoparira munhu kutarisira vamwe pasi. Bhaibheri rinoti: “Kutya Jehovha ndiko kuvenga zvakaipa; kuzvikudza namanyawi nenzira yakaipa, nomuromo unonyengedzera, ndinozvivenga.” (Zvirevo 8:13) Uye Zvirevo 16:18 inoti: “Kuzvikudza kunotangira kuparadzwa uye mweya wamanyawi unotangira kuwa.” Nokudaro kuzvitutumadza kuti mumwe munhu ndowerudzi rwuri nani kupfuura ose kunovengwa naMwari.—Enzanisa naJakobho 4:16.

Kwakabva Rudado Rwedzinza

Chii chinoita kuti vanhu vadade zvakapfuuridza nerudzi rwavo? Bhuku rinonzi Black, White, Other, rakanyorwa naLise Funderburg, rinoti: “Nokuda kwevakawanda, maonere avo okutanga (uye anogarisa) erudzi anobva kuvabereki nemhuri.” Zvinosuruvarisa kuti, kazhinji kazhinji maonere anopfuudzwa nevamwe vabereki anorerekera kune rimwe divi kana kuti akaipa. Dzimwe pwere dzingaudzwa zvakananga kuti vanhu verudzi rwavo vari nani kupfuura ose uye kuti vanhu vemamwe marudzi vakasiyana kana kuti vakaderera. Kazhinji kazhinji zvikuru, kunyange zvakadaro, vanhu vaduku vanocherechedza kuti vabereki havanei nevanhu vemamwe marudzi. Izviwo zvinogona kuva netapuro ine simba pamafungire avo. Nzvero dzinoratidza kuti nepo vechiduku nevabereki vangakundikana kuwirirana pamusoro pezvipfeko kana kuti nziyo, vechiduku vazhinjisa vanowirirana nemirangariro yevabereki vavo yerudzi.

Mirangariro yakarerekera kune rimwe divi pamusoro perudzi inogonawo kutanga nemhaka yekudzvinyirirwa nokubatwa zvakaipa. (Muparidzi 7:7) Vadzidzisi vakacherechedza, somuenzaniso, kuti vana vemapoka anonzi akaderera kazhinji kazhinji havazviremekedzi. Mukuedza kururamisa zvinhu, vamwe vadzidzisi vakaita zvikamu zvedzidzo yechikoro zvinodzidzisa vana nhau yerudzi rwavo. Nenzira inoshamisa, vaongorori vanotaura kuti kusimbiswa uku kworudado rwerudzi kunongobereka urudzi bedzi.

Ruzivo rwokuzviwanira rwomunhu oga rwunogonawo kuparira kutanga kwemirangariro isina kunaka yourudzi. Kutsamwisana nomumwe munhu werudzi rwakasiyana kungatungamirira mumwe munhu kugumisa kuti mitezo yose yerudzi irworwo yakaipa kana kuti yakaoma misoro. Mirangariro yakaipa nenzira yakafanana ingamutswa apo zvinobudisa nhau zvinobudisa rwisano dzemarudzi, utsinye hwemapurisa, uye misangano yokuratidzira kana kuti apo mapoka emamwe marudzi anobudiswa seakanyangara.

Ngano Yokuti Mamwe Marudzi Ari Nani

Zvakadiniko nokutaura kwevamwe kwokuti rudzi rwavo rwune maruramiro okunzwa rwuri nani kupfuura ose? Pfungwa yokuti vanhu vanogona chaizvoizvo kukamuraniswa kuva marudzi akajeka kutanga inomutsa mubvunzo. Imwe nyaya muNewsweek yakashuma kuti: “Kuvasayendisiti vakaongorora nhau yacho, rudzi murangariro wakaoma zvikuru kutsanangura.” Chokwadi, pangava ne“misiyano inooneka yeruvara rweganda, rudzi rwebvudzi uye maumbirwe emaziso kana kuti mhino.” Zvisinei, Newsweek yakataura kuti “misiyano iyi ndeyepamusoro bedzi—uye kunyange kana vakaedza nepavanogona napo, vasayendisiti havakwanisi kuwana chitsama chipi nechipi chemisiyano inosiyanisa boka rakati rorudzi nerimwe. . . . Muganhu, kuvasayendisiti vazhinjisa vanoshanda nenhau idzi, ndewokuti rudzi ‘maumbirwe enzanga’ bedzi—musanganiswa wekufungira zvakaipa, mashura nengano.”

Kunyange kana misiyano yesayenzi pakati pemarudzi ingagona kuitwa, pfungwa yerudzi “chairwoirwo” ingano. The New Encyclopædia Britannica inoti: “Hakuna marudzi chaiwoiwo; mapoka ose amarudzi ariko zvino musanganiswa wakakwana.” Angava mamiriro api kana api ezvinhu, Bhaibheri rinodzidzisa kuti Mwari “wakaita marudzi ose avanhu, achibva kune mumwe chete.” (Mabasa 17:26) Pasinei zvapo noruvara rweganda, rudzi rwebvudzi, kana kuti chitarisiko chechiso, chaizvoizvo panongova norudzi rumwe chete—rudzi rwomunhu. Vanhu vose vane ukama kupfurikidza nateteguru wedu Adhama.

VaJudha vakare vainyatsoziva nezvemavambo mamwe chetewo emarudzi ose. Asi, kunyange pashure pokuva vaKristu, vamwe vakaomerera pakudavira kuti vaiva nani kupfuura vasiri vaJudha—kubatanidza vamwe vavaitenda navo vaisava vaJudha! Muapostora Pauro akapfuudza pfungwa yokuti rumwe rudzi rwuri nani kupfuura rumwe kupfurikidza nokutaura, sezvakanyorwa pana VaRoma 3:9 kuti: “VaJudha navaGiriki, tichiti vose vakasungwa nezvivi.” Nokudaro hapana boka rorudzi rinogona kuzvitutumadza nezvekuva noukama chaihwo naMwari. Zvirokwazvo, vanhu vamwe nevamwe vanogona kuva noukama naMwari kupfurikidza bedzi nokutenda muna Jesu Kristu. (Johane 17:3) Uye kuda kwaMwari kuti “vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva zvokwadi.”—1 Timotio 2:4.

Kuziva kwako kuti marudzi ose akaenzana mukuona kwaMwari kunogona kuva netapuro huru pamaonere aunozviita nevamwe. Kunogona kukusunda kubata vamwe nechiremera noruremekedzo, kukoshesa nokuyemura misiyano yavo. Somuenzaniso, Melissa muduku, adudzwa pamavambo, haakumbaniri vamwe vake vokuchikoro mukuseka pwere dzinotaura mutauro wavo norurimi rwokumwe. Anoti: “Ndinorangarira avo vanotaura mitauro miviri sevanogona. Kunyange zvazvo ndingada kutaura mumwe mutauro, ndinongogona kutaura mumwe bedzi.”

Yeukawo kuti, nepo vanhu verudzi rwako netsika pasina mubvunzo vane zvakawanda zvokudada nazvo, ndozvinoitawo vanhu vemamwe marudzi. Uye kunyange zvazvo kudada netsika yako uye nezvakaitwa nemadziteteguru ako kungava nomufungo, kudada nezvawakaita somunhu oga kupfurikidza nenhamburiko nebasa rakaoma kunotogutsa zvikuru! (Muparidzi 2:24) Kutaura idi, pane chinhu chimwe chete icho Bhaibheri rinokukurudzira kudada nacho. Sezvinotaurwa pana Jeremia 9:24, Mwari pachake anoti: “Asi unozvirumbidza, ngaazvirumbidze pamusoro pechinhu ichi, kuti unondinzwisisa nokundiziva ini, kuti ndini Jehovha.” Unogona kuzvitutumadza kudaro here?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Kuziva murangariro waMwari werudzi kunotibatsira kufarikanya ushamwari hwevanhu vemamwe marudzi

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe